Publicidade

Mateus 8

Jesu Anoporesa Munhu ano Mabobo

1 Paadoburuka kubva mugomo, gurusvusvu rikuru ridomutevera. 2 Pakarepo munhu anomabobo adouya kwaari ndokupfugama pamberi pache achiti, "Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa."

3 Iye adotambanudza ruoko rache ndokumubata. Achiti kwaari, "Ndinoda, chinatsiwa." Pakarepo mabobo yache yadobva yanatsiwa. 4 Jesu adoti kwaari, "Ona kuti hapanai munhu wawanyepa chinhu, asi enda kozvinangidza kumuphirisita, wopereka chipo chidoraihwa naMozisi, chive upfakazi kuvanhu."

Jesu Anoporesa Muranda woMukuru woZana

5 Paanga achipinda muKaperenaume, mukuru wozana romauto adouya kumberi kwache, achimuteterera 6 achiti, "Ishe, muranda wangu adoenzera kumba ari kunetseka nonhengo idotonhora."

7 Zvino adoti kwaari, "Ndichauya kudzomuporesa."

8 Asi mukuru wozana romauto adomupindura achiti, "Ishe, ndinokodzeraba kuti muuye mumba mangu. Asi ndonyairai shoko basi, muranda wangu anopora. 9 Ndava ndiri munhu anomasimba, ndino mauto yari pasi pangu. Ndinoti kunoumwe, ‘Enda kwakati!’ Iye woenda, ndoti kuno umwe, ‘Uya kuno!’ Iye wouya, ndinoti kumuranda wangu, ita chakati!’ Iye woita."

10 Jesu paadomunzva, adoshamisika ndokuti kuno vanhu vaimutevera, "Chokwadi ndinoti kwamuri, handinai kuona kutenda kudodai kunyange pakati povaIzirairi. 11 Ndinokunyepai, vazinji vachabva kumabvazuva nokumadokero vachigara patafura naAbhurahamu, Isaki, naJakobho muumambo hwokudenga, 12 asi vanhu voumambo vachakhandihwa murima rokunze, mavacharira vachigedageda meno yavo." 13 Kumukuru wozana Jesu adoti, "Enda mbazviitike kwauri sekutenda kwawaita."

Muranda wache achibva waporerafuti pakarepo.

Jesu Anoporesa Vazinji

14 Jesu paadopinda mumba maPita, adoona amezvara vache vadoenzera vachihwara nomuviri. 15 Adovabata ruoko, muviri uchibva wapora, vadosumuka pakarepo ndokumutenairira.

16 Mauro yakareyo, vadouya kwaari novazinji vanga vadogahwa nomashave. Iye ndokudzinga mweya yakareyo noshoko nokuporesa vese vaihwara. 17 Uku kwanga kuri kuzazisa zvidorehwa namuporofiti Isaya, "Adobisa hodza dzedu ndokutakura matenda yedu."

Vanoda Kuva Vateveri vaJesu

18 Zvino Jesu paadoona gurusvusvu rikuru rovanhu ridomupoteredza, adoraira vadzidzi kuti vaende kumhiri kurimwe divi. 19 Ipopo munyori adouya ndokuti kwaari, "Mudzidzisi, ndichakuteverai kwese kwamunoenda."

20 Zvino Jesu adoti kwaari, "Makava yanomisina, notushiri tokudenga tunousanza, asi Mwanakomana woMunhu haanai pokutsamidza musoro wache."

21 Umwe wovadzidzi adoti kwaari, "Ishe rekai ndithange ndaenda kovikha baba vangu."

22 Asi Jesu adoti kwaari, "Nditevere, siya vadopfa vavikhe vadopfa vavo."

Jesu Anodekhadza Duthu

23 Zvino paadopinda mukamwadiya, vadzidzi vache vadomutevera. 24 Pakarepo duthu rikuru ridomuka pagungwa, zvokuti kamwadiya kanga kaakunyudziwa nomapfeni yomvura. Asi iye wanga adoenzera. 25 Vadoenda komumutsa vachiti, "Tiponesei Ishe, taakunyura!"

26 Iye adoti kwavari, "Munochireiko imi vokutenda kudiki?" Ipopo adosumuka ndokudzuma duthu nomapfeni yogungwa, ndokubva zvarosa nokudekhara.

27 Varume vadoshamisika. Ndokunyairirana vachiti, "Anga munhu wakareyu mbani? Anototetekehwa noduthu nogungwa!"

Jesu Anoporesa Varume Vairi vano Mashave

28 Jesu paadosvika kumhiri kunyika yovaGarasa, adokumana novairi vanga vadopotehwa nomashave vachibva mumakuwa. Vaichisa zvokuti hapanai waipinda nonzira yakareyo. 29 Pakarepo ivo, vadodaidzira vachiti, "Munei nesu, Mwanakomana waMwari? Matouya kotidzudza nguwa isinati yasvika nai?"

30 Zvino boka rohumba dzizinji ranga richifura padotaramukana nopakarepo. 31 Mashave yadomuteterera, "Kana matidzinga, tiendesei kuboka rohumba."

32 Iye adoti kwayari, "Endai." Saka yadobirika yachipinda muhumba, ipopo boka rese ridotizirana kumapiripiri richichudumukira mugungwa, richimwira nhondwa.

33 Anyakabusa vadotiza, vachipinda muguta, ndokutaura zvese, nozvidoitika kuno vanga vanomashave. 34 Pakarepo guta rese ridobirika kokumana naJesu, pavadomuona, vadomuteterera kuti abirike mudunhu ravo.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-15_21-32-39-