Pular para o conteúdo
Publicidade

Domínio próprio

Por Bíblia Online

O domínio próprio é fruto do Espírito e marca de maturidade espiritual. A Bíblia ensina que quem governa o próprio espírito é melhor do que quem conquista uma cidade.

Fruto do Espírito

O fruto do Espírito inclui domínio próprio. A graça de Deus nos ensina a viver de maneira sóbria e justa neste mundo.

Asi chibereko choMweya ndiro rudo, mufaro, runyararo, mwoyo murefu, tsitsi, kunaka, kutendeseka, kupfava nokuzvibata. Hapanai mutemo unopesana nokuita kudodai.

Nokuti mutsa waMwari udooneka unovigira vanhu vese kuponesewa, unotidzidzisa kuti tirambe kusanamata Mwari nokuchiva zvonyika, kuti tirarame tidobanganuka, tichizvidzora tidorurama, noupenyu hwoumwari munyika ino yanasi, tidomirira tariro idoropafadziwa, yokuoneka kwokubhwinya kwaMwari wedu mukuru naMuponisi Jesu Khirisitu,

Ndava Mwari haanai kutipasa Mweya wokucha, asi Mweya wosimba noworudo nowokuzvidzora.

Nochikonzero chakarechi, edzai nopamunokona napo pese, kuti muingidzire buya pakutenda kwenyu, nopabuya ruzivo, noparuzivo kuzvidzora, nopakuzvidzora kuchiirira, nopakuchiirira umwari, nopaumwari kufarira abiyenyu, nopakufarira vabiyenyu rudo.

Governar a si mesmo

Melhor é o que domina o seu espírito do que o que toma uma cidade. A cidade sem muros é o homem sem domínio próprio.

Munozivaba kuti pamujaho vanotizira vese vanokwikwidzana, asi mubodzi ndiye anotambira mubairo? Saka tizirai kuti muuwane. Wese anokwikwidza anozvirovedza muzvinhu zvese. Ivo vanozviitira kuti vawane korona inopera, asi isisu kuti tizviwanire korona isingapere. Inini handiite chimhanyemhanye, handihwi kunge ndinorova mhepo, asi ndinorovedzera muviri wangu ndichiuita muranda wangu, kuti ndamboparidzira vamwe inini ndireke kudzova asingakodzere.

Asi kana vasingakwanise kuzvibata, mbavaroore kana kuroohwa. Ndava hasa kuroora kana kuroohwa panokukangika noshungu.

Hapanai muedzo udokubatai usiri wovanhu vese. Mwari adotendeka, haakurekei muchiedzewa zvinokunda simba renyu, asi pabodzi nomuedzo anokupasaiwo nzira yokupunyuka, kuti mugone kukunda.

Disciplina e vigilância

Sede sóbrios e vigilantes. O diabo anda em derredor como leão rugidor. A sobriedade nos protege e fortalece.

Ivai vadopengenuka mungwarire! Muvengi wenyu jabhurosi anofamba achidzvova kunge mhondoro inotsvaga waingaje. Murambidzei, mudomira zvidosimba pakutenda, ndava munoziva kuti kutambudzika kudodaroko kuri kuitikawo kuhama dzenyu dziri pasi pese.

Vachengeti Vadonaka Vozvipo zvaMwari

Kuguma kwozvinhu zvese kwava papfupi, nokudaro ivai nopfungwa dzidojeka muchizvidzora kuti mugone kunamata.

Upenyu Hudosanduhwa

Sezvo Khirisitu adotambudzika mumuviri wache, naimipawo zvigadzirirei kuva nopfungwa dzakaredzo, ndava wese watambudzika mumuviri warekera chitema, zvoita kuti, muupenyu hwache hwese ararame mukuda kwaMwari, areke kudzorarama muzvido zvidoipa zvonyama. Ndava nguwa idokwana yamaiita zvinodiwa novasiri vatendi uye idodarika kare pamairarama muundururani, kuchiva, kuredzera, mapira, kufumuka, nokushopera kunosemesa. Vanoshamisika kuti hamubatane navo pakusazvibata kwavo, vobva vakunyombai, asi vachazvidairira kuna iye adogadzirira kutonga vapenyu novadopfa.

kuti umwe noumwe adzidze kuzvibata panyama yache muutsvene futi zvinoremekedzeka, aikona mukubatiwa nokuchiva kunge vadotaika vasingazive Mwari,

O senhorio de Cristo

Todo domínio pertence a Cristo. Ele é Senhor dos senhores e Rei dos reis — e nos capacita a viver em santidade.

Iye adotisunungura kubva pamasimba yorima ndokutiisa muumambo hwoMwanakomana wache waanoda. maari tinorudzikinuro, iko kurekerehwa zvitema.

kwaadozazisa muna Khirisitu paadomumutsa kuvadopfa nokumugarisa kujanja rache roruji kunzvimbo dzokudenga, kumusoro kurefurefu kwoutongi hwese novabati novanosimba nochikuriri, nopamusoro pomazita yese yanodaidziwa, zvisiri zvopanguwa ino chete asi panoichauyawo,

Asi isisu unzvahwa hwedu huri kudenga, uye kubva kwariri tidomirira Muponisi, Ishe Jesu Khirisitu, uyo achasandura miviri yedu idovhuwa kuti ifanane nomuviri wache unobhwinya, nosimba iro raanokona naro iye kuzviisira zvinhu zvese pasi pache.

Ndava tinoziva kuti sekumutsiwa kudoita Khirisitu kubva kuvadopfa, achapfaba kamu, ipfa haichinai masimba pamusoro pache.

Saka vaye vanotongewa nonyama vanokwanisaba kufadza Mwari.

Asi imipa hamutongewe nonyama, asi noMweya, ndokunge Mweya waMwari uchigara mamuri. Ndava kana munhu asinai Mweya waKhirisitu ngwacheba.

Nokuti vese zvavanopfa muna Adhamu, ndomwenze kamu muna Khirisitu vese vachava vapenyu. Asi umwe noumwe pazoro rache: Khirisitu chibereko chokuthanga, tevere avo vari vaKhirisitu pakuuya kwache. Ipopo kuguma kwodzouya, paachapereka umambo kuna Mwari Baba kana waparadza utongi kwese noukuru hwese nomasimba. Ndava anofanira kutonga kusvikira waisa vavengi vache vese pasi potsoka dzache.

Seja o primeiro