1 Zvino Jesu adoti kumhomho nokuvadzidzi vache, 2 "Vadzidzisi vomutemo novaFarisi mbadudziri vomutemo waMozisi, 3 itai uye chengetai zvese zvavanokuudzai, asi aikona kuita zvavanoita, ndava zvavanoparidza, hazvisi zvavanoita. 4 Vanosunga mitoro inorema, isingatakurike, vachiiisa pamapfudzi yovanhu, asi ivo pachavo vanodaba kana nokubatsirako. 5 Zvavanoita zvese nzvokuda kuonewa novanhu, ndava vanokudza tuborosa tavo tavanosungirira pahuma vachitorephesa mapfundo yomukombero womajasi yavo, 6 nokufarira nzvimbo dzochiremerera pamabiko nomipando idonakitsitsa mumasinagoge, 7 nokumoresewa zvinorukudzo pamisika, nokudaidziwa kuti mudzidzisi novanhu. 8 Asi imipa rekai kudaidziwa kuti mudzidzisi, ndava muno Mudzidzisi mubodzi, mese muri vakoma novanin'ina’ina. 9 Musadaidze munhu ari panyika kuti baba venyu, ndava muna Baba mubodzi, ari kudenga. 10 Rekai kudaidziwa kuti mutungamiri, ndava muno Mutungamiri mubodzi, iye Khirisitu. 11 Mukuru maninge pakati penyu mbaave muranda wenyu. 12 Wese anozvikwidziridza achaninipisiwa, nowese anozvininipisa achakwiridzihwa.
13 Mayanga kwamuri, vadzidzisi vomutemo novaFarisi, vanyengeri! ndava munozaririra vanhu kunze umambo hwokudenga, ndava imipa pachenyu munopindaba, novanoda kupinda vacho hamuvabvumire. 14 Mayanga kwamuri, vadzidzisi vomutemo novaFarisi, vanyengeri! Ndava munotora midziyo yovajiche, muchinyepera kuita minamato mirefu. Saka muchapasiwa mhosva ikuru.
15 Mayanga kwamuri, vadzidzisi vomutemo novaFarisi, vanyengeri! ndava munopoterera gungwa nonyika kuti muwane mubodzi wokupindutsira kuchiJudha, kana wapinduka, munomuita mwana woGehena zvidopetewa kairi kupinda zvamuri imipa.
16 Mayanga kwamuri, vatungamiri marombe, vanoti, ‘Kana munhu akapika noimba yaMwari, hazvinai basa, asi kana munhu akapika nondarama yoimba yaMwari wasungiwa nomhiko yache.’ 17 Imi marombe madzemwa! Anga chii chikuru, ndarama kana imba yaMwari inoita kuti ndarama iyere? 18 Futi munoti, ‘Kana munhu akapika noatari, hazvinai basa, asi kana munhu akapika nochipo chiri paatari, wasungiwa nomhiko yache.’ 19 Imi marombe! Anga chii chikuru, chipo kana atari inoita kuti chipo chiyere? 20 Saka anopika noatari, anopika nayo pabodzi nozviri pairi zvese, 21 nouyo anopika noimba yaMwari, anopika nayo pabodzi naMwari anogara makaremo, 22 nouyo anopika nodenga, anopika nomupando waMwari pabodzi naMwari anougarirayo.
23 Mayanga kwamuri, vadzidzisi vomutemo novaFarisi, vanyengeri! Ndava munobisa chogumi chomindi nodhiri, nokhumini, asi mudosiya zvinhu zvinobasa pamutemo zvinoti, kuenzanisa, notsitsi nokutendeka, izvi maifanira kuzviita, asi musingasiye zvimwe zvacho. 24 Imi vatungamiri marombe, munoungura muchibiritsa kanyerere asi muchinyongomedza ngamera!
25 Mayanga kwamuri, vadzidzisi vomutemo novaFarisi, vanyengeri! ndava munosuka kunze kwokomichi nondiro, asi mukati mudozara zvidopambiwa nonhafu. 26 Iwe muFarisi rombe! thanga kusuka mukati mokhomichi nondiro, kuti nokunze kuchenewo.
27 Mayanga kwamuri, vadzidzisi vomutemo novaFarisi, vanyengeri! Ndava munenge manda yadopendewa, yanooneka kunaka kunze, asi mukati yadozara mapfupa yovanhu vadopfa notsambwa dzese. 28 Naimipawo munooneka novanhu kururama kunze, asi mukati mudozara unyengeri nounhura.
29 Mayanga kwamuri, vadzidzisi vomutemo novaFarisi, vanyengeri! ndava munovakha makuwa yovaporofiti nokushongedza zviumbwa zvovadorurama, 30 muchiti, ‘Dai tidorarama mumazuva yomadzibaba yedu, dai tisinai kubatana navo kuteura gazi rovaporofiti.’ 31 Saka muri kuzvipupurira mega kuti muri vana voavo vadoponda vaporofiti. 32 Endererai mberi ndipo nokuzaza chiyero chidosiiwa nomadzibaba yenyu. 33 Imi nyoka, vana vonyoka, munopunyuka tini mutongo wokuti muendesewe kunzvimbo yokutambudzika nokusingapere? 34 Ndichakutumirai ndipo vaporofiti novachenjeri novadzidzisi vomutemo, vamwe vacho muchabaya nokurovera pamuchinjikwa, vamwe ndivo vamucharova mumasinagoge yenyu nokuvatambudza kubva muguta rimwe muchienda kunorimwe guta. 35 Kuti pamusoro penyu pauyisiwe gazi rese rovadorurama ridoteuhwa panyika, kubva pagazi raEbhero asinai mhosva kusvika pagazi raZakariya mwanakomana waBherekiya, wamudobayira pakati poimba yaMwari noatari. 36 Chokwadi ndinokunyepai, izvozvi zvese zvichauya pamusoro povanhu ivova vonguwa iyoino!
37 Jerusarema, Jerusarema, unobaya vaporofiti nokutema nomabhwe vaye vanotumiwa kwauri! Kazinji sei pandaida kuunganidza vana vako pabodzi kunge tsekese inovhumbamira tutiyo tayene mumaphaphiro mayene, manje maramba! 38 Nangarai imba yaMwari yasiiwa iri don’o. 39 Ndava ndinokuudzai, muchandionaba kamu, kusvikira muchidzoti, ‘Adokomborehwa iye anouya muzita raIshe.’"