Publicidade

Mateus 17

Kusanduka

1 Mumasure momazuva matanhatu Jesu adotora Pita naJakobho mukoma nomunin'ina’ina naJohwani ndokukwira mugomo rirefu pavo vega. 2 Ipopo adosanduka pamberi pavo, chiso chache chidoyetima kunge zuva, majasi yache yadoti ngwerevere kunge chiedza. 3 Zvino padobva paoneka Mozisi naEriya vachinyaira naye. 4 Pita adoti kuna Jesu, "Ishe, zvidonaka kuti tiri pano, kana muchida, ndichakuvakirai matumba matatu pano, rimwe renyu rimwe raMozisi norimwe raEriya."

5 Paanga achiri kunyaira daipo, padobva pauya guti rinopenya ndokuvafukidza, izvi ridobva muguti rakarero ridoti, "Wakareyu ndiye Mwanakomana wangu wandinoditsitsa, ndinofadziwa naye maninge mutetekerei!"

6 Vadzidzi pavadonzva zvakarezvo, vadokotamira pasi nozviso zvavo, vachicha. 7 Asi Jesu adouya ndokuvabata, achiti, "Mukai rekai kucha." 8 Pavadosumudza meso yavo, hapanai wavadoona kunze kwaJesu basi.

9 Pavanga voburuka mugomo, Jesu adovatsindikira, "Rekai kuudza munhu zvamaona, kusvikira Mwanakomana woMunhu amutsiwa kubva kuvadopfa."

10 Zvino vadzidzi vadomubvunza, "Anga zvino seiko vadzidzisi vomurairo vachiti Eriya ndiye anothanga kuuya?"

11 Iye adopindura achiti, "Eriya anouya, achidzotsera zvinhu zvese, 12 asi ndinokunyepai kuti Eriya adotouya kare, asi havanai kumuziva, vadobva vamuitira zvavaida. NoMwanakomana woMunhu kamu achatambudziwa mumaoko yavo."

13 Ipopo vadzidzi vadonzvitsitsa kuti wanga achivanyairira zvaJohwani Muombeki.

Jesu Anoporesa Mukomana ano Shave

14 Pavadosvika pamhomho, murume adouya kwaari ndokupfugama pamberi pache achiti, 15 "Ishe, nzvirai tsitsi mwanakomana wangu, nokuti anopfavi, anotambudzika zvidoipa, kazinji anowira mumoto, pamwe pacho mumvura. 16 Ndidouya naye kuvadzidzi venyu, vachibva vatadzirira kumuporesa."

17 Zvino Jesu adopindura achiti, "Ndichava naimimi kusvikira rini, naimi vanhu vanasi vadopombonyoka, vasinai kutenda? Ndichakuitirai mwoyo murefu kusvika rini? Uyai naye kuno kwandiri." 18 Ipopo Jesu adodzuma shave, richibva rabirika mukomana achibva waporerafuti.

19 Pasure vadzidzi vadouya kuna Jesu kabisira vachiti, "Ko isisu tatadzirira tini kuridzinga?"

20 Adoti kwavari, "Indava yokutenda kwenyu kudiki. Ndava chokwadi ndinoti kwamuri, kana muno kutenda kudiki kunge mbeu yomasitadhi, muchati kugomo iri, ‘Ibva pano uende uko,’ richaenda, hapanai chingatadzike nemi." 21 Asi rudzi iri rinobirikaba kunze kwokunamata nokutsanya.

Jesu Anonyaira Kamu zvoIpfa Yache

22 Pavadosangana kuGaririya, Jesu adoti kwavari, "Mwanakomana woMunhu achaperekewa mumaoko yovanhu, 23 ivo vachamubaya, asi pazuva rochitatu achamutsiwa."

Ivo vadoshushikana nazvo chaizvo.

Kuripa Mutero woImba yaMwari

24 Pavadosvika kuKaperenaume, vateresi vomutero woimba yaMwari vadoenda kuna Pita vachiti, "Ko mudzidzisi wenyu anoteraba mutero nai?"

25 Iye adoti, "Anotera inde."

Kudzoti Pita wasvika kumba, Jesu ndiye adothanga kunyaira kwaari achiti, "Unofungei, Simoni? Madzimambo vonyika vanotora mitero kunani? Kubva kuvanakomana vavo chere kana kuvamwewo?"

26 Iye paadoti, "Kubva kuvamwewo," Jesu adoti kwaari,

"Saka vanakomana vadosunungukaka. 27 Zvisinei, kuti tireke kuvagumbura, enda kugungwa wokhanda chirauro, utore hove inothanga kubirika, ukavhura mukamwa mayene uchawana kobiri rinokosha, ritore uvapase yangu noyako."

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-15_21-32-39-