1 Jesu paadopedza kunyaira kwese uku, adoti kuvadzidzi vache, 2 "Munoziva kuti musure momazuva mairi Phasika iri kuuya, uye Mwanakomana woMunhu achaisiwa kuti arovehwe pamuchinjikwa."
3 Ipopo vaphirisita vakuru novatungamiri vovanhu vadoungana mumuzinda womuphirisita mukuru, waiitiwa Kefasi, 4 ndokurangana pabodzi masungiro yavangaite Jesu zvokubiridzira vachimubaya. 5 Asi vadoti, "Mbazvireke kuitiwa pamutambo wophasika, ndava pangadzoita bongozozo pakati povanhu."
6 Zvino Jesu paanga ari paBhetani mumba maSimoni wanga anomabobo, 7 mukadzi wanga ano guchu romapfuta yanodhura maninge adouya paari, ndokuyadururira mumusoro wache, iye Jesu paanga adogarikika pakuja. 8 Asi vadzidzi pavadozviona, vadotsva mwoyo nazvo, ndokubva vati, "Indava yei kucheneka mapfuta yoya daipa? 9 Ndava mapfuta yakareya yaifanira kutengesewa nomari izinji, mariyo yopasiwa varombo."
10 Asi Jesu achizviziva, adoti kwavari, "Indava yei muchimunetsa mukadzi iyeyu? Nokuti waita chinhu chidonaka kwandiri. 11 Ndava varombo munavo nguwa dzese, asi muchavaba nainini nguwa dzese. 12 Pakudururira kwaaita mapfuta yanonushira pamuviri wangu atogadzirira kuvigiwa kwangu. 13 Chokwadi, ndinoti kwamuri, kwese kuchaparidziwa vhangeri iri pasi pese, zvaaita zvichatauriwa achiyeukiwa nazvo."
14 Ipopo umwe wovadzidzi gumi novairi, waiitiwa Judhasi Sikariyoti, adoenda kuvapirista vakuru 15 achiti, "Chii chamuchandipasa kana Jesu ndamupereka kwamuri?" Ivo vadomuripa masirivha makumi matatu. 16 Kubva panguwa yakareyo adotsvaga mukana wokumupandukira.
17 Zvino pazuva rokuthanga roMazingwa Yasinai Mbiriso vadzidzi vadouya kuna Jesu, vachiti, "Nghupi kwamunoda kuti tikugadzirirei kuti mujire Phasika?"
18 Adoti, "Endai muguta kwanembi uye, muti kwaari, ‘Mudzidzisi ari kuti, Nguwa yangu yava kusvika, ndichajira Phasika kumba kwako pabodzi novadzidzi vangu.’"
19 Vadzidzi vadoita zvavadoraihwa naJesu, vachibva vagadzira kuja kwophasika.
20 Payanga yava mauro, adogara pakuja novadzidzi vache gumi novairi, 21 vachija daipo, adoti kwavari, "Chokwadi, ndinoti kwamuri, umwe wenyu achandipandukira."
22 Ivo vadosuwa chaizvo, ndokuthanga mubodzi mubodzi kumubvunza vachiti, "Nai Ishe, ndini chere?"
23 Adopindura achiti, "Uyo wapinza ruoko rache mumbenge pabodzi nainini, ndiye achandipandukira. 24 Mwanakomana woMunhu anoenda sezvidonyohwa pamusoro pache, asi mayanga kumunhu wakareyo anomupandukira! Zvaitova hasa dai munhu wakareyo asinai kuzvahwa."
25 Judhasi, nyakumupandukira, adoti, "Ndini chere nai Ishe?" Adoti kwaari, "Watozvinyaira."
26 Zvino pavanga vachija, Jesu adotora zingwa, achiropafadza, ndokurikomora, achiripasa vadzidzi achiti, "Torai muje, wakareyu muviri wangu."
27 Ipopo adotora mukombe, paadopereka nhendo adovapasa, achiti, "Imwai kubva pauri mese, 28 ndava rakareri igazi rangu rochibvumirano, rinoteurihwa vazinji kuti varegerehwe zvitadzo. 29 Ndinokunyepai, ndichamwaba kamu zvomuchero wakareyu womuzambiringa kusvikira zuva randinoumwa nemi wava mutsva muUmambo hwaBaba vangu."
30 Pavadoimba chimbo, vadobirika kuenda kuGomo romiOrivhi.
31 Ipopo Jesu adoti kwavari, "Usiku huno mese muchanditiza, ndava kudonyohwa, ‘Ndicharova nyakabusa, ipopo boka romahwai richapamwara.’
32 Asi kana ndamutsiwa, ndichakutangirai kuenda kuGaririya."
33 Pita adokohomedza ndokuti kwaari, "Kana vakakutizai vese, inini ndinokusiyaiba."
34 Jesu adoti kwaari, "Chokwadi ndinoti kwauri, usiku hwakarehuno, jongwe risati rarira, uchandiramba katatu."
35 Pita adoti kwaari, "Kana ndichitofanira kupfa nemi, ndinokurambaiba."
Vadzidzi vese vadodarowo.
36 Zvino Jesu adoenda navo kunzvimbo inoitiwa Getsimani, ndokuti kuvadzidzi vache, "Garai pano inini ndichaenda uko konamata." 37 Adotora Pita novanakomana vairi vaZebhedhi, adothanga kunzva usoma nokutambudzika. 38 Ipopo adoti kwavari, "Mwoyo wangu uri kusurukihwa chaizvo, zvokutosvika pakupfa, sarai pano, mugaririre neni."
39 Wandoti endei pamberi pashoma adowira pasi ndokunamata adoenzera nodumbu achiti, "Baba vangu, kana zvichigoneka, mukombe uyu womatambudziko mbaubiritsiwe kwandiri! Zvisinei, mbakureke kuva kuda kwangu, asi kuve kuda kwenyu."
40 Adouya kuvadzidzi ndokuvawana vaenzera, adobva wati kuna Pita, "Saka matadza kugaririra neni kwoawa ibodzi? 41 "Garirirai munamate kuti mureke kupinda pamuedzo, mweya unoda zvawene, asi muviri udoneta."
42 Adoenda kamu kochipiri, achinamata, "Baba vangu, kana mukombe uyu usingagone kubiritsiwa kwandiri kunze kwokuti ndiumwe, kuda kwenyu mbakuitiwe." 43 Adouya kamu achivawana vaenzera, ndava meso yavo yanga yava nohope.
44 Saka adovasiya kamu, achienda konamata kochitatu, achitaura mashoko mabodzi bodziyo. 45 Paadouya kuvadzidzi adoti kwavari, "Muchidoenzera nokuzorora zvenyu? Nangarai, awa yasvika, Mwanakomana woMunhu waakupandukihwa achiisiwa mumanja yovatadzi. 46 Sumukai tiende, onai anondipandukira wasvika."
47 Paanga achiri kunyaira, Judhasi umwe wovadzidzi gumi novairi adouya, ano mhomho ikuru yanga ino mapakatwa nonduni, vanga vatumiwa novaphirisita vatungamiri novakuru vovanhu. 48 Zvino mupanduki wanga wavapasa chiratidzo achiti, "Wandichatsvoda ndiye wakareyo, momubata."
49 Adobva wauyirafuti pana Jesu achiti, "Moroi, Mudzidzisi," achimutsvoda.
50 Jesu adoti kwaari, "Shamwari wavingei pano?"
Ipopo vadosvika vachibata Jesu nokumusunga. 51 Ona, umwe wovanga vana Jesu adosvoronora bakatwa rache, ndokutema achigwata nzeve yomuranda womuphirisita mukuru. 52 Ipopo Jesu adoti kwaari, "Dzotsera bakatwa panzvimbo yarene, ndava vese vanobata bakatwa vachaparadziwa nobakatwa. 53 Munofunga kuti ndinokonaba nai kukumbira Baba vangu, kuti vanditumire nokamangu mapoka yongirozi dzinohwa yanodarika gumi nomairi? 54 Asi manje magwaro yangazazisiwe tini, yanoti zvinofanira kuitika daipo?"
55 Panguwa iyoyo Jesu adoti kumhomho, "Anga mauya nomapakatwa nonduni kudzondibata kunge muri kuvinga gananga? Apa mazuva yese ndaigarikika muimba yaMwari ndichidzidzisa, musingandibati. 56 Asi zvese zvakarezvi zvaitika kuitira kuzazisa magwaro yovaporofiti."
Ipopo vadzidzi vese vadotiza vachimusiya.
57 Ipopo vanyakusunga Jesu vadomuendesa kuna Khefasi muphirisita mukuru, kwanga kudoungana vadzidzisi vomutemo novatungamiri vovanhu. 58 Asi Pita adomutevera ari kurefu, kunge kuchivanze chomuphirisita mukuru, paadopinda adogara novarindi kuti aone magumo yazvene. 59 Zvino vaphirisita vakuru nodare rese vadotsvaga pfakazi dzomabhwodo dzokuroverera Jesu kuti vagone kumubaya, 60 asi vadodzisaya, kana nepo pfakazi dzizinji dzidouya pamberi. Pakupedzisira pfakazi dzomabhwodo dziiri dzidouya pamberi 61 dzichiti, "Munhu uyu adoti, ‘Ndinogona kupunza imba yaMwari, ndichiivakha nomazuva matatu.’"
62 Zvino muphirisita mukuru adosumuka achiti, "Haunai mhinduro nai? Chii varume ava chavari kukunenera?" 63 Asi Jesu adonyarara. Ipopo muphirisita mukuru adoti kwaari, "Ndinoda kuti upike naMwari mupenyu, utiudze kana uri Khirisitu, Mwanakomana waMwari."
64 Jesu adoti kwaari, "Wazvinyaira ndiwe. Asi ndinokunyepa, kubva zvino uchaona Mwanakomana woMunhu adogarikika kuruoko roruji roAnosimba, achiuya ari pamusoro pomakuti yokudenga."
65 Ipopo muphirisita mukuru adokerura hembe yache, achiti, "Wanyaira zvokushora. Pfakazi tichadzidirei? Manzva zvino kushora kwache. 66 Munozvionawo sei?"
Vadopindura vachiti, "Anofanira kupfa."
67 Ipopo vadomusvipira pachiso, vachimukahamura. Vamwe vachimukwatsamura, 68 vachiti, "Porofita kwatiri, iwe Khirisitu! Mbani wakurova?"
69 Zvino Pita anga adogarikika kunze muchivanze chodare. Mushandirikadzi adouya kwaari, achiti, "Naiwepa wanga una Jesu woGaririya."
70 Asi adozviramba pamberi pavo vese, achiti, "Ndinozivaba zvaunoreva ini." 71 Paadobirika kuenda pamusuwo mukuru, umwe mushandirikadzi adomuona, achibva wati kuno vanga vadomira, "Murume uyu anga ana Jesu woNazareta."
72 Naipopa kamu adozviramba achitopika, "Ndinomuzivaba murume uyu."
73 Papera kanguwa vanga vadomira vadouya vachiti kuna Pita, "Chokwadi iwepa uri mabiyavo, ndava kutongedzera kwako kunokubatisa."
74 Ipopo adothanga kuzvishurikidza nokupika, "Handimuzive murume uyu."
Pakarepo jongwe ridorira. 75 Zvino Pita adoyeuka kunyaira kwaJesu, "Jongwe risati rarira, uchandiramba katatu." Adobirika kunze ndokurira zvinosiririsa.