Publicidade

Mateus 27

Jesu Anoisiwa kuna Pirato

1 Yava mangwanani, vakuru vovaphirisita vese novatungamiri vovanhu vadogara dare rokutongera Jesu ipfa, 2 vadomusunga vachienda naye komupereka kuna Pirato mutongi.

Judhasi Anozvibaya

3 Judhasi mupandukiri wache paadoona kuti Jesu watongehwa ipfa, adozvija mwoyo ndokudzotsa masirivha yacho makumi matatu kuvakuru vovaphirisita novatungamiri vovanhu 4 achiti, "Ndatadza ndapandukira munhu asinai mhosva."

Vadoti, "Zvinei nesu? Basa rako."

5 Adokhandira masirivha muimba yaMwari, ndokubirika achienda karisungirira.

6 Asi vakuru vovaphirisita vadotora masirivha yacho vachiti, "Hazvisi pamurau kuti yaisiwe muchivigiro, sezvo yari mari yomagazi." 7 Saka vadopangana, kuti vayatengese munda womuumbi wohari, kuti vadzovigira vatohwa makaremo. 8 Saka munda wakareyo nanasi unodaidziwa kuti Munda woGazi.

9 Ipopo padozazisiwa zvidorehwa namuporofiti Joromiya, paadoti, "Vadotora masirivha makumi matatu, mutengo waiye ano mitengo idotahwa novanhu vomuIzirairi, 10 ndokuyapasa kumunda womuumbi wohari, sekuraihwa kwandidoitiwa naIshe."

Pirato Anobvunza Jesu

11 Zvino Jesu adomira pamberi pomutongi, mutongi adomubvunza achiti, "Ndiwe chere mambo wovaJudha?

Jesu adoti, "Wazvinyaira ndiwe." 12 Asi paainenedzehwa novakuru vovaphirisita novatungamiri vovanhu, adopinduraba.

13 Ipopo Pirato adoti kwaari, "Unonzvaba muwandiro wozvinhu zvavanokunenera?"

14 Asi haanai kumupindura, kana pachipomehwa chibodzi zvachene, zvokuti mutongi adoshamisika chaizvo.

Jesu Anotongehwa Ipfa

15 Zvino pamutambo wophasika mutongi anga ano tsika yokusunungurira mhomho musungwa upi zvache wavaida. 16 Zvino vanga vano musungwa waizikana, waiitiwa Bharabhasi. 17 Saka pavanga vaungana, Pirato adoti kwavari, "Mbani wamunoda kuti ndikusunungurirei, Jesu anonzi Bharabhasi kana kuti Jesu anoitiwa Khirisitu?" 18 Ndava Pirato waiziva kuti vanga vamupereka nondava yochanje.

19 Pirato paanga adogarikika pamupando wokutonga, mukadzi wache adotumira shoko kwaari achiti, "Reka kuwana chaunoita nomurume adorurama uyo, ndava nasi ndatambudzika chaizvo kuhope nondava yache."

20 Zvino vaphirisita vakuru novakuru vadopenzveredza vanhu kuti vakumbire Bharabhasi vabaye Jesu. 21 Pakamu mutongi adoti kwavari, "Ngupi pavairi wamunoda kuti ndikusungunurirei?"

Vadoti, "Bharabhasi."

22 Pirato adoti kwavari, "Saka chii chandichaita naJesu anoitiwa Khirisitu?"

Vese vadoti, "Mbaarovehwe."

23 Iye adoti, "Nondava yei, chii chidoipa chaadoita?"

Asi vese vadokungudzirafuti kudaidzira, "Mbaarovehwe."

24 Zvino Pirato paadoona kuti hapanai chaari kuwana, kunze kwokutothanga bongozozo, adotora mvura achishamba manja yache pamberi pomhomho, achiti, "Handinai mhosva pagazi romurume uyu, zvionerei mega."

25 Vanhu vese vadopindura vachiti, "Gazi rache mbarive pamusoro pedu nopovana vedu!"

26 Ipopo adovasunungurira Bharabhasi, ndokurova Jesu achimupereka kuti arovehwe pamuchinjikwa.

Mauto Yanonyadza Jesu

27 Ipopo mauto yomutongi yadotora Jesu yachimupinza mumuzinda, vadounganidza mauto yese pamberi pache. 28 Vadomusunhura, vachimusimidza jasi ritsvuku, 29 ndokuruka korona yominzva vachimudzika mumusoro mache, vachimubatisa tsanga mujanja rache roruji. Vadopfugama pamberi pache zvomusese, vachiti, "Moroi mambo wovaJudha!" 30 Vadomusvipira, ndokutora tsanga vachimbondomurova nayo mumusoro. 31 Vadobva vamunyadza, vadomusunhura jasi, vachimusimidza hembe yache, ndokuenda naye komurovera pamuchinjikwa.

Jesu Anorovehwa Pamuchinjikwa

32 Pavaibirika kuenda, vadokumana nomurume woSairini, anozita rokuti Simoni, vadosukumidza murume wakareyu kutakura muchinjikwa wache. 33 Pavadosvika panzvimbo inoitiwa Gorogota (kureva kuti nzvimbo yodehenya), 34 vadomupasa waini kuti amwe, idokumanisiwa nonduru, asi paadoiraidza, adoramba kuimwa.

35 Vabva kumurovera, vadokovana hembe dzache nokukhanda hakata, 36 vadodzogara pasi pakarepo vachiramba vadomugaririra. 37 Pamusoro pache vadoturika chinyohwa chomhosva yache chaiti, "Uyu ndiJesu, Mambo wovaJudha." 38 Zvino makororo mairi yadorovehwa pabodzi naye, rimwe kuruji rimwe kurubose.

39 Vaipinda nopakarepo vadomushora vachikwetekwedza misoro yavo 40 vachiti, "Iwepa wokuda kupwanya imba yaMwari uchiivakha nomazuva matatu, chizviponesaka! Kana uri Mwanakomana waMwari, buruka pamuchinjikwa."

41 Nzvibodzizvo novaphirisita vakuru, novadzidzisi vomutemo novatungamiri vovanhu, vadomuseka, vachiti, 42 "Adochidza vamwe, achitadza kuzvichidza. Ndiye mambo wovaIzirairi, mbaaburuke pamuchinjikwa, timutende. 43 Anovimba naMwari, Mwari mbaachimununura zvino, kana achimuda, ndava waiti, ‘Ndini Mwanakomana waMwari.’"

44 Nomakororo vanga vadorovehwa pabodzi naye vadomumbombodzerawo nonzira ibodzi bodziyo.

Kupfa kwaJesu

45 Zvino kubva paawa yogumi nodziiri padoita rima panyika yese, kusvika paawa yogumi nodzishano. 46 Paawa yochipfemba Jesu adodaidzira noizvi ropamusoro, "Eri, Eri, ramasabhakatani?" Ndokuti, "Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiireiko?"

47 Vamwe vanga vadomira pakarepo pavadozvinzva vadoti, "Murume uyu ari kudaidza Eriya." 48 Umwe wacho adobva wamhanyirafuti kotora chipanje, ndokuchinyika muvhiniga, achichijungirira patsanga, achibva wamupasa kuti amwe.

49 Asi vamwe ndovadoti, "Mirai tione kana Eriya achiuya kudzomuchidza.

50 Jesu adodaidzira kamu noizvi ropamusoro achibva warosa.

51 Nonguwa yakareyo, biza romuimba yaMwari ridokeruka kuita mairi kubva kumusoro kuenda pasi. Nyika idogwetedzeka, mabhwe yadobamuka, 52 makuwa yadovhurika, zvitunha zvizinji zvovatsvene vanga vadopfa zvidomutsiwa, 53 vadobirika mumakuwa musure mokumuka kwache vachipinda muguta ritsvene vachionewa novazinji.

54 Mukuru wozana romauto novaanga anavo, vadogaririra Jesu, pavadoona kugwetedzeka kwonyika nozvidoitika, vadozaziwa nokucha, vachiti, "Chokwadi uyu wanga ari Mwanakomana waMwari!"

55 Paivawo novakadzi vadowanda vaimushumira vanga vatevera Jesu kubva kuGaririya, vainangara vari kurefu. 56 Pakati pavo panga pana Mariya Magadharina, naMariya amai vaJakobho naJosefa, naamai vovanakomana vaZebhedhi.

Kuvigiwa kwaJesu

57 Yava mauro, padouya murume mupfumi kubva kuAramatiya, waiitiwa Josefa, wanga ariwo mudzidzi waJesu. 58 Adoenda kuna Pirato achikumbira kuti apasiwe chitunha chaJesu. Ipopo Pirato adoraira kuti achipasiwe. 59 Zvino Josefa adotora chitunha, ndokuchiputiridza nofuko ridochena, 60 achichiradzika muguwa rache ritsva, raanga adofonga padombo, ndokukungurutsira ibhwe pamuromo poguwa, achibva waenda. 61 Mariya wokuguta roMagadhara noumwe Mariya vanga varipo, vadogarikika padonangarana noguwa.

Varindi paGuwa

62 Zuva ridotevera, kureva, zuva roSabata, vakuru vovaphirisita novaFarisi vadoungana kuna Pirato, 63 vachiti, "Changamire," tinoyeuka zvidonyaihwa nomunyengeri uyu, achiri mupenyu adoti, ‘Sure kwomazuva matatu ndichamuka kamu.’ 64 Saka rairai kuti guwa richengetewe kusvikira pazuva rochitatu, kuti vadzidzi vache vareke kuenda komuba, vachidzoudza vanhu kuti, ‘Wamuka kubva kuvadopfa,’ mabhwodo yokupedzisira yanganyangaritse kukunda yokuthanga."

65 Pirato adoti kwavari, "Torai varindi kuti vaende korichengetedza semaziviro yenyu."

66 Saka vadoenda kochengetedza guwa ndokuisa chidhindo padombo rarene nokuisa varindi.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-16_06-50-08-