1 Zvino Jesu paadozvahwa muBheterehema roJudhiya mumazuva yamambo Herudhe, varume vaidzidza zvonyenyedzi vadosvika muJerusarema vachibva kumabvazuva. 2 Vadoti, "Ari poi uyo adozvahwa ari mambo wovaJudha? Ndava tidoona nyenyedzi yache kumabvazuva, tauya kudzomunamata."
3 Zvino mambo Herudhe paadonzva zvakarezvo, adonetseka pabodzi novese muJerusarema. 4 Adounganidza vaphirisita vakuru vese novadzidzisi vovanhu, achivabvunza kwaidzozvarihwa Khirisitu.
5 Vadomunyepa kuti, "MuBheterehema roJudhiya. Ndava ndizvo zvidonyohwa nomuporofiti achiti,
6 ‘Naiwepa Bheterehema munyika yaJudha,
ndiweba mudikitsa pakati povatongi vovaJudha.
Ndava mauri muchabva mutongi
acharisa vanhu vangu vaIzirairi.’"
7 Pakarepo Herudhe adodaidza kabisira varume vaidzidza zvonyenyedzi kuti azive kubva kwavari nguwa idooneka nyenyedzi. 8 Adovatuma kuBheterehema achiti, "Endai kobvunzitsitsa zvomwana, kana mamuwana mundivikhire shoko, kuti nainipanowo ndiuye kudzomunamata."
9 Pavadonzva mambo vadopinda munzira yavo. Pakarepo vadobva vaona nyenyedzi yavanga vaona kumabvazuva yaakuvatungamira, kusvikira yamira pamusoro panzvimbo yanga ino mwana. 10 Pavadoona nyenyedzi vadoingidzika kufara nomufaro mukuru. 11 Pavadopinda mumba vachiona mwana naMariya amai vache. Vadokotamira pasi vachimunamata. Ipopo vadovhura zvipo zvavo ndokumupasa, ndarama, zvinonushira nomura.
12 Kudzoti vachenjedzewa muchiroto, kuti vareke kudzokera kuna Herudhe, vadoenda kunyika yavo noimwe nzira.
13 Vadzidzi vonyenyedzi pavadondobva, ngirozi yaIshe idozvinangidza kuna Josefa muchiroto ichiti, "Sumuka, utore mwana namai vache, utizire kuIjipiti. Ugare kwakareko kusvikira ndakunyepa, ndava Herudhe wava kutsvaga mwana kuti amupunze."
14 Ipopo Josefa adomuka usiku ndokutora mwana namai vache, ndokuenda kuIjipiti. 15 Vadogara kwakareko kusvikira pakupfa kwaHerudhe. Uku kwanga kuri kuzazisa zvidonyaihwa naIshe kuburikidza nomuporofiti achiti, "Kubva kuIjipiti ndidodaidza mwanakomana wangu."
16 Zvino Herudhe paadoona kuti wabatisiwa dombo novarume vaidzidza zvonyenyedzi, adopupuma noukari. Adobva waraira kuti vanakomana vese vanomakore mairi zvichidzika vapunziwe muBheterehema, nomudunhu rese. Zvichienderana nonguwa idotauhwa novarume vaidzidza zvonyenyedzi.
17 Ipopo padozazisiwa zvidonyaihwa namuporofiti Joromiya achiti,
18 "Izvi ridonzvika muRama,
maundu nomhere ikuru.
Rakeri achiririra vana vache,
achiramba kunyaradziwa,
ndava havachisipo."
19 Kudzoti Herudhe wapfa, ngirozi yaIshe idozvinangidza kuna Josefa mukurota muIjipiti, 20 ichiti, "Sumuka, utore mwana namai vache muende kunyika yaIzirairi, ndava vaye vaitsvaga upenyu hwomwana, vadopfa." 21 Adosumuka ndokutora mwana namai vache, vachidzokera kunyika yaIzirairi.
22 Asi paadonzva kuti Akerausi wava kutonga kuJudhiya pachinzvimbo chababa vache Herudhe, adocha kukuenda pakare. Nokuchenjedzewa muchiroto, adodzonanga kudunhu rikuru roGaririya. 23 Adoenda kogara muguta rinoitiwa Nazareta, kuti zvidonyaihwa novaporofiti zvokuti, "Achatenzewa kuti muNazarini," zvizazisiwe.