1 Zvino Jesu adopinda mukamwadiya ndokuyambuka kumhiri achiuya kuguta rache. 2 Ipopo vadouya kwaari nomunhu adotonhora nhengo, adoenzera pabonde rache. Jesu paadoona kutenda kwavo, adoti kuno adotonhora nhengo, "Tsunga mwoyo, mwanakomana wangu! Zvitema zvako zvaregerehwa."
3 Zvino vamwe vanyori vadoti mumwoyo mavo, "Munhu wakareyu ari kushora Mwari!"
4 Asi Jesu nokuziva pfungwa dzavo, adoti kwavari, "Seiko muchifunga zvidoipa mumwoyo yenyu? 5 Nzvipi zvidopusa kuti, ‘Zvitema zvako zvaregerehwa,’ kana kuti, ‘Sumuka utekaire?’ 6 Asi kuti muzive kuti Mwanakomana woMunhu ano masimba panyika yokuregerera zvitema," adobva wati kumurume adotonhora nhengo, "Sumuka, tora bonde rako, uende kumba kwako!"
7 Iye adosumuka ndokuenda kumba kwache. 8 Gurusvusvu paridozviona, ridocha, richibva rarumbidza Mwari, adopereka masimba yadodaro kuvanhu.
9 Jesu paadobva pakarepo achienda kumberi, adoona murume wanga adogarikika paimba yomutero, murume wacho waiitiwa Mateo. Jesu adobva wati kwaari, "Nditevere."
Iye adosumuka ndokumutevera.
10 Paanga adogarikika mumba kuti aje pathafura, vateresi vazinji novatadzi vadouyawo koja pabodzi naJesu novadzidzi vache. 11 Manje vaFarisi pavadozviona vadoti kuvadzidzi vache, "Anga indava yei mudzidzisi wenyu achija novateresi novatadzi?"
12 Asi paadozvinzva adoti kwavari, "Vapuma vanodaba chiremba, asi vanohwara ndivo vanoda chiremba. 13 Endai kodzidza kuti zvakarezvi zvinorevei, ‘Ndinoda tsitsi, aikona chibairo.’ Ndava ndidouyaba kudzodaidza vadorurama, asi vatadzi."
14 Ipopo vadzidzi vaJohwani Muombeki vadouya kwaari vachiti, "Sei isisu novaFarisi tichitsanya, asi vadzidzi venyu vasingatsanye?"
15 Zvino Jesu adoti kwavari, "Ko vadokokewa pamuchato vangarire iye mukwende vanaye chere? Mazuva yachauya pachabiritsiwa mukwende kubva pakati pavo, ipopo ndipo pavachadzotsanya.
16 Hapanai anosonerera chigamba chitsva pahembe yokare peno, ndava chigamba chitsva chinomwaura hembe, boo roingidzika kukura. 17 Nowaini itsva inoisiwaba muhomwe yogako rokare, ukaita zvakarezvo homwe yogakoyo inophabuka, waini yotaika, nohomwe yodehweyo yoparara. Asi waini itsva inoisiwa muhomwe yogako ritsva, kuti zvese zvichengeteke."
18 Achiri kunyaira kwavari daipo, padobva pauya mutungamiri achipfugama pamberi pache, achiti, "Mwanasikana wangu wapfa, asi uyai muturike ruoko renyu paari, kuti achire."
19 Jesu novadzidzi vache adosumuka ndokumutevera.
20 Zvino mukadzi wanga watambura nokubirika gazi kwomakore gumi nomairi adouya mumasure mache ndokubata mukombero wojasi rache, 21 ndava adoti mumwoyo mache, "Ndikandobata jasi rache basi, ndichapora."
22 Jesu adochununguka, paadomuona adoti, "Tsunga mwoyo mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa." Pakarepo, mukadzi adobva wapora.
23 Jesu paadosvika kumba kwomutungamiri, achiona vanoridza tumukubwe, nogurusvusvu richirira maundu, 24 adoti kwavari, "Birikai, ndava musikana haanai kupfa, wandoenzera." Asi ivo vadomuseka. 25 Asi padodzobiritsiwa gurusvusvu, adopinda ndokubata ruoko rache, musikana achibva wamuka. 26 Hwenye hwakarehwo hudosvika mumatunhu yakareyo yese.
27 Zvino Jesu achipfuurira kubva pakarepo, mapofu mairi yadomutevera, yachidaidziritsa, "Mwanakomana waDhavhiti, tinzvirei tsitsi."
28 Paadopinda mumba, mapofu yadouya kwaari, zvino Jesu adoti kwayari, "Munotenda nai kuti ndinokona kuita zvakarezvi?"
Vadoti kwaari, "Inde, Ishe."
29 Ipopo adobata meso yavo, achiti, "Maererano nokutenda kwenyu mbazviitiwe kwamuri." 30 Meso yavo yadopenya ndokuona. Jesu adovatsindikiritsa, "Onai kuti hapanai wazviziva."
31 Asi vadoenda vachiparadzira hwenye hwakarehwo mumatunhu yese.
32 Pavanga vaakubirika, chimumumu changa chinoshave chidoisiwa kwaari. 33 Padodzingiwa shave, chimumumu chidotaura, gurusvusvu ridoshamisika richiti, "Zvidodaizvi hazvinati zvaoneka muIzirairi."
34 Asi vaFarisi vadoti, "Anodzinga mashave nomukuru womashave."
35 Jesu adotenderera mumaguta nomumisha yese. Adodzidzisa mumasinagoge yavo, futi achiparidza vhangeri roumambo, adoporesa matenda yese nohodza dzese. 36 Paadoona gurusvusvu, adorinzvira mutsa, ndava raidzungaidziwa pasinai chibatsiro, kunge hwai dzisinai nyakabusa. 37 Ipopo adoti kuvadzidzi vache, "Kukohwa nghukuru, asi vashandi mbashoma, 38 namatai ndipo kuti mwenekachiro wokukohwa atume vashandi pagoho rache."