1 Zvino vaFarisi novaSadhusi vadouya, kuti vayedze Jesu vadomukumbira kuti avanangidze chiratidzo kubva kudenga. 2 Adovapindura achiti, "Kana yava mauro, munoti, ‘Kunze kuchamira mushe, ndava denga ridotsvuka.’ 3 Kana yari mangwanani, ‘Kuchaita duthu nasi, ndava denga ririkusina sina ridotsvuka.’ Munoziva kurapanura mamiriro yodenga, asi muchitadza kurapanura zviratidzo zvonguwa dzino. 4 Vanhu vomazuvano vadoipa vasinai kutendeka vanotsvaga chiratidzo, manje hapanai chiratidzo chavachapasiwa kusiya kwochiratidzo chaJona."
Ipopo adovasiya achibva waenda.
5 Vadzidzi pavadosvika kumhiri, vanga vakoshiwa kutakura kana kazingwako. 6 Jesu adoti kwavari, "Hokoyo, chenjererai mbiriso yovaFarisi novaSadhusi."
7 Zvino vadzidzi vadozvikurukura pakati pavo vachiti, "Hatinai kuuya nomazingwa."
8 Asi Jesu paadozviziva adoti, "Imi vokutenda kudiki, seiko muchikurukura pakati penyu kuti hamunai mazingwa? 9 Hamunati maakuona nanasi? Munoyeukaba mazingwa mashano pazviuru zvishano, kuti tswanda dzingani dzamudounganidza? 10 Kana mazingwa manomwe pazviuru zvinai uye kuti tswanda dzingani dzamudounganidza? 11 Muri kutadza tini kuona kuti ndanyairaba zvomazingwa? Chenjererai mbiriso yovaFarisi novaSadhusi."
12 Ipopo vadonzvitsitsa kuti wanga asingavaudze kuti vachenjerere mbiriso yomazingwa, asi yodzidziso yovaFarisi novaSadhusi.
13 Zvino Jesu paadosvika mudunhu rinoitiwa Khesari Firipi, adobvunza vadzidzi vache, "Anga vanhu vanoti Mwanakomana woMunhu mbani?"
14 Ivo vadoti, "Vamwe vanoti Johwani Muombeki, vamwe vachiti Eriya, vamwewo vachiti Joromiya, kana umwe wovaporofiti."
15 Iye adoti kwavari, "Asi imimi munoti ndini yani?"
16 Simoni Pita adopindura achiti, "Ndimi Khirisitu, Mwanakomana waMwari mupenyu."
17 Zvino Jesu adomupindura achiti, "Udokomborehwa iwepa, Simoni mwanakomana waJona! Ndava nyama nogazi ndizvoba zvakuzururira izvozvi, asi Baba vangu vari kudenga. 18 Zvino ndinokuudza, ndiwe Pita, pamusoro poruware uhu ndichavakha kherekhe yangu, nomasimba yoGehena yachaikundaba. 19 Ndichakupasa makhiyi youmambo hwokudenga, chese chaunosunga panyika chichasungiwa kudenga, nochese chauchasugudura panyika chichasuguduriwa kudenga."
20 Ipopo adotsindikira vadzidzi vache kuti vareke kuudza munhu kuti ndiye Khirisitu.
21 Kubva panguwa yakareyo Jesu adothanga kunangidza vadzidzi vache kuti anofanira kuenda kuJerusarema kotambudziwa novaphirisita vakuru novadzidzisi vomurairo, pamusoro pozvinhu zvizinji, wobaiwa, nokudzomutsiwa nozuva rochitatu.
22 Zvino Pita adomutora parutivi ndokuthanga kumudzumidza achiti, "Zvinoitikaba izvo, Ishe! Zvakarezvo mbazvireke kuitika kwamuri."
23 Asi Jesu adochununguka ndokuti kuna Pita, "Ibva kwandiri Sathani! Uri chitadziso kwandiri, ndava hausi kudivi raMwari, asi rovanhu."
24 Ipopo Jesu adoudza vadzidzi vache, "Kana munhu achida kunditevera, mbaazvirambe atore muchinjikwa wache anditevere. 25 Ndava wese anoda kuchidza upenyu hwache anotaikihwa nahwo, nowese anotaikihwa noupenyu hwache nokuda kwangu achahuwana. 26 Anga chii munhu chaanowana kana akawana nyika yese achipfurutsa upenyu hwache? Kana kuti chii munhu chaachapereka chinotsivana noupenyu hwache? 27 Ndava Mwanakomana woMunhu achauya nongirozi dzache ari mukubhwinya kwaBaba vache, ipopo acharipa munhu wese zvichienderana nozvaadoita. 28 Chokwadi, ndinoti kwamuri, varipo vamwe vadomira pano vasingadzopfa vasati vaona Mwanakomana woMunhu achiuya muumambo hwache."