1 Panguwa yakareyo Herudhe mutongi adonzva runyerekupe raJesu, 2 achibva wati kuvaranda vache, "NdiJohwani Muombeki wakareyu, adomuka kuvadopfa, ndochikonzero masimba yominana aya yari kushanda maari."
3 Nokuti Herudhe wanga wabata Johwani ndokumusunga achimuisa mutorongo, nondava yaHerodhiyasi, mukadzi womukoma wache Firipi, 4 nokuti Johwani waigara achiti kwaari, "Hazvisi pamutemo kwauri kuti ave wako." 5 Kana zvache Herudhe waida kubaya Johwani, waicha vanhu, ndava vaimutora semuporofiti.
6 Asi zuva rokuzvahwa kwaHerudhe paridosvika, mwanasikana waHerodhiyasi adotamba pamberi pochita chovanhu, zvidofadza Herudhe, 7 zvokuti adovimbisa nomhiko kwaari kuti anomupasa chese chaangakumbire.
8 Wafurihwa namaache, adoti, "Ndipasei ipopano musoro waJohwani Muombeki uri mumbenge."
9 Mambo adoita urombo nazvo, asi nondava yomhiko yache novarendo vache adoraira kuti aitihwe chikumbiro chache, 10 adotumira kuti Johwani agwatiwe musoro mutorongo, 11 musoro wache udouyisiwa uri mumbenge uchibva wapasiwa musikana, iye ndokuuendesa kuna amai vache. 12 Vadzidzi vaJohwani vadouya vachitora mutumbi wache ndokuuviga, vachibva vaenda koudza Jesu.
13 Zvino Jesu paadonzva zvidoitika, adobirika pakarepo ari mukamwadiya achienda kunzvimbo yache wega. Asi gurusvusvu paridozvinzva, ridomutevera notsoka richibva mumaguta. 14 Jesu paadobirika mukamwadiya achiona gurusvusvu, adorinzvira tsitsi, ndokuporesa vanga vachihwara.
15 Yava mauro, vadzidzi vadouya kwaari vachiti, "Muno musango, zuva radoka, kototsai vanhu vaende kumisha kozvitengera zvokuja."
16 Jesu adoti, "Havafaniri kuenda, imimi vapasei zvokuja zvacho."
17 Vadoti kwaari, "Pano tinondova nomazingwa mashano nohove dziiri basi."
18 Iye adoti, "Uyai nazvo kuno kwandiri." 19 Ipopo adoraira gurusvusvu kuti rigarikike pasi pausva, adotora mazingwa mashano nohove dziiri ndokunangara kudzuru, achizvikomborera, adozvikomora ndokuzvipasa vadzidzi vache, vadzidzi ndokuzvipasa gurusvusvu. 20 Vese vadoja vachiguta. Vadodzounganidza zvimepfu zvidosara ndokuzaza tsvanda gumi nodziiri. 21 Vadoja vacho vaisvika zviuru zvishano zvovanhurume, pasingaverengewe vanhukadzi novana.
22 Pakarepo Jesu adoita kuti vadzidzi vache vapinde mukamwadiya vamuthangire kuenda kumhiri, iye ndokusara achikototsa gurusvusvu rovanhu. 23 Wapedza kukototsa zvaunga, adokwira mugomo ari wega konamata. Yava mauro, wanga ari wega makaremo, 24 asi panguwa yakarei kamwadiya kanga katoita huri kubva panyika, kachitadzisiwa nomasaisai, ndava duthu raihwisana navo.
25 Kwaakuchena adouya kwavari, achitekaira pagungwa. 26 Asi vadzidzi pavadomuona achitekaira pamusoro pomvura mugungwa, vadocha vachiti, "Nyhipoko!" vadobva varidza mhere nokucha.
27 Asi nokamangu adonyaira kwavari achiti, "Batai hana, ndini, rekai kucha."
28 Zvino Pita adomupindura, "Ishe kana muri imimi, ndiudzei ndiuye kwamuri pamusoro pomvura."
29 Adoti, "Uya." Ipopo Pita adobva wabirika mukamwadiya achitekaira pamusoro pomvura kuuya kuna Jesu. 30 Asi paadoona mhepo, adocha, ndokuthanga kunyura achibva wadaidzira achiti, "Ishe ndiponesei."
31 Nokamangu Jesu adotambanudza ruoko rache ndokumubata, achiti kwaari, "Naiwe nyakutenda kudiki, watsakidzireiko?"
32 Pavadopinda mukamwadiya, duthu ridorosa. 33 Vaiva mukamwadiya vadomunamata vachiti, "Chokwadi muri Mwanakomana waMwari."
34 Pavanga vayambuka, vadosvika munyika yoGenasareti. 35 Vanhu vomunzvimbo yakareyo pavadomuziva, vadotuma shoko mudunhu rese vachibva vauya kwaari novese vaihwara, 36 vachimuteterera kuti vandobata mukombero wojasi rache basi, futi vese vadoribata vadoporesewa.