Comunidade
A comunidade cristã é essencial para o crescimento da fé. A Bíblia ensina que fomos criados para viver em comunhão — edificando-nos, encorajando-nos e servindo uns aos outros.
Viver em unidade
Os que creram eram um coração e uma alma. A comunidade primitiva partilhava tudo e vivia em harmonia e alegria.
Vatendi Vanokoverana Zvinhu Zvavo
Zvino gurusvusvu rovanotenda vanga vanomwoyo nomweya mubodzi, panga pasinai waiti chinhu chaanacho nyhache wega, asi zvinhu zvese vadoti nzvavo vese.
Vadozvipira kudzidziso dzonhumwa nopakuwadzana, nopakukomora mazingwa, nopaminyengetero.
Zuva rimwe norimwe, vaikumana muimba yaMwari vari pabodzi, vachikomora mazingwa mudzimba dzavo, vachija zvokuja zvavo nomufaro, nomwoyo udonaka, Vachirumbidza Mwari, vachidiwa novanhu vese, zuva rimwe norimwe Ishe adoingidzira vaiponesewa.
Ivova vese vadotsungirira nomwoyo mubodzi pakunyengetera, pabodzi novanhukadzi, naMariya amai vaJesu, novanin’ina’ina vache.
Saka Pita adochengetewa mutorongo, asi wanga achinyengeterehwa chaizvo noKherekhe kunaMwari.
Ndava panoungana vairi kana vatatu muzita rangu, pakarepo ndiripo pakati pavo."
Edificação mútua
Vivam em harmonia uns com os outros. Não haja divisões entre vós. A comunidade cresce quando cada membro contribui.
Kupesana mukherekhe
Ndinokukumbiritsai, hama, nozita raIshe wedu Jesu Khirisitu, kuti mese mubvumirane kuti pakati penyu pareke kuva nokupesana, asi mubatane papfungwa ibodzi nochinangwa chibodzi.
Ndava noMweya mubodzi tese tidoombekewa mumuviri mubodzi vaJudha kana vaGiriki, varanda kana vadosununguka uye tese tidomwa paMweya mubodzi.
Sezvatidondoita kuti tinomuviri mubodzi unonhengo dzidowanda, nhengo dzakaredzo dzese dzinoitaba basa ribodzi, saka nesuwo muna Khirisitu nokuwanda kwedu daipo tiri muviri mubodzi, uye nhengo yega yega njodzimwe nhengo.
Garai muchiwirirana. Rekai kuzvikudza, asi idai kufambidzana novanhu vadoderera. Rekai kuzviona kunge mudochenjera.
Reka Kutonga Vamwe
Tambirai asinai kusimba pakutenda, musingapikisi mafungiro yache.
Dai Mwari anopasa kutsungirira nokurudziro wakupasai mweya wokubatana pakati penyu pakutevera kwenyu Jesu Khirisitu
Kuraira kwoKupedzisira
Ndiri kukukumbiritsai, hama, chenjererai vapesanisi vanouyisa zvigumbu, zvichipesana nodzidziso yamudodzidza, taramukanai navo.
Amor e compromisso
Não deixemos de congregar. O vínculo perfeito é o amor — ele une a comunidade e produz frutos que duram.
Mbationei kuti tamutsana mwoyo kuti tive norudo nomabasa yadonaka, tisingareke kuungana kwedu pabodzi, setsika iri kuitiwa novamwe, asi tikurudzirane chaizvo zvamunoona kuti Zuva rakareriye riri kunyedza papfupi.
Uye pamusoro pozvakarezvi zvese simirai rudo, rinova iro rinobatanidza zvese pabodzi mukubatana kudokwana.
Vavarirai chaizvo kuchengeta kubatana kwoMweya muchisungo chorugare.
Kutambudzika Nokuda Kwokuita Zvidonaka
Pakupedzisira, mese ivai nomweya wokuwirirana, itiranai tsitsi, mudanane muchiitirana mwoyo munyoro muchiyamurana nokuzvininipisa.
Hama dzangu, sezvo Mwari adotiditsa daipa, tinofanira kudananawo pakati pedu.
asi kana tichitekaira muchiedza, fanike iye pachake ari muchiedza, tinowadzana pachedu, futi gazi raJesu Mwanakomana wache rinotinatsa pazvitema zvese.
Hapachinai muJudha kana muGiriki, hapachinai muranda kana adosununguka, hapachinai munhurume kana munhukadzi. Ndava mese muri mubodzi muna Khirisitu Jesu. Zvino kana muri vache Khirisitu, muri budzi raAbhurahamu, vaji vonhaka maererano nochivimbiso.
Remekedza vajiche chaivo vochokwadi.
Chokwadi ndinokutaurirai kuti wese anotambira wandinotuma anotambirawo inini, futi anotambira inini anotambirawo adondituma."