1 Zvino adodaidza vadzidzi vache gumi novairi ndokuvapasa masimba pamusoro pomweya idoipa, kuti vaidzinge, nokuporesa matenda yese nohodza dzese. 2 Mazita yonhumwa gumi novairi njaya, wokuthanga ndiSimoni anoitiwa Pita naAndireya waiva mukoma nomunin'ina naye, naJakobho waiva mukoma nomunin'ina’ina naJohwani, vaiva vanakomana vaZebhedhiya, 3 naFiripi naBhatoromiyu, naTomasi naMateo muteresi, naJakobho mwanakomana waArifiyasi, naThedhiyasi, 4 naSimoni woushingi, naJudhasi Sikariyoti, adodzomupandukira.
5 Ivova gumi novairi Jesu adovatuma, achivakohomedza, "Musaende kunovasiri vaJudha, futi rekai kupinda muguta rovaSamariya, 6 asi endai kuhwai dzidotaika dzoimba yaIzirairi. 7 Pamunenge muchienda paridzai muchiti, ‘Umambo hwokudenga hwanyedza papfupi.’ 8 Poresai vahwere, mutsai vadopfa, natsai vomabobo, dzingai mashave. Mudopasiwa mahara, perekai mahara. 9 Rekai kutora ndarama kana sirivha, kana mhangura muzvikwama zvenyu, 10 pahwendo hwenyu pasave nonhava, pasave nohembe dziiri, kana shangu, kana tsvimbo, ndava mushandi ano kodzero yochokuja chache.
11 Futi guta kana musha upi zvawene wamunopinda, tsvagai kuti mbani anokodzera kugara nemi makaremo, garai naiyeyo kusvikira mabirika. 12 Pamunenge muchipinda muimba, moresai vari makaremo. 13 Kana imba yacho ichikodzera, rugare hwenyu mbahuuye pavari, asi kana isingakodzere, rugare hwenyu mbahudzokere kwamuri. 14 Pakaita asingakutambirei kana asingatetekere mashoko yenyu, pamunobirika mumusha wakareyo kana muguta rakarero kuhumurai pfumbi patsoka dzenyu. 15 Chokwadi ndinoti kwamuri, pazuva rokutongewa, zvichatorerukira nyika yoSodhoma noGomora kukunda guta rakarero.
16 "Onai, ndinokutumai mudoita kunge mahwai pakati pomasvitsi. Chenjerai kunge nyoka futi muve vasinai mhosva kunge njiva. 17 Chenjererai vanhu, ndava vachakuperekai kumatare, nokukurovai mumasinagoge yavo, 18 muchangwuvihwa kuvatongi nomadzimambo nokuda kwangu, kuti mupfakaze pamberi povasiri vaJudha. 19 Kana vachikuperekai kuvatongi, regai kunetseka kuti muchataura tini kana kuti muchati chii, ndava zvamuchanyaira muchazvipasiwa panguwa yakareyo. 20 Ndava ndimiba munonyaira, asi Mweya waBaba venyu anotaura nomamuri.
21 Mukoma nomunin'ina vachabaisana, nababa mwana wavo, vana vachamukira vabereki vachivabaisa, 22 futi muchavengewa novese nokuda kwangu. Asi anotsungirira kusvika kumagumo achaponesewa. 23 Kana vakakutambudzai murimwe guta, tizirai kuno rimwe, nokuti chokwadi ndinoti kwamuri, munopedzaba maguta yese yaIzirairi, Mwanakomana woMunhu asinati wauya.
24 "Mudzidzi haakunde mudzidzisi wache, nomuranda haazi pamusoro patenzi wache. 25 Zvinokodzera kuti mudzidzi afanane nomudzidzisi wache, nomuranda kuti afanane natenzi wache. Kana vadodaidza tenzi woimba kuti Bheruzabheri, vachakungudza zvidonyanyitsa tini kunyangadzira voimba yache!"
26 "Saka rekai kuvacha. Ndava hapanai chidofukidziwa chisingadzobiritsiwa pachenu, kana chidosvisviwa chisingadzozikana. 27 Zvandinokunyepai murima, zvinyairei pachiedza, nozvamunonzva kazevezeve zvidaidzirei pamusoro podzimba. 28 Rekai kucha vanobaya muiri asi vasingagone kubaya mweya, asi ichai uyo anogona kuparadza zvese muiri nomweya mugehena. 29 Ko tusudzamvura tuiri tunotengesewaba nosendi? Asi hapanai kabodzi kanodzowira pasi Baba venyu vasingade. 30 Asi kana novhudzi romusoro wenyu ridoverengewa rese. 31 Rekai kucha ndipo, mudokosha kukunda tusudzamvura tuzinji.
32 Saka wese anondibvuma pamberi povanhu, ndichamubvumawo pamberi paBaba vangu vari kudenga. 33 asi wese anondiramba pamberi povanhu ndichamurambawo pamberi paBaba vangu vari kudenga.
34 Rekai kufunga kuti ndidouya kudzoisa runyararo panyika, handinai kuuya kudzoisa runyararo, asi botso. 35 Nokuti ndidouya kuti munhu atsvatsvane nababa vache, mwanasikana apesane namaache, nomuroora apesane naamwene vache, 36 mhandu dzomunhu ndidzo dzichava hama dzomumba mache.
37 Uyo anoda baba kana amai kukunda inini haakodzere kwandiri, nouyo anoda mwanakomana kana mwanasikana kukunda inini haakodzere kwandiri, 38 nouyo asingatore muchinjikwa wache achinditevera haakodzere kwandiri. 39 Uyo anoda kuchidza upenyu hwache achataikihwa nahwo, nouyo anotaikihwa noupenyu hwache nokuda kwangu achahuwana.
40 "Anokutambirai anotambira inini, noanonditambira inini anotambirawo adondituma. 41 Anotambira muporofiti nondava yokuti muporofiti achatambira mubairo womuporofiti, noanotambira munhu adorurama nondava yokuti munhu adorurama achatambira mubairo womunhu adorurama. 42 Futi wese anopasa umwe wovadiki ava kana mukombe zvawene womvura inotonhora nondava yokuti mudzidzi, chokwadi ndinoti kwamuri, anodzosayaba mubairo wache."