Publicidade

Mateus 3

Kuparidza kwaJohwani Muombeki

1 Mumazuva yakareyo Johwani Muombeki adouya achiparidza ari musango roJudhiya. 2 Adoti, "Pindukai, ndava umambo hwokudenga hwanyedza papfupi." 3 Nokuti wakareyu ndiye adorehwa nomuporofiti Isaya paadoti,

"Izvi roanokuwa musango,

‘nhadzirai mugwagwa waIshe,

yororai nzira dzache!’"

4 Zvino Johwani waisimira mbacha dzoukuse hwongamera, nobhande rochikumba muchiuno chache. Zvokuja zvache yanga yari mabombo nouchi hwomusango. 5 VoJerusarema noJudhiya rese nodunhu rese ridopoteredza hwizi hwoJorodhani vadosvokonoka kuenda kwaari. 6 Vadoombekewa naye muhwizi roJorodhani, musure mokureurira zvitema zvavo.

7 Asi paadoona vazinji vovaFarisi novaSadhusi vachiuya kudzoombekewa naye, adoti kwavari, "Naimi vana vonyoka, mbani adokuchenjedzai kuti mutize ukari hunouya? 8 Itai ndipo zvibereko zvinoenderana nokupinduka kwacho. 9 Rekai kufunga muchizviti, ‘Tiri vana vaAbhurahamu.’ Ndava ndinokunyepai kuti, Mwari anogona kumutsira Abhurahamu vana kubva pamabhwe iyoya. 10 Kudaiku, sanho ratogwama mudzi womuti. Muti wese usingabereke muchero udonaka unogwatiwa uchikhandiwa mumoto." 11 "Inipano ndinokuombekai nomvura nokuti mapinduka. Asi ari kuuya mumasure mangu, mukuru kwandiri, inini ndinokodzeraba kutakura shangu dzache, iyeyo ndiye achakuombekai noMweya Mutsvene nomoto. 12 Chisero chache chokuurutsisa anacho mujanja, achanatsa kuchenesa udzire hwache, gorosi achariunganidzira muchitura, asi hundi achaipisa nomoto usingadzimwe."

Kuombekewa kwaJesu

13 Zvino Jesu adouya kuJorodhani achibva kuGaririya kudzoombekewa naJohwani. 14 Asi Johwani adoda kumurambidza, achiti, "Inipano ndini ndinoda kuombekewa naimipa, manje mouya kwandiri kamu?"

15 Asi Jesu adomupindura achiti, "Iyezvino reka zviite daro, ndava zvidofanira kuti tizazise kururama kwese." Ipopo Johwani adobva wabvuma.

16 Zvino Jesu paadoombekewa, adobirika mumvura kabodzi nokabodzi. Pakarepo matenga yadozururiwa futi adoona Mweya waMwari achiburuka adoita kunge njiva ndokuvhoda paari. 17 Zvino izvi ridobva kudenga richiti, "Wakareyu ndiye Mwanakomana wangu wandinoditsitsa, futi ndinofadziwa maninge naye."

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-15_21-32-39-