Publicidade

Mateus 22

Mufananidzo woMabiko yoMuchato

1 Zvino Jesu adonyaira kamu kwavari nomifananidzo achiti, 2 "Umambo hwokudenga hungaenzanisiwe namambo adoitira mwanakomana wache mabiko yomuchato, 3 ndokutuma varanda vache kodaidza vaye vaadokokera kumabiko yomuchato, asi havanai kuuya. 4 Adotuma kamu vamwe varanda, achiti, ‘Udzai vadokokewa vaye, Onai, ndanhadzira kusvusvura kwangu, madhonza yangu nozvimhuru zvangu zvidokora zvabaiwa, futi zvinhu zvese zvanhadzihwa, uyai kumabiko yomuchato.’ 5 Asi vadozviita zvisina basa, ndokuenda zvavo, umwe kupurazi rache, umwe kumaronda yache, 6 vamwe ndivo vadobata varanda vache, vachivaitira zvidoipa, nokuvabaya. 7 Mambo adokaripa, achibva watuma mauto koparadza mhondi dzakaredzo nokupisa guta radzene. 8 Ipopo adoti kuvaranda vache, ‘Muchato wagadzihwa, asi vanga vadokokewa vaye vanga vasinai kufanira. 9 Endai kumhararano dzonzira, mukokere kumabiko yomuchato wese wamawana.’ 10 Varanda vadoenda mumigwagwa vachiunganidza vese vavadowana, vadoipa novadonaka, zvokuti imba yokuchatira idozara novarendo.

11 Asi mambo paadopinda koona varendo, adoona munhu wanga asinai hembe yomuchato, 12 adoti kwaari, ‘Shamwari, wapinda tini muno usinai hembe yomuchato?’ Adondoti zii. 13 Ipopo mambo adoti kuvarindi, ‘Musungei maoko nomakumbo, mumukandidzire kurima rokunze, kwakareko vanhu vacharira vachigedageda meno yavo.’

14 Ndava vadodaidziwa mbazinji asi vadosaruhwa mbashoma."

Mubvunzo woKuripa Mitero

15 Ipopo vaFarisi vadobirika vachipangana mabatiro yavangamuite pakunyaira kwache. 16 Vadobva vatuma vadzidzi vavo kwaari, pabodzi novatsigiri vaHerudhe vachiti, "Mudzidzisi, tinoziva kuti muri wochokwadi, futi munodzidzisa nzira yaMwari pachokwadi, musinai basa nozvinofungiwa nomunhu, ndava hamunei kuti munhu mbani. 17 Saka tinyepei zvamunofunga. Zviri pamutemo chere kuripa mitero kuna Khesari kana kureka?"

18 Asi Jesu nokuziva mufungo wavo udoipa, adoti kwavari, "Imi vanyengeri, indava yei muchinditeya? 19 Ndinangidzei kobiri romutero."

Ivo vadouya naro kwaari. 20 Jesu ndokuti kwavari, "Anga mufananidzo nozita iri nzvaani?"

21 Vadoti, "NzvaKesari."

Ipopo adoti kwavari, "Perekai ndipo kuna Khesari zvinhu zvaKesari, nokuna Mwari zvinhu zvaMwari."

22 Pavadozvinzva, vadoshamisika, vadomusiya vachibva vaenda.

Mubvunzo woKumuka kuVadopfa

23 Zuva rakarero, vaSadhusi ivo vanoti hakunai kumuka kwovadopfa, vadouya kwaari, vachibva vamubvunza mubvunzo, 24 vachiti, "Mudzidzisi, Mozisi adoti, ‘Kana munhu wapfa, asinai vana, munin'ina wache mbaaroore mujiche wacho, kuti amutsire mukoma wache vana.’ 25 Manje pakati pedu paiva novakoma novanin'ina vanomwe, wokuthanga adoroora, ndokupfa asinai vana, mukadzi wache adobva wagahwa nhaka nomunin'ina. 26 Ndozvibodzi bodzizvo kuno munin'ina’ina wochipiri nowochitatu kusvikira kuno munin'ina’ina wochinomwe. 27 Vese vapera daipo, mukadzi adodzopedzisira wapfawo. 28 Zvino pakumuka kwovadopfa, achava mukadzi woupi pavanomwevo, zvaadova mukadzi wavo vese?"

29 Asi Jesu adovapindura achiti, "Muri kukanganisa, ndava munozivaba magwaro kana simba raMwari. 30 Ndava pakumuka vanhu havaroore kana kuroorewa, asi vadoita kunge ngirozi dziri kudenga. 31 Futi kana kuri kumuka kwovadopfa, mudoverengaba nai zvidorehwa kwamuri naMwari, 32 ‘Ndini Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaki, naMwari waJakobho.’ Haasi Mwari wovadopfa asi wovapenyu."

33 Zvino mhomho paidozvinzva, idoshamisika nokudzidzisa kwache.

Mutemo Mukuru

34 Asi vaFarisi pavadonzva kuti wapwisa vaSadhusi, vadoungana, 35 Umwe wavo, gweta nyanzvi yomutemo, adomubvunza mubvunzo achimuedza. 36 "Mudzidzisi, mumutemo ngupi murairo mukuru?"

37 Futi adoti kwaari, "‘Unofanira kuda Ishe Mwari wako nomwoyo wako wese, nomweya wako wese, nokufunga kwako kwese.’ 38 Wakareyu ndiwo murairo mukuru nowokuthanga. 39 Wochipiri udofanana naiwoyu nguyu, ‘Unofanira kuda muvakhidzani wako sekuda kwaunozviita.’ 40 Pamirairo yakarei miviri ndipo padotsamira mutemo wese nodzidziso dzovaporofiti."

Mubvunzo nozvaMesiya

41 Zvino vaFarisi pavanga vaungana pabodzi, Jesu adovabvunza mubvunzo, 42 achiti, "Munofungei nozva Khirisitu? Mwanakomana waani?"

Vadoti kwaari, "Mwanakomana waDhavhiti."

43 Adoti kwavari, "Sei zvino Dhavhiti, paadotungamihwa naMweya, achimudaidza kuti Ishe, paanoti,

44 ‘Ishe adoti kuna Ishe wangu,

Garikika kuruoko rangu roruji,

kusvikira ndaisa vavengi vako pasi potsoka dzako.’

45 Kana Dhavhiti achimudaidza daro kuti Ishe, anodzova tini mwanakomana wache?"

46 Hapanai adokona kumupindura kana shoko ribodzi, hapanai kamu kubva pazuva rakarero adodzotsunga kumubvunza umwe mubvunzo.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-16_18-40-07-