Publicidade

Mateus 21

Kupinda muJerusarema Achipemberehwa

1 Kudzoti vaapanyasi noJerusarema vatosvika Bhetifegi paGomo roMiorivhi, Jesu adotuma vadzidzi vairi, 2 achiti kwavari, "Endai mumusha uri pamberi penyu, muchabva maona buru ridosungirihwa, rino kamhuru karene, yasugudurei muuye nayo kwandiri. 3 Kana pano munhu anotaura chinhu kwamuri, taurai kuti, ‘Ishe anoyada,’ ipopo achabva wayatumira."

4 Izvi zvidoitika kuzazisa zvidonyaihwa nomuporofiti achiti,

5 "Nyairirai mwanasikana woZioni,

Nangara, mambo wako ari kuuya kwauri,

nokuzvininipisa, adogadha kaburu,

iko kamwana koburu."

6 Vadzidzi vadoenda ndokuita zvavadoraihwa naJesu, 7 vadouya nombongoro nokamwana kayene, vachibva vaisa hembe dzavo pamusoro pakene, ndokubva Jesu wakagadha. 8 Vazinji mukati mogurusvusvu vadowaridza hembe dzavo munzira, vamwe ndivo vaitema mathai yomiti vachiyawaridza munziramo. 9 Vazinji vaitekaira pamberi novaitevera mumasure mache vadodaidzira vachiti, "Hozana kuMwanakomana waDhavhiti! Adokomborehwa iye anouya muzita raIshe! Hozana kumusorosoro!"

10 Paadopinda muguta roJerusarema, vanhu vese vadovhunduka vachibva vati, "Mbaniko iyeyu?"

11 Mhomho idoti, "Uyu muporofiti Jesu anobva muguta roNazareta kuGaririya."

Jesu Anoenda kuImba yaMwari

12 Jesu adopinda muimba yaMwari ndokudzinga vese vaitengesa novaitenga muimba yaMwari, adophidigura mathafura yovaitsinhana mari nomipando yovaitengesa hangaiva. 13 Adoti kwavari, "Kudonyohwa kuti, ‘Imba yangu ichadaidziwa kuti imba yokunamatira,’ asi imipa maiita bako romakororo."

14 Ipopo marombe nomhetamakumbo vadouya kwaari muimba yaMwari achibva wavaporesa. 15 Asi vaphirisita vakuru novadzidzisi vomurairo pavadoona zvinhu zvinoshamisa zvaaiita, novana vachidaidzira mukati moimba yaMwari, "Hozana kuMwanakomana waDhavhiti!" vadosemburiwa, 16 vadobva vati kwaari, "Muri kunzva chere zviri kunyairiwa novana vakareva?"

Jesu adoti kwavari, "Inde, hamunai kuverenga nai, ‘Kubva mumiromo yovana novanomwa mudobirika rumbidzo idokwana?"

17 Adovasiya, achibva wabirika muguta kuenda kuBhetani ndokuenzera kwakareko.

Jesu Anoshurikidza Mukuyu

18 Mangwanani ngwanani, achidzokera kuguta, adonzva nzara. 19 Adoona mukuyu parutivi ponzira ndokuenda kwauri, paadosaya chaadowana mauri kunze kwomazani basi. Adobva wati kwauri, "Mbakurekerefuti kudzowanika muchero pauri!" Mukuyu udobva wasvavirafuti pakarepo.

20 Vadzidzi pavadozviona vadoshamisika vachiti, "Ko sei mukuyu wabva waunirafuti?"

21 Jesu adovapindura achiti, "Chokwadi ndinoti kwamuri, kana muno kutenda pasinai kana kutsakidza, maipereraba kundoita zvaitiwa pamukuyu, asi kana mukati kugomo iri, ‘Dzupuka uwire mugungwa,’ zvinoitika. 22 Futi chese chamunokumbira nomunamato, muno chitambira, kana muno kutenda."

Mubvunzo pamusoro poSimba raJesu

23 Jesu paadopinda muimba yaMwari, vaphirisita vakuru novatungamiri vovanhu vadouya kwaari ari pakudzidzisa, ndokuti, "Anga isimba hwai raunoita naro zvinhu zvakarezvi noadokupasa simbaro mbani?"

24 Jesu adovapindura, "Nainipano ndichakubvunzaiwo mubvunzo, kana mukandiudza mhinduro naininiwo ndichakuudzai simba randinoita naro zvinhu zvakarezvi. 25 Ruombeko raJohwani, rudobva poi? Kudenga chere kana kuvanhu?"

Ipopo vadopikisana, "Tikati, ‘Ridobva kudenga,’ achati kwatiri, ‘zvino mudorekerei kumutenda?’ 26 Asi kana tikati, ‘Ridobva kuvanhu,’ tinocha mhomho, ndava vese vanoti Johwani wanga ari muporofiti." 27 Saka vadopindura Jesu vachiti, "Hatizive."

Iye ndokuti kwavari, "Nainipano ndinokunyepaiba simba randinoita naro zvinhu zvakarezvi."

Mufananidzo woVanakomana Vairi

28 "Munofungei? Murume anga ano vanakomana vairi, adoenda kuno wokuthanga ndokuti, ‘Mwanakomana, enda nasi koshanda mumunda womizambiringa.’ 29 Iye adopindura achiti, ‘Handidi, asi pasure adodzopinduka ndokuenda. 30 Adoenda kuno wochipiri achitaura zvibodzi bodzizvo, ipopo mwanakomana adopindura achiti, ‘Ndiri kuenda baba,’ asi haanai kuenda. 31 Ngupi pavairi adoita kuda kwababa vache?"

Vadoti, "Wokuthanga."

Jesu adoti kwavari, "Chokwadi, ndinoti kwamuri, vateresi nomahure vanokuthangirai kupinda muumambo hwokudenga. 32 Ndava Johwani adouya kwamuri nonzira yokururama, asi hamunai kumutenda, asi vateresi nomahure vadomutenda, kana pamudozviona hamunai kudzopinduka muchimutenda."

Mufananidzo woVashandi muMunda woMizambiringa

33 "Inzvai umwe mufananidzo. Panga pano mwenekachiro womunda adorima munda wache womizambiringa, ndokuusosera, ndokuchera gomba rokusvinira muto mukati mawene, nokuvakha chirindo, ndokuusiira vashandi achienda kuno imwe nyika. 34 Nguwa yokukohwa payanga yasvika, adotuma varanda vache kuvashandi, kuti vatore michero yache, 35 vashandi vadobata varanda vache ndokurova umwe, umwe vachibaya, umwe vachimutema nomabhwe. 36 Adotuma kamu vamwe varanda, kukunda vokuthanga, ivo ndokuvaitira zvibodzi bodzizvo. 37 Pasure adodzotuma mwanakomana wache kwavari, achiti, ‘Vacharemekedza mwanakomana wangu.’ 38 Asi vashandi pavadoona mwanakomana, vadotaurirana vachiti, ‘Uyu ndiye muji wonhaka, mbatimubayei titore nhaka yache.’ 39 Vadomubata ndokumukhandidzira kunze kwomunda womizambiringa, vachimubaya.

40 Ko zvino kana muridzi womunda womizambiringa akauya, chii chaachaita kuvashandi vakarevo?"

41 Vaphirisita novatungamiri vovanhu vadoti kwaari, "Achabaya vaipivo zvisinai tsitsi, woisa vamwe vashandi pamunda womizambiringa vachamupasa michero nonguwa idofanira."

42 Jesu adoti kwavari, "Hamunai kuverenga mumagwaro nai?

‘Mhanda idorambiwa novavakhi

ndiyo idodzova nyakatenga.

Uku kwanga kuri kuita kwaIshe,

futi kunoshamisa mumeso yedu!’

43 Saka ndinokunyepai, umambo hwokudenga huchabisiwa kwamuri huchipasiwa rimwe rudzi runouyisa michero yacho.

44 Futi wese anowira padombo rakareri achabeduka beduka, asi warinowira iro rinomukuya kuita upfu."

45 Vaphirisita vakuru novaFarisi pavadonzva mifananidzo yache, vadozingwa kuti wainyaira ivo. 46 Asi pavadoedza kumusunga, vadocha vanhu, ndava vaiti muporofiti.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-15_21-32-39-