1 Umambo hwokudenga hungafananidziwe novasikana gumi vadotora mwenje yavo vachienda kochingura murume. 2 vashano vacho vanga vadozungaira, vashano vanga vadochenjera. 3 Nokuti vadozungaira pavadotora marambe yavo, havanai kutora mafuta, 4 asi vadochenjera vadotora tudende tomafuta pabodzi nomarambe yavo. 5 Murume paadochehwa, vese vadokotsira ndokuenzera.
6 Asi pakati pousiku padodaidzihwa, ‘Onai murume! Birikai momuchingura.’ 7 Ipopo vasikana vaye vese vadomuka vachibatidza marambe yavo. 8 Vadozungaira vadoti kuno vadochenjera, ‘Tipaseiwo yamwe mafuta yenyu, ndava marambe yedu yaakudzimwa.’ 9 Asi vadochenjera vadopindura, ‘Pamwe yanodzokwanaba isisu naimipa, endai kuvatengesi mozvitengera.’ 10 Pavadoenda kotenga, murume adosvika, vanga vadogadzirira vadopinda naye mumabiko yomuchato, sasa richibva ravhariwa.
11 "Mumasure mozvakarezvo vamwe vasikana vadodzouya vachiti, ‘Ishe, Ishe tizururireiwo!’ 12 Asi adovapindura achiti, ‘Chokwadi, ndinoti kwamuri, ndinokuzivaiba.’"
13 Garirirai ndipo, ndava munozivaba zuva kana awa.
14 "Umambo hwaMwari hudofanana pakare nomurume adoenda hwendo, adodaidza varanda vache vaadovimba navo kusiira pfuma yache, 15 umwe adomupasa masaga mashano yondarama, umwe mairi, umwe ribodzi, umwe noumwe adopasiwa maererano nomagonero yache. Saka tenzi adobva waenda zvache. 16 Uyeuye adotambira masaga yondarama mashano adoenderafuti koita maronda nayo, achibva wawana yamwe mashano pamusoro. 17 Ndomwenze kamu nouye wanga anomasaga yondarama mairi adowana yamwe mairi. 18 Asi uye adotambira ribodzi adoenda koricherera pasi achivikha mari yatenzi wache.
19 Zvino kwapera nguwa irefu tenzi wovaranda vakarevo adouya kudzovabvunza zvavanga vaita nomari yache. 20 Iyeuye adotambira masaga yondarama mashano adouya achipereka yamwe mashano achiti, ‘Tenzi mudonditambidza masaga yondarama mashano, ndino yamwe yandidoingidzira mashano.’ 21 Tenzi wache adoti kwaari, ‘Hekani, muranda adonaka adotendeka, udova adotendeka pazvishoma, ndichakuita mukuru pazvizinji. Pinda mumufaro watenzi wako.’ 22 Nouye wanga ano masaga yondarama mairi adouyawo achiti, ‘Tenzi, mudondipasa masaga yondarama mairi, ndaingidzira yamwe mairi pamusoro poyamudondipasa.’ 23 Tenzi wache adoti kwaari, ‘Inde, muranda adonaka adotendeka, wanga udotendeka pazvishoma, ndichakuisa pamusoro pozvizinji. Pinda mumufaro watenzi wako.’ 24 Nyakupasiwa saga rondarama ribodzi adouyawo achiti, ‘Tenzi ndidokuzivai kuti muri munhu adooma, munokohwa pamusinai kujara, nokuunganidza pamusinai kuwaza mbeu. 25 Saka ndidocha, ndokubva ndaenda kovikha muivhu saga renyu rondarama. Onai, ndiri saga renyu rondarama.’ 26 Asi tenzi wache adomupindura achiti, ‘Naiwe muranda adoipa nyanungo, handiti waiziva kuti ndinokohwa pandisinai kujara, nokuunganidza pandisinai kuwaza mbeu? 27 Saka dai udoisaka mari yangu kubhengi, kuti pakuuya kwangu ndidzoitambira yabereka. 28 Saka mutorerei saga rondarama raanaro, muripase ano masaga gumi. 29 Ndava wese anozvaanazvo, achapasiwa zvimwe zvidowanda, wova nozvizinji. Asi uyo asinai chinhu achatorehwa nochaanacho peno. 30 Khandirai muranda wakareyo asinai nokabonyo kese murima rokunze, kwakareko vanhu vacharira nokurumanisa meno yavo nondava nokudzimbiwa.’
31 Pachauya Mwanakomana woMunhu mukubhwinya kwache, pabodzi nongirozi dzache, achagarikika pamupando wache unobhwinya. 32 Pamberi pache pachaunganidziwa marudzi yese, achayakamuranisa kunge nyakabusa anokamura mahwai kubva kumbudzi, 33 achaisa hwai kuruoko rache roruji, asi mbudzi kurubose. 34 Ipopo Mambo achati kuno vari kuruoko rache roruji, ‘Uyai imi, vadoropafadziwa vaBaba vangu, garai nhaka yamudogadzirihwa kubva pamavambo yonyika, 35 ndava pandanga ndino nzara mudondipasa chokuja, pandanga ndino nyota mudondipasa chokumwa, pandanga ndiri murendo mudonditambira, 36 pandanga ndiri pedzi mudondisimidza, pandanga ndichihwara mudondibvakachira, pandanga ndiri mutorongo mudouya kwandiri.’ 37 Ipopo vadorurama vachamupindura vachiti, ‘Ishe, ndirini patidokuonai muno nzara tikakuposhai, kana muno nyota tikakupasai chokumwa? 38 Ndirini patidokuonai muri murendo tikakutambirai, kana muri pedzi tikakusimidzai? 39 Ndirini patidokuonai muchihwara kana muri mutorongo tikakubvakachirai? 40 Mambo achavapindura achiti, ‘Chokwadi ndinoti kwamuri, pamudozviitira umwe wohama dzangu dzidiki idzi, mudoitira inipano.’
41 Zvino achati kuno vari kuruoko romamose, ‘Ibvai kwandiri, imi vadoshurikidziwa, muende kumoto wokusingapere udogadzirihwa Sathani nongirozi dzache, 42 nokuti pandanga ndino nzara hapanai chokuja chamudondipasa, ndino nyota hapanai chokumwa chamudondipasa, 43 pandanga ndiri murendo hamunai kunditambira, ndiri pedzi hamunai kundisimidza, ndichihwara futi ndiri mutorongo hamunai kundibvakachira.’ 44 Ipopo naivo vachapindurawo vachiti, ‘Ishe, ndirini patidokuonai muno nzara kana muno nyota, kana muri murendo kana muri pedzi kana muchihwara kana muri mutorongo, tikareka kukushumirai?’ 45 Ipopo Ishe achavapindura achiti, ‘Chokwadi ndinoti kwamuri, pamusinai kuzviitira umwe wovadiki ava, hamunai kuzviitira inini.’ 46 Zvino vachaenda kumurango wokusingapere, asi vadorurama kuupenyu husingapere."