1 Umambo hwokudenga hudoita kunge muridzi womunda adobirika mangwanani kotsvaga vashandi vomumunda wache womizambiringa 2 Musure mokubvumirana novashandi kuvaripa dhinari pazuva, adobva wavatuma kumunda wache womizambiringa. 3 Adobirika paawa yochipfemba mangwanani ndokuona vamwe vadondoti puru, pamusika, 4 adoti kwavari, ‘Naimipa endaiwo kumunda womizambiringa, chese chidokodzera ndinokupasai.’ Vachibva vadoenda. 5 Adobirika pakare paawa inenge yogumi nodziiri noyochitatu masikati achiita zvibodzi bodzizvo. 6 Dzava nguwa dzogumi noibodzi adobirika ndokuwana vamwe vadondoti puru, adovabvunza achiti, ‘Mudomirirei pano zuva rese pasinai chamurikuita?’ 7 Vadomupindura vachiti, ‘Ndava hapanai watidaidza kundomba.’ Adoti kwavari, ‘Endaiwo koita basa kumunda womizambiringa.’
8 Kudzoti yava mauro, muridzi womunda womizambiringa adoti kumutariri wache, ‘Daidza vashandi uvahorese mibairo yavo, uchithanga nowokupedzisira, uchiguma nowathanga.’ 9 Padouya vaye vadopasiwa basa paawa yogumi noibodzi, vadotambirisiwa dhinari pamunhu. 10 Manje vokuthanga pavadodzouya vadofunga kuti vachatambirisiwa idowanda, asi vese vadondotambirisiwa dhinari pamunhu. 11 Pavadoritambira vadonyunyutira muridzi womusha, 12 vachiti, ‘Ava vokupedzisira vandoshanda awa ibodzi basi, imipa mavaenzanisa naisisu tasvera tichibinduka zuva richitsvonda kupisa.’ 13 Asi adopindura umwe wavo, ‘Shamwari, hapanai chandakukanganisira, haunai kubvumirana nainini dhinari ribodzi here? 14 Tora chako, uende, ndasarudza kupasa wokupedzisira kunge zvandakupasa iwepa. 15 Anga ndinobvumihwaba nai kuita zvandinoda nozvinhu zvangu? Kana kuti watsvisiwa mwoyo nokupereka kwangu?’
16 Saka vokupedzisira vachava vokuthanga, novokuthanga vova vokupedzisira."
17 Jesu paanga achienda kuJerusarema, ari munzira adotora parutivi vadzidzi vanogumi novairi, ndokuti kwavari, 18 "Onai, tiri kuenda kuJerusarema, uye Mwanakomana woMunhu achaperekewa kuvaprista vakuru novadzidzisi vomurairo, ivo vachamutongera ipfa, 19 vomupereka kuno voDzimwe Ndudzi kuti vamunyadze nokumurova vodzomurovera pamuchinjikwa, iye wodzomutsiwa nozuva rochitatu."
20 Ipopo amai vovanakomana vaZebhedhi vadouya kuna Jesu, novanakomana vavo, vachibva vapfugama pamberi pache ndokumuruvira chimwe chinhu.
21 Iye adoti kwaari, "Anga chii chaunoda?"
Adoti kwaari, "Tenderai kuti vanakomana vangu vairi ava, vagare umwe kuruoko renyu roruji umwe kurubose kwenyu, muumambo hwenyu."
22 Asi Jesu adopindura achiti, "Munozivaba zvamunoruvira. Munokona nai iyemi kumwa mukombe wandichamwa?"
Vadoti kwaari, "Tinokona."
23 Adoti kwavari, "Muchamwa zvenyu mukombe wangu, asi zvokugarikika kuruoko rangu roruji norokumabose nzvanguba kuti ndizvipase, asi nzvoavo vadozvigadzirihwa naBaba vangu."
24 Manje vadzidzi gumi pavadozvinzva, vadomwamwira mukoma nomunin'ina’ina. 25 Asi Jesu adovadaidza kuti vauye kwaari ndokuti, "Munoziva kuti vatongi voDzimwe Ndudzi vano simba pamusoro pavo, vakuru vavo vanoita mukurira pavari. 26 Mbazvirege kudaro pakati penyu, asi wese anoda kuva mukuru pakati penyu mbaave mushandi wenyu, 27 nowese anoda kuva wokuthanga pakati penyu mbaave muranda wenyu, 28 ndomwenze iye Mwanakomana woMunhu asinai kuuya kudzoshumihwa, asi kudzoshumira, nokupereka upenyu hwache kuti huve rudzikinuro rovazinji."
29 Jesu novadzidzi vache pavanga vaakubirika muJeriko, mhomho ikuru idomutevera. 30 Padoita, marombe mairi vanga vadogarikika panyasi nonzira, pavadonzva kuti ndiJesu ari kupinda, vadodaidzira vachiti, "Ishe, Mwanakomana waDhavhiti, tinzvirei tsitsi!"
31 Mhomho idovadzumidza, ichivaudza kuti vanyarare, asi ivo vadokungudzitsirafuti, "Ishe, Mwanakomana waDhavhiti, tinzvirei tsitsi!"
32 Jesu adomira ndokuvadaidza achiti, "Chii chamunoda kuti ndikuitirei?"
33 Vadoti kwaari, "Ishe, kuti meso yedu yaone."
34 Jesu notsitsi adobata meso yavo, kabodzi nokabodzi vadopenyerafuti vachibva vamutevera.