1 Jesu adobirika muimba yaMwari, waakutoenda, ndopadouya vadzidzi vache vachimunangidza mavakhihwo yoimba yaMwari. 2 Asi adovapindura, "Muri kuona zvese izvi, handiti? Chokwadi, ndinoti kwamuri, hapanai ribhwe richaramba riri pamusoro porimwe, risingazokoromorehwa pasi."
3 Paadogara paGomo romiOrivhi, vadzidzi vache vadouya kwaari kabisira, vachiti, "Tinyepei, izvozvi nzvarini, nochiratidzo chokuuya kwenyu nochokuguma kwonyika?"
4 Jesu adovapindura achiti, "Chenjerai kuti pareke kuva nomunhu anokutsambutsai. 5 Ndava vazinji vachauya muzita rangu vachiti, ‘Ndini Khirisitu,’ vachitsambutsa vazinji. 6 Muchanzva zvohondo nomarehwarehwa yohondo, asi rekai kuvhunduka, ndava zvakarezvi zvinofanira kuitika, asi kuguma kunenge kusati kwasvika. 7 Ndava rudzi ruchamukira rudzi, noumambo huchamukira umambo, kuchava nonzara nokugwetedzeka kwonyika munzvimbo dzizinji. 8 Zvese zvakarezvi zvichava mavambo yokudzimba kwomimba.
9 "Ipopo muchaperekewa kuti muendesewe kotambudziwa nokobaiwa. Futi muchazondewa nomarudzi yese nondava yangu. 10 Uye vazinji vachahedhuka pakutenda, vachazondana vachipandukirana. 11 Vaporofiti vomabhwodo vazinji vachamuka, vachitsambutsa vazinji. 12 Nondava yokuingidzika kwouipi, rudo rovazinji ruchaderera. 13 Asi anotsungirira kusvika pamagumo achaponesewa. 14 Iyoyi Nyaya Idonaka youmambo ichaparidziwa kunyika dzese, seuchapupu kumarudzi yese, ipopo kuguma kunobva kwadzosvika.
15 Zvino kana maakuona mharadzi yotsambwa inochisa idorehwa namuporofiti Dhanyero, yamira panzvimbo itsvene (anoverenga mbaanzvitsitse), 16 ipopo vari muJudhiya mbavatizire kumakomo 17 ari pamusoro poimba mbaareke kuburuka kotora zviri mumba mache, 18 noari kumunda mbaarekere kudzokera kumba kotora hembe yache. 19 Vano nhamu vanomimba novanomwisa mumazuva yakareyo! 20 Namatai kuti kutiza kwenyu kureke kuva panguwa yokutonhora kana paSabata. 21 Ndava ipopo pachava nokutambudzika kukuru, kusinati kwambovapo kubva pamavambo yonyika kusvika manje, futi neye, kunodzovapoba. 22 Dai mazuva yakareyo yairekera kutapudziwa, hapanai munhu waichira, asi nondava yovadosaruhwa, mazuva yakareyo yachatapudziwa.
23 Manje kana munhu akati kwamuri, ‘Nangarai, Khirisitu ari pano’ kana ‘Ari apo’ rekai kuzvitenda. 24 Ndava ana Khirisitu vomabhwodo novaporofiti vomabhwodo vachamuka vachinangidza zviratidzo zvikuru nozvishamiso, kuti kana zvichikwanisika vatsambutse kana novadosaruhwavo. 25 Onai, ndagara ndakuudzai.
26 Saka, kana vakati kwamuri, ‘Onai, ari kusango,’ rekerai kuenda, kana vakati, ‘Onai ari mudzimba dzomukati,’ rekerai kuzvitenda. 27 Ndava sezvinoita kabhanimani kanobva kumabvazuva kachipenya kuenda kumadokero, ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana woMunhu.
28 Pano chitunha ndipo panoungana magora.
29 Panondopera kutambudzika kwomazuva yakareyo, zuva richasvipa, nomwedzi uchareka kuvhenekera kwawene, nonyenyedzi dzichawa kubva kudenga, nomasimba yokudenga yachagwetedzewa. 30 Ipopo pachaoneka chiratidzo choMwanakomana woMunhu mudenga, uye marudzi yese yopasi yacharira, vachiona Mwanakomana woMunhu achiuya ari pamusoro pomakuti yokudenga nomasimba nokubhwinya kukuru, 31 zvino achatuma ngirozi dzache nokudaidzira kworuzha rohwamanda, idzo dzichaunganidza vadosaruhwa vache kubva kumativi yese yonyika, kubva kumhera kwodenga kuenda kumwe kumhera.
32 Dzidzai chidzidzo kubva pamuti womukuyu: kana mathai yakuthungira, waakuita mazani, munoziva kuti mainza yaakusvika. 33 Naizvozvowo, kana moona zvakarezvi zvese, zivai kuti wava papfupi, pamusuwo chaipo. 34 Chokwadi ndinoti kwamuri, vanhu vonguwa iyoyi vanoperaba kusvikira zvinhu zvakarezvi zvese zvaitika. 35 Denga nonyika zvichapfuura, asi mashoko yangu yanopfuuraba.
36 Asi kana riri zuva kana awa iyoyo, hapanai anoziva, kana nongirozi dzokudenga, kana Mwanakomana, asi Baba vega. 37 Sezvazvanga zvidoita pamazuva yaNowa, ndizvo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana woMunhu. 38 Ndava sepamazuva yakareyo kusati kwava nomurove, vaija vachimwa, vairoora nokuroorewa, kusvikira zuva Nowa raadopinda mungarava, 39 havanai kuziva kusvikira mafashamu yauya yachibva yavakukura vese, zvakarezvo ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana woMunhu. 40 Varume vairi vachange vari mumunda, umwe achatohwa umwe achisiiwa. 41 Vakadzi vairi vachange vachikuya paguyo, umwe achatohwa umwe achisiiwa. 42 Garirirai ndipo, ndava munozivaba zuva rinouya Ishe wenyu. 43 Asi zivai izvi, kuti dai mwenekachiro woimba waiziva kuti njipi nguwa yousiku inouya mbavha, waigaririra asingabvumire kuti imba yache ipaziwe. 44 Saka naimipawo gadzirirai, ndava Mwanakomana woMunhu anouya nonguwa yamusingamutarisire.
45 Mbani zvino muranda adotendeka adochenjera, adoisiwa natenzi wache pamusoro povaranda vari mumba mache, kuti ambovapasa zvokuja panguwa idokodzera? 46 Adokomborehwa muranda wakareyo anoti kana tenzi wache achisvika anomuwana achiita daro. 47 Chokwadi ndinoti kwamuri, achamuisa pamusoro pozvinhu zvache zvese. 48 Asi kana ari muranda adoipa anoti mumwoyo mache, ‘Tenzi wangu wachehwa kuuya,’ 49 wothanga kurova varanda biyache, woja nokumwa novararadzi, 50 tenzi womuranda wakareyo achauya nozuva raasingamutarisire nopanguwa yaasingazive, 51 iye achamuranga, achamuisa pabodzi novanyengeri, ipopo vanhu vacharira nokurumanisa meno yavo nondava yokudzimbiwa.