Publicidade

Mateus 19

Dzidziso pamusoro poKusarambana

1 Zvino Jesu paadopedza kunyaira kwakareku, adobirika kubva muGaririya achipinda mumatunhu yoJudhiya kumhiri kwohwizi Jorodhani, 2 mhomho dzikuru dzovanhu dzidomutevera iye ndokuvaporesa kwakareko.

3 Zvino vamwe vaFarisi vadouya kwaari vachimuedza ndokumubvunza vachiti, "Zviri pamutemo chere kuti munhu arambe mukadzi wache nochikonzero chipi zvachene?"

4 Adopindura, "Hamunai nai kuverenga kuti iye nyakuvasika kubva pakuthanga adovaita munhurume nomunhukadzi, 5 achibva wati, ‘Nochikonzero chakarecho murume achasiya baba vache naamai vache achibatanidziwa nomukadzi wache, vairivo vobva vava muviri mubodzi?’ 6 Nokudaro vachiriba vairi asi vava muviri mubodzi. Icho chabatanidziwa naMwari mbapareke ndipo kuva nomunhu anochikwachura."

7 Vadoti kwaari, "Manje sei Mozisi adoraira kuti murume apereke gupuro kumukadzi womuendesa?"

8 Jesu adoti kwavari, "Noukukutu hwomwoyo yenyu Mozisi adokubvumirai kuramba vakadzi venyu, asi kubva pamavambo zvanga zvisinai kudaro. 9 Futi ndinoti kwamuri, wese anoramba mukadzi wache nondava yochimwe chikonzero chisiri uhure, akaroora umwe watoita upombwe."

10 Vadzidzi vache vadoti kwaari, "Kana zvidodaro pamurume nomukadzi wache hasa kundoreka kuroora."

11 Asi iye adoti kwavari, "Havasi vese vanhu vanotambira kutaura kwakareku, kusiya kwaivo chete vadopasiwa kuti vazvikwanise. 12 Ndava pano ngomwa dzidondozvahwa dzidodaro, pova nongomwa dzokusunuriwa novanhu, poita ngomwa dzidozviita ngomwa dzega nondava youmambo hwokudenga. Anokwanisa kuzvitambira, mbaazvitambire."

Jesu Anoropafadza Vana

13 Zvino vana vadiki vadoisiwa kwaari kuti avaturike manja yache achivanamatira. Vadzidzi vadodzumidza vanhu, 14 asi Jesu adoti, "Rekai vana vauye kwandiri, rekai kuvarambidza, ndava vadodaiva umambo hwokudenga ngwavo."

15 Wabva kuvaturika manja yache adobva waenda.

Jaha Mupfumi

16 Ipopo pano adouya kwaari achiti, "Mudzidzisi, "Chii chidonaka chandinofanira kuita, kuti ndive noupenyu husingapere?"

17 Zvino Jesu adoti kwaari, "Unondibvunzireiko pamusoro pochidonaka? Panomubodzi basi adonaka. Kana uchida kupinda muupenyu, chengeta mirairo."

18 Adoti kwaari, "Ipi yacho?"

Jesu adoti, "Reka kubaya, reka kuita upombwe, reka kuba, reka kuita upfakazi hwomabhwodo, 19 kudza baba vako namaako, futi unofanira kuda muvakhidzani wako sekuda kwaunozviita."

20 Jaha ridoti kwaari, "Zvese zvakarezvi ndidozvichengeta, chii chandichiri kusaya?"

21 Jesu adoti kwaari, "Kana uchida kukwana, enda kotengesa zvaunazvo upase varombo ipopo uchava nopfuma kudenga, wouya kudzonditevera."

22 Jaha paridonzva izvozvo ridoenda ridododoma kaso, ndava ranga rino zvinhu zvidowanditsa.

23 Zvino Jesu adoti kuvadzidzi vache, "Chokwadi ndinoti kwamuri, zvichaoma kuti mupfumi apinde muumambo hwokudenga. 24 Futi ndinokunyepai kuti, zvidopusira ngamera kupinda nopakaboo konariti panokuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari."

25 Vadzidzi pavadonzva zvakarezvo vadoshamisika chaizvo ndokuti, "Zvino mbani angaponesewe?"

26 Asi Jesu adovanangara ndokuti kwavari, "Novanhu izvi hazvikwanisike, asi naMwari zvinhu zvese zvinokwanisika."

27 Ipopo Pita adoti, "Onai, isisu tidosiya zvese tichikuteverai. Chii zvino chatichawana?"

28 Jesu adoti kwavari, "Ndinokunyepai chokwadi, pakuvandudziwa kwozvinhu zvese, Mwanakomana woMunhu paanenge wagarikika pamupando wache woushe unoyetima, achitonga marudzi gumi nomairi yovaIzirairi. 29 Pakare wese adosiya dzimba kana vakoma kana hanzvadzi kana baba kana amai kana vana kana minda nondava yangu achatambira zvidopetewa kazana uye nhaka youpenyu husingapere. 30 Asi vazinji vari vokuthanga vachava vokupedzisira, novazinji vokupedzisira vova vokuthanga.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-16_18-40-07-