Pular para o conteúdo
Publicidade

Arca de noé

Por Bíblia Online

A arca de Noé é história de salvação e fidelidade. Deus instruiu Noé a construir a arca para salvar sua família e os animais do dilúvio — exemplo supremo de obediência e fé.

Nokutenda Nowa, paadochenjedzewa pamusoro pozvinhu zvanga zvisinati zvaoneka, adoteerera ndokugadzira ngarava kuti araramise mhuri yache, nozvakarezvi adopasa nyika mhosva akava mugari wonhaka yokururama kunouya nokutenda.

isinai kuteerera Mwari kare paadomirira nomwoyo murefu pamazuva yaNowa panga pachivakhiwa ngarava. Mairi vanhu vashoma vanokwana vasere basi ndivo vadoponesewa nomvura. Mvura yakarei inosurudzira ruombeko rinokuponesaiwo zvino, kusiri kubisiwa tsambwa yomuviri asi kuruvira hana idochena kuna Mwari. Rinokuponesai kuburikidza nokumuka kwaJesu Khirisitu, uyo adoenda kudenga futi ari kujanja roruji raMwari. Ngirozi, vakuru nomasimba zvidoisiwa pasi pache.

Sezvazvanga zvidoita pamazuva yaNowa, ndizvo zvazvichaita pakuuya kwoMwanakomana woMunhu. Ndava sepamazuva yakareyo kusati kwava nomurove, vaija vachimwa, vairoora nokuroorewa, kusvikira zuva Nowa raadopinda mungarava, havanai kuziva kusvikira mafashamu yauya yachibva yavakukura vese, zvakarezvo ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana woMunhu. Varume vairi vachange vari mumunda, umwe achatohwa umwe achisiiwa. Vakadzi vairi vachange vachikuya paguyo, umwe achatohwa umwe achisiiwa.

Seja o primeiro