Beleza
A verdadeira beleza vem de dentro. A Bíblia ensina que o encanto é enganoso e a formosura é vã, mas a mulher que teme ao Senhor — essa sim merece louvor.
Runako renyu mbarireke kuva romucheno wokunze, wokurukha vhudzi nokukochekera mikufu yondarama nombacha dzinoyevedza, asi mbarive runako ridohwanda risingapere romunhu womukati rokupfava nomweya udodiha, ridokosha kuna Mwari.
Futi vanhukadzi mbavasimire zvidotsiga, zvidoremekedzeka futi zvidokodzera, vasinai kurukhiwa misoro kana kusimira zvipfeko zvondarama kana chuma kana zvipfeko zvinodhura asi kuva nounhu hudonaka, hudofanira kuitiwa novanhukadzi vanoti tinonamata Mwari.
Nokuti tiri basa romanja yache, tidosikiwa muna Khirisitu Jesu kuti tiite mabasa yadonaka, yadonhadzihwa kare naMwari, kuti tiyaite.
Kurarama noKutenda
Saka hatiori mwoyo. Kana munhu wedu wokunze achiperezeka zvache, munhu wedu womukati anovandudziwa zuva nozuva.
Saka ndinokunyepai, kuti mureke kushushikana pamusoro poupenyu hwenyu chamuchaja kana chamuchamwa, kana pamusoro pomuiri wenyu chamuchasimira. Ko upenyu hunokundaba chokuja nai, nomuviri unokundaba chokusimira nai?