Sinais do fim dos tempos
A Bíblia descreve sinais que precederão a volta de Jesus. Guerras, falsos mestres, sinais cósmicos e a pregação do evangelho a todas as nações — tudo aponta para o fim dos tempos.
Sinais proféticos
Este evangelho do Reino será pregado em todo o mundo e então virá o fim. Os sinais dos últimos tempos já se manifestam.
Iyoyi Nyaya Idonaka youmambo ichaparidziwa kunyika dzese, seuchapupu kumarudzi yese, ipopo kuguma kunobva kwadzosvika.
Kuuya kwoMwanakomana woMunhu
Panondopera kutambudzika kwomazuva yakareyo, zuva richasvipa, nomwedzi uchareka kuvhenekera kwawene, nonyenyedzi dzichawa kubva kudenga, nomasimba yokudenga yachagwetedzewa. Ipopo pachaoneka chiratidzo choMwanakomana woMunhu mudenga, uye marudzi yese yopasi yacharira, vachiona Mwanakomana woMunhu achiuya ari pamusoro pomakuti yokudenga nomasimba nokubhwinya kukuru, zvino achatuma ngirozi dzache nokudaidzira kworuzha rohwamanda, idzo dzichaunganidza vadosaruhwa vache kubva kumativi yese yonyika, kubva kumhera kwodenga kuenda kumwe kumhera.
Garirirai ndipo, ndava munozivaba zuva rinouya Ishe wenyu. Asi zivai izvi, kuti dai mwenekachiro woimba waiziva kuti njipi nguwa yousiku inouya mbavha, waigaririra asingabvumire kuti imba yache ipaziwe. Saka naimipawo gadzirirai, ndava Mwanakomana woMunhu anouya nonguwa yamusingamutarisire.
muchivafundisa kuchengeta zvese zvandidokurairai, onai, ndinemi nguwa dzese kusvika kumagumo yonguwa."
Hapanai Anoziva Zuva kana Nguwa
Asi kana riri zuva nonguwa yakareyo inoziviwaba nomunhu, kana ngirozi dzokudenga, kana Mwanakomana, asi Baba vega.
Os últimos dias
Nos últimos dias virão tempos difíceis, homens amantes de si mesmos. Mas derramarei o meu Espírito sobre toda a carne.
Mazuva Yokupedzisira
Asi unzvitsitse kuti mumazuva yokupedzisira kuchava nonguwa inotambudza. Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvitutumadza, vanobatana uyanga, vanoshora Mwari, vasingateerere vabereki, vasingatende, novasiri vatsvene, vasinai rudo, vasingaregerere, vanofudza vabiyavo, vasingazvidzore, vanochisa, vanovenga zvidonaka, vatengesi, vasinai hanya, vadooma musoro, vanoda mafaro kukunda kuda Mwari vanomufananidzo wokunamata asi vachiramba simba racho. Siyana novanhu vadodaro.
‘Mwari anoti mumazuva yokupedzisira,
Ndichadurura Mweya wangu pamusoro povanhu vese,
vanakomana venyu novanasikana venyu vachaporofita,
majaha yenyu vachaona zviratidzo,
noharahwa dzenyu dzicharota hope,
Inde, kana nopamusoro povaranda vangu vanhurume novanhukadzi
ndichadurura Mweya wangu, mumazuva yakareyo vachaporofita.
Uye ndichaita zvinoshamisa kudenga kumusoro,
nozviratidzo panyika pasi,
magazi, nomoto, nokupwititika kwoutsi,
zuva richasanduriwa kuva rima
nomwedzi uchasanduriwa kuva gazi,
zuva raIshe rikuru rinoshamisa risinati rasvika.
Zvino wese anodaidza kuzita raIshe achaponesewa.’
Esperança e prontidão
O dia do Senhor virá como ladrão. Mas nós não somos das trevas — estejamos sóbrios, vigiliando e esperando.
Nokuti tinokunyepai zvakarezvi noshoko raIshe, kuti isisu vapuma, vadosara kusvikira pakuuya kwaIshe, hatithangire vaye vadopfa. Nokuti Ishe pachake achaburuka kubva kudenga achidaidzira nokuraira, nokusheedzera kwongirozi ikuru, nokurira kwotsuri yaMwari. Ipopo vadopfa muna Khirisitu vachathanga kumuka, zvino isisu tidosara tiri vapuma, tichabvutiwa pabodzi navo kupinda mumakuti kuti tikumane naIshe mumhepo. Saka tichava naIshe nguwa dzese. Naizvozvo nyaradzanai nomashoko yakareya.
Saka mbatirekei kuenzera, fanike zvinoitiwa novamwe, asi mbatirambei tidopenya futi tidobanganuka. Ndava vaye vanoenzera, vanoenzera usiku, novaye vanokorewa, vanokorewa usiku. Asi, zvatiri vomasikati, mbatipepukei, tipfeke chivharidziro chopachipfuwa chokutenda norudo, futi mbative nongundu youtare yotariro yoruponiso. Nokuti Mwari haanai kutitemera ukari, asi kutiwanisa ruponiso kuburikidza naIshe wedu Jesu Khirisitu,
Kugaririra Kunodiwa
"Asi zvichenjererei kuti mwoyo yenyu ireke kunetesewa nokuita nhafu nokukorewa nokuchira upenyu huno, kuti zuva rakarero rikusvikirei kabodzi nokabodzi kunge riva, ndava richauya pamusoro povese vanogara pasi pese. Asi garirirai nguwa dzese, muchinamata kuti muve nosimba rokupunyuka pazvinhu zvakarezvi zvese zvichaitika, nokumira pamberi poMwanakomana womunhu."
Hama dzinodikana rekai kukangamwa chinhu ichi chibodzi, kuti kuna Mwari zuva ribodzi rinenge chiuru chomakore nochiuru chomakore chinenge zuva ribodzi. Ishe anochehwaba pachivimbiso chache semanzvitsitsiro yovamwe vanoti nghuchehwa, asi anomwoyo murefu nemi, anodaba kuti pawane anoparara, asi kuti vese vasvike pakupinduka.
Asi zuva raIshe richauya sembavha. Ipopo matenga yachapfuura noruzha rikuru, nozvinhu zviri kumatenga zvichanyungudutsiwa nomoto, nonyika nomabasa yese yari mairi yachatsva. Sezvo zvinhu zvese zvazvichaparara daipa, munofanira kuva vanhu vadoita tini? Munofanira kurarama upenyu hutsvene hunoumwari, mudomirira zuva raMwari rinokurumidza kusvika. Zuva rakarero richauyisa kuparadziwa nomoto kwomatenga, nozvinhu zvayene zvichanyungudika nochithuthu chikuru. Asi maererano nochivimbiso chache tinotarisira denga ritsva nonyika itsva, munogara kururama.
Onai! Ndinokuudzai chidosvisvika. Hatingapfe tese, asi tese tichasanduhwa, kundoti ngwezu, kunge kuboira kwoziso, pahwamanda yokupedzisira. Ndava hwamanda icharira, vadopfa vachamuka vasisaparare, uye tichasanduhwa.
Denga Ritsva noNyika Itsva
Pakarepo ndidoona denga ritsva nonyika itsva, nokuti denga rokuthanga nonyika yokuthanga zvanga zvapfuura, kana gungwa ranga risisipo. Ndidoona guta ritsvene, Jerusarema ritsva, richiburuka pasi kubva kudenga kuna Mwari, ridogadzirihwa kunge muroora adoshongedzehwa murume wache. Ipopo ndidonzva izvi rinoruzha ridobva pamupando woushe richiti, "Nangarai, ugaro hwaMwari huri pakati povanhu. Achagara navo, ivo vachava vanhu vache, Mwari pachake achava navo, wova Mwari wavo. Achapisika misodzi yese pamatama yavo, hapachinai ipfa kana kurira kana mhere kana kudzimbiwa nokuti zvinhu zvokare zvapfuura."