1 Mugore rogumi nomashano rokutonga kwaTaibheriyasi Khesari, Pondiyasi Pirato ari mutongi woJudhiya, naHerudhe ari mutongi woGaririya, nomunin'ina wache Firipi ari mutongi womatunhu yoItariya noTirakonitisi, naRisaniyasi ari mutongi woAbhireni, 2 panguwa yokuva muphirisita mukuru kwaAnasi naKhefasi, shoko raMwari ridouya kuna Johwani mwanakomana waZakariya ari musango. 3 Adoenda mudunhu rese ridopoteredza Jorodhani, achiparidza kuti vanhu vapinduke, vaombekewe kuti varegerehwe zvitadzo zvavo. 4 Semanyorehwo yazvidoitiwa mubhuku romashoko yomuporofiti Isaya,
"Izvi roanokuwa musango,
‘nhadzirai mugwagwa waIshe,
yororai nzira dzache!
5 Mipata yese ichafuchihwa,
makomo notutunhu zvichaderedzewa,
nomagonyo yachayorohwa,
nonzira dzinomaphubu dzichaenzanisiwa,
6 Futi vanhu vese vachaona ruponiso raMwari.’"
7 Naizvozvo adoti kumhomho idouya kwaari kudzoombekewa naye, "Imipa muri vana vonyoka! Mbani adokuchenjedzai kuti mutize ukari hunouya? 8 Berekai zvibereko zvinoenderana nokupinduka, futi rekai kuthanga kuzviti, ‘Tina Abhurahamu vanova baba vedu,’ ndava ndinokunyepai, Mwari anogona kumutsira vana Abhurahamu kubva pamabhwe aya. 9 Kudaiku demo ratoisiwa pamidzi yomiti, saka muti wese usingabereke zvibereko zvidonaka unogwatiwa uchikhandiwa mumoto."
10 Vanhu vadobva vamubvunza vachiti, "Manje toita tini?"
11 Zvino adovapindura, "Uyo anohembe dziiri mbaakoverane noasina, noanozvokuja mbaaitewo zvibodzi bodzizvo."
12 Vateresi vadouyawo kudzoombekewa vadoti kwaari, "Mudzidzisi, ko isisu tiitei?"
13 Iye adoti kwavari, "Regai kutora zvidopindiridza zvamudotemehwa."
14 Mauto yadomubvunzawo yachiti, "Ko isisuwo toita sei?"
Iye adoti kwavari, "Rekai kutorera vanhu nosimba kana nokunenedzera mhosva dzomabhwodo, gutsikanai nomihoro yenyu." 15 Vanhu pavaigurupira, vese vachifungira mumwoyo kuti pamwe Johwani wakareyu ndiye Khirisitu. 16 Johwani adovapindura vese, "Inipano ndinokuombekai nomvura, asi anomasimba kukunda inini ari kuuya, murau woshangu dzache ndinokodzeraba kusugudura, achakuombekai naMweya Mutsvene nomoto. 17 Chisero chache anacho mumanja, kuti achenese udzire, nokuunganidzira gorosi muchitura, asi hundi achaipisa nomoto usingadzimwe."
18 Nokukurudzira kuzinji, adoparidza nyaya idonaka kuvanhu. 19 Asi Herudhe mudzviti, waanga adzuma nondava yaHerodhiyasi, mukadzi womunin'ina wache, nokumwe kunyangadza kwese kwanga kwaitiwa naHerudhe, 20 adoingidzira zvakarezvi zvese nokudzoisa Johwani mutorongo kwaadoita.
21 Zvino vanhu vese pavadoombekewa, naJesu waombekewawo ari pakunamata, denga ridozururiwa, 22 Mweya Mutsvene adoburuka achivhoda paari, adoita kunge njiva, futi izvi ridouya kubva kudenga richiti, "Iwepa ndiwe Mwanakomana wangu wandinoditsa, naiwepa ndinofadziwa maninge."
23 Jesu paadothanga ushumiri hwache, wanga wava nomakore yanenge makumi matatu, pakufungidzihwa ari mwanakomana waJosefa, mwanakomana waHeri, 24 mwanakomana waMatati, mwanakomana waRevhi, mwanakomana waMeriki, mwanakomana waJanai, mwanakomana waJosefa, 25 mwanakomana waMatatiyasi, mwanakomana waAmosi, mwanakomana waNahamu, mwanakomana waEsiri, mwanakomana waNagai, 26 mwanakomana waMaata, mwanakomana waMatatiasi, mwanakomana waSemeini, mwanakomana waJoseki, mwanakomana waJodha, 27 mwanakomana waJowanani, mwanakomana waRisa, mwanakomana waZerubhabheri, mwanakomana waSheritieri, mwanakomana waNeri, 28 mwanakomana waMeriki, mwanakomana waAdhi, mwanakomana waKosamu, mwanakomana waErimadhami, mwanakomana waEri, 29 mwanakomana waJoshuwa, mwanakomana waEriezari mwanakomana waJorimi, mwanakomana waMatati, mwanakomana waRevhi 30 mwanakomana waSimiyoni, mwanakomana waJudha, mwanakomana waJosefa, mwanakomana waJonami, mwanakomana waEriyakimu, 31 mwanakomana waMeriya, mwanakomana waMena, mwanakomana waMatata, mwanakomana waNatani, mwanakomana waDhavhiti, 32 mwanakomana waJese, mwanakomana waObhedhi, mwanakomana waBhowazi, mwanakomana waSara, mwanakomana waNashoni, 33 mwanakomana waAminadhabhi, mwanakomana waAdhimini, mwanakomana waAmi, mwanakomana waHezironi, mwanakomana waPherezi, mwanakomana waJudha, 34 mwanakomana waJakobho, mwanakomana waIsaki, mwanakomana waAbhurahamu, mwanakomana waThera, mwanakomana waNaho, 35 mwanakomana waSeragi, mwanakomana waReu, mwanakomana waPeregi, mwanakomana waEbha, mwanakomana waShera, 36 mwanakomana waKeinani, mwanakomana waAfakisadhi, mwanakomana waShemi, mwanakomana waNowa, mwanakomana waRameki, 37 mwanakomana waMatusera, mwanakomana waInoki, mwanakomana waJeredhi, mwanakomana waMaharareri, mwanakomana waKenani, 38 mwanakomana waInosi, mwanakomana waSeti, mwanakomana waAdhamu, mwanakomana waMwari.