Ano novo
O Ano Novo é oportunidade de renovação e consagração. A Bíblia convida a esquecer o que ficou para trás e avançar em fé, confiança e esperança em Deus.
Hama dzangu, inipano handisi kuti ndatochibata, asi chinhu chibodzi chandinoita nyhichi, ndinokangamwa zviri kumasure ndichinanairira zviri kumberi, saka ndinomhanya ndidonanga padotariwa kuitira kuti ndipasiwe mubairo wokumusoro wandidodaidzihwa naMwari muna Khirisitu Jesu.
Kumhanya Kuenda Paudonanga
Aikona kuti ndidochiwana kare kana kuti ndatosvika kare, asi ndinoshingirira kuti ndichibate icho Khirisitu Jesu chaadondibatira. Hama dzangu, inipano handisi kuti ndatochibata, asi chinhu chibodzi chandinoita nyhichi, ndinokangamwa zviri kumasure ndichinanairira zviri kumberi, saka ndinomhanya ndidonanga padotariwa kuitira kuti ndipasiwe mubairo wokumusoro wandidodaidzihwa naMwari muna Khirisitu Jesu.
Nokudaro isisu tese takura mbativei nomurangariro udodaro, kana imipa munoumwe murangariro udosiyana, Mwari achakuisirai pachenu zvakarezvo.
Saka kana munhu wava muna Khirisitu, wava chisikwa chitsva, zvokare zvapfuura, chokwadi, zvitsva zvauya.
Tariro Ipenyu
Mbaakudziwe Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Khirisitu! Mutsitsi dzache dzikuru tidozvahwa patsva kutariro ipenyu kuburikidza nokumuka kwaJesu Khirisitu kubva kuvadopfa,
Uye pamusoro pozvakarezvi zvese simirai rudo, rinova iro rinobatanidza zvese pabodzi mukubatana kudokwana. Motendera rugare raKhirisitu kuti ritonge mumwoyo yenyu nokuti ndizvo zvamudodaidzihwa mumuviri mubodzi. Uye pasai kutenda.
Nokuti ivo vadotiranga kwonguwa ipfupi sezvavaida, asi iye anotiranga kuti zvitinakire sezvaadoona zvidokodzera, kuti tikovehwe utsvene hwache. Zvino kwokanguwa kuranga kwese hakufadze, asi kunodzimba pamasure kunobereka chibereko chorugare chinouyisa kururama kuno vadodzidzisiwa nako.
Chenjedzo Pamusoro Pokuzvikudza
Manje tetekerai vakaremi munoti, "Nasi kana mangwana tichaenda kuguta rakati, toita gore tiri kwakareko, tichiita maronda nokuwana mari." Apa munozivaba zvichaitika mangwana. Upenyu hwenyu chiiko? Muri mhute inooneka nguwa ipfupipfupi yonyangarika. Maitofanira kuti, "Kana kuri kuda kwaIshe, tikararama tichaita chokuti nochokuti." Asi manje munozvikudza nokuzvipembedza. Kuzvikudza kwakareko kwese kudoipa.
Uyo wese anoziva zvidonaka zvaanofanira kuita akareka kuzviita, nyhitema kwaari.