Graça
A graça de Deus é favor imerecido. Pela graça somos salvos, pela graça vivemos, pela graça somos sustentados. É o dom mais precioso de Deus — dado a quem não merece.
Salvos pela graça
Pela graça sois salvos, mediante a fé, e isto não vem de vós — é dom de Deus. Não por obras, para que ninguém se glorie.
Nokuti mudoponesewa nomutsa kuburikidza nokutenda, zvisingabve kwamuri, asi nzvochipo chaMwari peno, nzvomabasaba, kuti kureke kuva nomunhu anozvikudza.
Asi Mwari adopfuma patsitsi, zvichibva parudo rikuru raadotida naro, kana zvazvene tanga tidopfa kuburikidza nozvitadzo zvedu, adotiraramisa pabodzi naKhirisitu tidoponesewa nomutsa.
Nokuti vese vadotadza vadoperevera kusvika pakubhwinya kwaMwari. Vanondoruramisiwa mahara nonyasha kuburikidza nokununura kuri muna Khirisitu Jesu.
Manje chipo chomahara hachinai kuenzana nokutadza. Ndava kana vazinji vadopfa nondava yokutadza kwomubodzi, kudzoti mutsa dzaMwari nochipo chomahara chomutsa chidouya nomubodzi iye Jesu Khirisitu, chidonyanyitsirafuti peno kubata vadowanda.
kuitira kuti, sekutonga kudoita chitema chiri muipfa, mutsa dzitongewo daro kuburikidza nokururama kunouyisa upenyu husingapere huri muna Jesu Khirisitu Ishe wedu.
Graça que capacita
A graça me basta, pois o poder se aperfeiçoa na fraqueza. Na graça, não estamos mais sob a lei, mas sob o favor de Deus.
Ndava chitema chingaveba tenzi wenyu, nokuti hamusi pasi pomutemo asi ponyasha.
Kuti chii? Totadza zvedu nondava yokuti hatisi pasi pomutemo asi pasi ponyasha? Mukho wakareyo!
iye adotiponesera upenyu hutsvene— nokudaidza kutsvene, aikona nondava yozvatidoita, asi nokuda kwochinangwa chache nomutsa waadotipasa karekare muna Khirisitu Jesu.
Nokuti mutsa waMwari udooneka unovigira vanhu vese kuponesewa, unotidzidzisa kuti tirambe kusanamata Mwari nokuchiva zvonyika, kuti tirarame tidobanganuka, tichizvidzora tidorurama, noupenyu hwoumwari munyika ino yanasi,
Nokudaro gadzirirai pfungwa dzenyu, muve vadopepuka, isai tarisiro yenyu idozara pamutsa uchauya kwamuri pakuonekwa kwaJesu Khirisitu.
Uye mumasure mokushupika kwonguwa ipfupi, Mwari wonyasha adokudaidzirai kubhwinya kwache kusingapere, iye pachake achakudzoreredzai, akutsigirei nokukusimbisai.
A graça de Deus
O Senhor é compassivo e gracioso, tardio em irar-se e grande em amor. Sua graça é nova a cada manhã.
Viver pela graça
A graça de nosso Senhor Jesus Cristo esteja convosco. Perdoando e confessando, experimentamos a graça restauradora.
Mutsa waIshe Jesu mbauve novanhu vese. Ameni.
Mutsa waIshe Jesu Khirisitu mbauve nomweya wenyu.
Naizvozvo mbatinyedzei tisingache kumupando youshe wonyasha, kuti tinzvihwe tsitsi nokuwana mutsa tibatsihwe panguwa idokodzera.
Asi handiverenge upenyu hwangu kuti ndohwomhando kana hudokosha kwandiri, ndinondoda kupedzisa hwendo hwangu basi noushumiri hwandidotambira kubva kunaIshe Jesu, kupa chapupu kunhau idonaka yonyasha dzaMwari.
Nokuti Mwari adoditsa nyika zvokutoipasa Mwanakomana wache mubodziyo, kuti wese anotenda kwaari areke kupfa, asi ave noupenyu husingapere.
Ndava kana muchiregerera vanhu kutadza kwavo, Baba venyu vokudenga vachakuregereraiwo.