Publicidade

Mateus 5

Mharidzo paGomo

1 Paadoona magurusvusvu yovanhu, adokwira mugomo, ndokugarikika pasi. Vadzidzi vache vadouya kwaari. 2 Adothanga kuvadzidzisa ndokuti,

Makomborero yoChokwadi

3 "Vadokomborehwa varombo pamweya,

ndava umambo hwokudenga ngwavo.

4 Vadokomborehwa vanorira,

ndava vachanyaradziwa!

5 Vadokomborehwa vadopfava,

ndava vachagara nhaka yonyika.

6 Vadokomborehwa vanonzara nonyota yokururama,

ndava vachagutsiwa.

7 Vadokomborehwa vano tsitsi,

ndava vachaitihwa tsitsi.

8 Vadokomborehwa vadochena pamwoyo,

ndava vachaona Mwari.

9 Vadokomborehwa vanoyananisa,

ndava vachanzi vana vaMwari.

10 "Vadokomborehwa vanotambudzihwa kururama,

ndava umambo hwokudenga ngwavo.

11 Mudokomborehwa vakaremi kana vanhu vachikutukanai vachikutambudzai vachinyaira zvidoipa zvese zvomabwodo pamusoro penyu nondava yangu. 12 Farai nokuita mufaro udonyanya, ndava mubairo wenyu udokuritsa kudenga. Matambudziro yavanoita vanhu vakareva ndomwenze yavadoita kuvaporofiti vadokuthangirai."

Muri Mwinyu noChiedza

13 "Imipa muri mwinyu wonyika, asi kana mwinyu wataya kuvava kwawene kungadzotsehwe tini? Hauchinai kabonyo, saka unotayiwa wotsikiwa novanhu.

14 Muri chiedza chonyika. Guta riri pagomo rinosvisvikaba. 15 Vanhu havabatidze mwenje vachiuisa pasi potsvanda, asi pachigadziko chomwenje kuti uvhenekere vese vari mumba. 16 Chiedza chenyu mbachivhenekere vanhu kuti vaone buya renyu, vakudze Baba venyu vari kudenga."

Dzidziso Pamusoro poMutemo

17 "Rekai kufunga kuti ndidouya kudzopfudza mutemo nozvinyohwa zvovaporofiti. Ndidouyaba koipfudza asi kudzoizazisa. 18 Ndava pachokwadi ndinoti kwamuri kusvikira denga nonyika zvapfuruka, hapanai kachikamu kadikidiki kana kabhii kangabvisiwe pamutemo kusvikira zvese zvazazisiwa. 19 Wese anochora umwe womitemo mudikidiki panoyakarei, achidzidzisa vanhu kuita zvakarezvo, achaitiwa mudikidiki muumambo hwokudenga. Asi anoiita achiidzidzisa, achaitiwa mukuru muumambo hwokudenga. 20 Ndava ndinokunyepai, kuti kana kururama kwenyu kukareka kukunda kwovanyori novaFarisi, munopindaba muumambo hwokudenga."

Dzidziso Pamusoro poKureka kuita Ukari

21 "Mudonzva kuti zvidotauhwa kuvanhu vokare kuti, ‘Reka kubaya, wese anobaya achatongewa.’ 22 Asi Inipano ndinoti kwamuri, wese anoitira ukari hama yache waparamura mhosva ichatongewa. Wese anotukana hama yache, wasora dare, nowese anoti, ‘Iwe dzemwa!’ achava nomhosva yogehena romoto. 23 Saka kana uchipereka chipo chako paatari, ukayeuka kuti hama yako ino chinhu chaidotsvatsvanira naiwewe, 24 siya chipo chako paataripo, uende kothanga wayanana nohama yako, wodzouya wopereka chipo chako.

25 Uchiri kuenda kudare nomunenedzeri wako, kurumidza kuwirirana naye, kuti munenedzeriyo areke kukupereka kumutongi, mutongi wodzokuisa kumupurisa uchibva wavharihwa mutorongo. 26 Chokwadi ndinoti kwamuri, unomubirikaba kusvikira waripa kamari kokupedzisira"

Dzidziso Pamusoro poKureka kuita Upombwe

27 "Mudonzva zvichinzi, ‘Reka kuita upombwe.’ 28 Asi Inipano ndinoti kwamuri, wese anonangara munhukadzi achibva wamuchiva watoita upombwe naye mumwoyo mache. 29 Kana ziso rako roruji richikukonzera kutadza, ritokonore uritaye! Hasa kutaikihwa nochidzu chibodzi panokuti muiri wako wese ukhandiwe mugehena. 30 Kana ruoko rako roruji richikukonzera kutadza, rigwate uritaye. Hasa kusaya chimwe chidzu panokuti muiri wako wese ukhandiwe mugehena."

Dzidziso Pamusoro poKureka Kurambana

31 "Zvidonzi pakare, ‘Wese anoramba mukadzi wache, mbaamupase gupuro.’ 32 Asi ndinoti kwamuri, wese anoramba mukadzi wache kunze kwokuti wahura, anomuitisa hure, nowese anoroora mukadzi adorambiwayo anoita upombwe."

Dzidziso pamusoro poKurega kupika

33 "Pakare mudonzva zvichinzi kuvanhu vokare, ‘Reka kupika zvomabwodo. Asi unofanira kuitira Ishe zvaudopikira.’ 34 Asi ndinoti kwamuri, ‘Rekeraifuti kupika, kana nodenga ndava nyhigaro chaMwari choushe. 35 Kana nonyika, ndava nyhitsiko chotsoka dzache, kana kuti noJerusarema, ndava iguta raMambo mukuru. 36 Futi rekai kupika nomusoro wenyu, ndava munokonaba kuita kuti bvudzi ribodzi rive richena kana rizvipa. 37 Kunyaira kwenyu mbakundova, ‘Inde’ kana ‘Neye’ chese chinopindiridza ipopa chinobva kuno adoipa."

Dzidziso Pamusoro poKurega kutsiidza

38 "Mudonzva kuti zvidonzi, ‘Ziso rinotsiviwa noziso, zino nozino.’ 39 Asi ndinoti kwamuri, ‘Rekai kurambidza adoipa. Asi kana umwe akakurova padama rokuruji, muperekere rimwe racho. 40 Futi kana pakaita anokusungisa kuti atore hembe yako, mureke atorewo nobhache rako kamu. 41 Kana munhu akakusukumidza kutekaira huri ibodzi, tekaira naye huri dziiri. 42 Pasa anokuruvira, futi reka kurambira anoda kukukwereta."

Rudo kuVavengi

43 "Mudonzva kuti zvidonzi, ‘Unofanira kuda muvakhidzani wako, wozonda muvengi wako.’ 44 Asi ndinokunyepai kuti, idai vavengi venyu munamatire vanokutambudzai, 45 kuti muve vanakomana vaBaba venyu vari kudenga. Ndava vanobuditsira zuva ravo kuno vadoipa novadonaka, nokunisira mvura vadorurama novasinai kururama. 46 Ndava kana muchindoda vaye vanokudai, muno mubairo wei? Anga naivo vateresi vanoitaba zvibodzibodzizvo nai? 47 Futi kana muchimoresa hama dzenyu basi, chii chamuri kuita chinokunda vamwe? Ko vasiri vaJudha vanoitaba zvibodzibodzizvo? 48 Saka munofanira kuva vadokwana, saBaba venyu vokudenga vadokwana."

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-16_06-50-08-