1 Zvino vaFarisi novadzidzisi vomurairo vadouya kuna Jesu vachibva kuJerusarema, vachiti, 2 "Seiko vadzidzi venyu vasingatevere tsika dzovakuru? Ndava vanoshambaba manja yavo kana vaakuja."
3 Adovapindura, "Ko sei imimi muchichora mutemo waMwari nokuda kwotsika dzenyu? 4 Ndava Mwari adoraira achiti, ‘Kudza Baba vako naamai vako,’ uye ‘Uyo anotaura zvidobookera kuna baba kana amai vache, mbaapunziwe.’ 5 Asi imimi munoti, ‘Kana munhu akaudza baba vache kana amai vache, kuti chandaida kukubatsirai nacho chapasiwa Mwari. 6 Iye achafaniraba kukudza baba vache nacho, saka nondava yotsika dzenyu, mudosayisa simba shoko raMwari. 7 Imi vanyengeri! Isaya adonatsa paadoporofita pamusoro penyu, achiti:
8 Vanhu ava vanondikudza nomiromo yavo,
asi mwoyo wavo uri kurefu nainini,
9 hapanai zvokuti vanondinamata,
dzidziso dzavo mitemo yovanhu.’"
10 Zvino Jesu adodaidza vanhu kwaari ndokuti kwavari, "Inzvai, munzvitsitse: 11 hapanai chinopinda mukamwa chinosvipisa munhu, asi chinobirika mukamwa, chakarecho ndicho chinosvipisa munhu."
12 Ipopo vadzidzi vadouya ndokuti kwaari, "Muri kuziva chere kuti vaFarisi vadogumbuka pavadonzva kunyaira kwakareku?"
13 Adopindura achiti, "Muti wese usinai kusimiwa naBaba vangu vokudenga uchadzuriwa. 14 Vasiyei daro! Mbatungamiri marombe, kana rombe rikatungamirira rimwe rombe, vese vanowira mugomba."
15 Asi Pita adoti kwaari, "Titsumbudzurirei mufananidzo."
16 Jesu adoti, "Naimimiwo kamu hamunati mava kunzvitsitsa? 17 Munoonaba kuti chese chinopinda mukamwa chinoenda mumimba, chichidzobirika? 18 Asi chinobirika mukamwa chinobva mumwoyo, chakarecho ndicho chinosvipisa munhu. 19 Ndava mumwoyo munobirika pfungwa dzidoipa, kuponda, zvivi zvopabonde, upombwe, uhure, kuba, kupupura mabhwodo, kunyeya. 20 Zvakarezvi ndizvo zvinosvipisa munhu, asi kuja nomanja yasinai kushambiwa kunosvipisaba munhu."
21 Zvino Jesu adobirika pakarepo achienda kudunhu roTire noSidhoni. 22 Ipopo, mukadzi muKhenani anobva kumatunhu yakareyo adouya achidaidzira, "Nai Ishe, Mwanakomana waDhavhiti, ndinzvireiwo tsitsi, mwanasikana wangu ari kutambudziwa zvidoipitsitsa noshave ridomuphotera."
23 Asi haanai shoko raadomupindura. Zvino vadzidzi vache vadouya ndokumbiritsa vachiti, "Mudzingei, ndava ari kutevera achidaidzira kwatiri."
24 Adopindura achiti, "Ndidondotumiwa kuhwai dzidotaika dzoimba yaIzirairi basi."
25 Asi iye adouya ndokupfugama pamberi pache achiti, "Ishe, ndibatsirei."
26 Adopindura achiti, "Hazvinai kufanira kutora chikafu chovana uchichikandira imbwa."
27 Iye adoti, "Inde, Ishe, kana noimbwa dzinojawo zvinombwera pasi potafura yaatenzi vadzene."
28 Ipopo Jesu adomupindura achiti, "Amai imi, kutenda kwenyu nghukuru! itihwai zvamurikuda." Mwanasikana wache adobva waporerafuti nguwa yakareyo.
29 Kubva pakarepo Jesu adoramba achienda achideva noGungwa roGaririya. Adokwira mugomo, ndokugarikika pasi makaremo. 30 Ipopo zvaunga zvikuru zvidouya kwaari nomhetamakumbo, vaidzomhira, mapofu, zvimumumu, novamwe vazinji, ndokuvaisa patsoka dzache, achibva wavaporesa, 31 zvokuti chaunga chidoshamisika, pachidoona zvimumumu zvichitaura, zvirema zvichipora, mhetamakumbo dzichitekaira, nomarombe yachiona, vachibva varumbidza Mwari waIzirairi.
32 Ipopo Jesu adodaidza vadzidzi vache ndokuti, "Ndinotsitsi nomhomho iyi ndava ivova vatova nomazuva matatu vaneni, vasinai chavaja, handidi kuvaendesa nonzara, vangadzowa chikhomo munzira."
33 Vadzidzi vadoti kwaari, "Nghupi musango kwatingawane mazingwa yanokwanira chaunga chikurufutichi?"
34 Jesu adoti kwavari, "Mangani mazingwa yamunayo?"
Vadoti, "Manomwe, notuhove tudiki tushomashoma."
35 Adoraira chaunga kuti chigarikike pasi, 36 adotora mazingwa manomwe nohove, paadotenda adozvikomora komora ndokuzvipasa vadzidzi vache, vadzidzi ndokupasa chaunga. 37 Vadoja vese vachiguta, vachibva vaunganidza zvimepfu zvidosara zvikazara tswanda dzinomwe. 38 Vadoja vacho vanga vari vanhurume zviuru zvinai, vanhukadzi novana vasingaverengewe.
39 Jesu paadokototsa vanhu, adopinda mukamwadiya ndokuenda kumatunhu yokuMagadhani.