Comunhão com Deus
A comunhão com Deus é o propósito supremo da existência humana. Fomos criados para viver em intimidade com o Criador — e em Cristo, esse acesso é plenamente restaurado.
Em comunhão com Deus
Deus é fiel, pelo qual fostes chamados à comunhão de seu Filho. A comunhão com Deus é dom da graça e fruto da redenção.
Mwari adotendeka, iye wamudodaidziwa naye kuruwadzano roMwanakomana wache, Ishe wedu Jesu Khirisitu.
Munozivaba nai kuti muri imba yaMwari yaMwari uye kuti Mweya waMwari unogara mamuri?
Ndava sezvidondoita muviri kuti mubodzi asi unonhengo dzizinji, dzese dziri nhengo dzomuiri, kana dzidowanda zvadzene, dzinondova muviri mubodzi, ndizvo zvidoita Khirisitu.
Mutsa dzaIshe Jesu Khirisitu norudo raMwari nokuwadzana kwoMweya Mutsvene mbazvive nemi mese.
Kubvumirana hwai kuripo pakati poimba yaMwari nozvifananidzo? Ndava tiri imba yaMwari mupenyu, sezvidoreva Mwari achiti,
"Ndichagara mavari
nokufamba pakati pavo,
ini ndichava Mwari wavo,
ivo vachava vanhu vangu.
Saka kana munhu wava muna Khirisitu, wava chisikwa chitsva, zvokare zvapfuura, chokwadi, zvitsva zvauya. Zvese izvi zvinobva kuna Mwari, uyo adotiyananisa kwaari kuburikidza naKhirisitu achibva watipasa ushumiri hwokuyananisa, ndiko kuti, muna Khirisitu Mwari wanga achiyananisa nyika naiye, asingaverengere vanhu kutadza kwavo. Achibva watituma noshoko rokuyananisa.
Presença divina
Eis que estou à porta e bato. O Senhor fez sua morada entre nós — e toda a criação é convidada à comunhão eterna.
Ona, ndinomira pamusuwo ndichigugudza, kana munhu akanzva dzinga rangu akavhura musuwo, ndichapinda maari ndoja pabodzi naye, iye nainini.
Ipopo ndidonzva izvi rinoruzha ridobva pamupando woushe richiti, "Nangarai, ugaro hwaMwari huri pakati povanhu. Achagara navo, ivo vachava vanhu vache, Mwari pachake achava navo, wova Mwari wavo.
Ndava panoungana vairi kana vatatu muzita rangu, pakarepo ndiripo pakati pavo."
"Handinamatire vakareva chete, asi noavo vanotendawo kwandiri kuburikidza noshoko ravo, kuti vese vave mubodzi, kunge imipa, Baba muri mandiri, nainini ndiri mamuri. Ndinonamatira kuti vavewo matiri, kuitira kuti nyika itende kuti mudondituma. Kubhwinya kwamudondipasa ndidovapasa, kuti vave mubodzi kunge isisu tiri mubodzi, inini ndiri mavari futi imimi muri mandiri, kuti vanatse kuita mubodzi, kuitira kuti nyika izive kuti mudondituma futi kuti mudovada zvidofanana nokundida kwamudoita."
Viver na comunhão
Quem permanece nele e ele no Senhor, esse dá muito fruto. A comunhão com Deus produz transformação e alegria.
Vese vanochengeta mirairo yache vanogara maari naiye mavari. Nozvakarezvi tinoziva kuti anogara matiri noMweya waadotipasa.
Futi tinoziva kuti Mwanakomana waMwari adouya kotipasa kunzvitsitsa, kuitira kuti timuzive iye anova chokwadi, futi tiri maari iye anova chokwadi, muMwanakomana wache Jesu Khirisitu. Ndiye Mwari wochokwadi noupenyu husingapere.
Nozvakarezvi tinoziva kuti tinogara maari naiye anogara matiri, ndava adotipasa Mweya wache.
Hama dzangu, mbatidananei, ndava rudo runobva kuna Mwari. Wese anorudo adozvahwa naMwari, futi anoziva Mwari.
Zvatidoonazvo nokunzva tinokuparidziraiwo, kuti muwadzane naisisu, futi kuwadzana kwakareko mhwedu naBaba noMwanakomana wache, Jesu Khirisitu.
Manje vana vanodiwa, garai maari, kuti paanodzooneka tidzova vanochivimbo vasingadzonyara pakuuya kwache.
Sezvo tidoruramisiwa nokutenda, tino runyararo kuna Mwari kuburikidza naIshe wedu Jesu Khirisitu. Kuburikidza naiye tidowana masvikiro yomunyasha dzakaredzi dzatidomira madziri. Pakare tinofara nokugurupira kukovehwa kubhwinya kwaMwari!
mbatinyedzei papfupi nomwoyo wochokwadi nokutenda kudosimba, nomwoyo yedu yawazihwa nokunatsiwa kubva pahana idoipa uye miviri yedu yashambidziwa nomvura idochena.
Zviisei ndipo pasi paMwari. Dzivisai jabhurosi, kuti akutizei. Nyedzai papfupi naMwari iye achanyedzawo kwamuri. Shambai manja yenyu, imi vatadzi, chenesai mwoyo yenyu, imi vomufungo miviri.