Publicidade

Mateus 18

Mbani Mukuru?

1 Panguwa yakareyo vadzidzi vadouya kuna Jesu vachiti, "Mbani mukuru muumambo hwokudenga?"

2 Zvino adodaidza mwana kwaari ndokumuisa pakati pavo, 3 achibva wati, "Chokwadi ndinoti kwamuri kana, musingasanduke muchiita kunge vana, munopindaba muumambo hwokudenga. 4 Wese anozvidikipisa kunge mwana wakareyu, ndiye mukuru maninge muumambo hwokudenga. 5 "Wese anotambira muzita rangu mwana mudiki adodaro anotambira inini.

Muedzo kuti Utadze

6 Uyo wese anokonzera umwe wovadiki vakareva vanotenda kwandiri kuti atadze, hasa kutoti guyo rikuru risungirihwe muhuro mache achudumutsiwe kumagwinakwina kwogungwa. 7 "Nhamu kunyika nondava yomiedzo inokonzera vanhu kutadza! Muedzo inofanira kuuya zvayene, asi nhamu kumunhu anoiwuyisa!

8 Futi kana ruoko rako kana kuti tsoka ichikonzera kuti utadze, igwate uitaye! Hasa kupinda muupenyu udoremara kana kuti udogwatika panokuti ukhandiwe mumoto usingapere unomaoko mairi notsoka dziiri. 9 Kana ziso rako richikukonzera kutadza, ritokonore uritaye, hasa kwauri kupinda muupenyu uno ziso ribodzi panokuti ukhandiwe mugehena romoto unomaziso mairi.

Mufananidzo woHwai Idotaika

10 "Onai kuti munozvidzaba umwe wovadiki vakareva. Ndava ndinokunyepai kuti ngirozi dzavo kudenga dzinenge dziripo panaBaba vangu vari kudenga. 11 Ndava Mwanakomana woMunhu adouya koponesa adotaika.

12 Munofungei? Kana munhu ano mahwai zana, rimwe rikataika, anosiyaba nai makumi mapfemba nomapfemba mumakomo achienda kotsvaga ribodzi ridotaika? 13 Chokwadi, ndinokunyepai kuti kana wariwana, anorifarira kukunda makumi mapfemba nomapfemba yasinai kutaika. 14 Nonzira ibodzibodziyo Baba venyu vari kudenga vanodaba kuti umwe wovadiki vakareva aparadzike.

Kana Munhu Watadza

15 Kana hama yako yakutadzira, enda komuudza uyanga hwache, muri pauviri hwenyu. Kana akakutetekera, wazviwanira hama yako. 16 Asi kana waramba kukutetekera, tora umwe kana vairi muende mese, kuti nyaya yese isimbisiwe noupfakazi hwovairi kana vatatu. 17 Kana akaramba kuvatetekera, zviudze kherekhe, kana akaramba kutetekera nokherekheyo, mutorei kunge wokunze kana muteresi.

Kurambidza Nokubvumidza

18 Chokwadi ndinoti kwamuri, chese chamunosunga panyika chichasungiwa kudenga, nochamunosugudura panyika chichasuguduhwa kudenga.

19 Pakare ndinoti kwamuri, kana vairi venyu mukabvumirana panyika pamusoro pochinhu chipi zvachene chamunokumbira, muchachiitihwa naBaba vangu vari kudenga. 20 Ndava panoungana vairi kana vatatu muzita rangu, pakarepo ndiripo pakati pavo."

Mufananidzo woMuranda Asingaregerere

21 Zvino Pita adouya kwaari achiti, "Ishe, hama yangu inganditadzire kangani ndichimbondoiregerera? Kanomwe chere?"

22 Jesu adoti kwaari, "Handiti kwauri kanomwe, asi makumi manomwe yadopetewa kanomwe. 23 "Saka umambo hwokudenga hungaenzanisiwe namambo waida kunhadzirisa zvikwerete novaranda vache. 24 Paadothanga kuverenga, umwe wanga ano chikwerete chozviuru gumi zvomasaga yondarama, adouyisiwa kwaari. 25 Nondava yokutadzirira kuripa, ishe wache adoraira kuti iye atengesewe, pabodzi nomukadzi wache novana nozvese zvaanga anazvo, kuti chikwerete chiripiwe. 26 Muranda adogodama nomabvi pamberi pache ndokuti, ‘Ishe ndiitirei mwoyo murefu, ndichakuripai zvese.’ 27 Tenzi womuranda adoita tsitsi, ndokumuregerera kuti aende zvache.

28 Asi muranda mubodzi bodziyo, paadobirika pakarepo, adouya kunoumwe muranda biyache wanga ano chikwerete kwaari chomakobiri zana yanonzi dhinari adomubata pahuro achiti, ‘Ripa chikwerete chako.’ 29 Muranda biyache adogodama nomabvi achimukumbira achiti, ‘Ndiitire mwoyo murefu, ndichakuripa.’ 30 Asi iye adoramba ndokuenda komuisa mutorongo kusvikira waripa chikwerete. 31 Zvino varanda biyache pavadoona zvanga zvaitiwa, vadoshungurudziwa nazvo chaizvo, ndokuenda konyepa tenzi wavo zvese zvanga zvaitika. 32 Ipopo tenzi adodaidza muranda ndokuti kwaari, ‘Iwe muranda adoipa! Ndidokuregerera chikwerete chiye chese ndava wanga wandikumbira, 33 ko wanga usingafaniriwo kuitira tsitsi muranda biyako kunge zvandidokuitira iwepa?’ 34 Noukari tenzi wache adomuendesa kuno vokutorongo, kuti atambudziwe kusvikira aripa chikwerete chache chese.

35 Zvakarezvo ndizvo zvichaitiwa naBaba vangu vokudenga kwamuri umwe noumwe, kana musingaregerere hama yenyu zvichibva pamwoyo."

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-15_21-32-39-