Pular para o conteúdo
Publicidade

O marido

Por Bíblia Online

A Bíblia define o papel do marido com clareza: amar a esposa como Cristo amou a Igreja, ser fiel, protetor e líder servo no lar.

Amar como Cristo amou

Maridos, amai vossas mulheres como Cristo amou a Igreja e se entregou por ela. O amor do marido deve ser sacrificial e incondicional.

Varume, idai vakadzi venyu, fanike Khirisitu adoda kherekhe ndokuzvipereka nondava yayene,

Zvidodaro vanhurume mbavadewo vakadzi vavo fanike miviri yavo chaiyo. Anoda mukadzi wache anozvidawo.

Zvidodaro vanhurume mbavadewo vakadzi vavo fanike miviri yavo chaiyo. Anoda mukadzi wache anozvidawo. Nokuti hapanai munhu anovenga muviri wache, asi anouposha nokuuchengeta, fanike zvinoitiwa kherekhe naKhirisitu,

zvidodaro, umwe noumwe mbaade mukadzi wache kunge kuzvida kwaanoita, futi munhikadzi mbaone kuti anoremekedza murume wache.

Naizvozvo, munhu wese mbaabiritse mabhwodo, munhu wese mbaataure chokwadi kumabiyake, ndava tese tiri nhengo dzomuviri mubodzi. Karipai asi regai kuita chitadzo, zuva mbarireke kudoka mudondomwamwa, futi rekai kupasa nzvimbo kuna jabhurosi. Mbavha mbaireke kudzoba pakare, asi mbaashandewo, aite basa nokutendeka nomaoko yache, kuti agonewo kupasa vanoda kuyamuhwa. Rekai kutendera kunyaira kudonyangara kuchibirika mumiromo yenyu, asi mbakuve kudonaka kunovakha, zvichienderana nomamiriro yozvinhu, kuti kupase mutsa kunovanonzva. Futi regai kugumbura Mweya Mutsvene waMwari, adoisiwa pamuri kuti ave chisimbiso kusvikira pazuva rokudzikinuhwa. Kuvirai kurefu naimimi kuchenama kwese, kukaripa nokumwamwa, kupopotana noguhwa, nokurongerana zvinhu zvidoipa kwese. Ivai notsitsi futi muchiyamurana, moregererana fanike kuregerehwa kwamudoitiwa naMwari muna Khirisitu.

Varume, idai vakadzi venyu, rekai kuvaitira ukari.

Ukama muUpenyu Hutsva

Vakadzi, zviisei pasi povarume venyu sezvinofanira muna Ishe.

Varume, idai vakadzi venyu, rekai kuvaitira ukari.

Uye pamusoro pozvakarezvi zvese simirai rudo, rinova iro rinobatanidza zvese pabodzi mukubatana kudokwana.

Fidelidade conjugal

O casamento é honroso e o leito conjugal é santo. O marido deve ser fiel à esposa da sua juventude em pensamento e ação.

Kuroorana mbakukudziwe nomunhu wese, nobonde rovadoroorana mbarireke kusvipisiwa, nokuti Mwari achatongesa mhombo nomahure.

Asi Inipano ndinoti kwamuri, wese anonangara munhukadzi achibva wamuchiva watoita upombwe naye mumwoyo mache.

Asi ndinoti kwamuri, wese anoramba mukadzi wache kunze kwokuti wahura, anomuitisa hure, nowese anoroora mukadzi adorambiwayo anoita upombwe."

Nokudaro vachiriba vairi asi vava muviri mubodzi. Icho chabatanidziwa naMwari mbapareke ndipo kuva nomunhu anochikwachura."

Murume mbaapase mukadzi wache kodzero dzobonde, nomukadzi mbaadarowo kumurume wache. Ndava mukadzi anotongaba muviri wache, asi murume, nzvibodziwo nomurume anotongaba muviri wache, asi mukadzi.

Rekai kunyimana kunze kwokunge matobvumirana kwonguwa idiki, kuti muzvipe pakunamata, modzosangana kamu, ndava Sathani angakuedzei kuburikidza nokutadza kuzvibata.

Kuno vadoroora ndinoraira, aikona inini asi Ishe, kuti mukadzi mbaareke kusiyana nomurume wache asi kana akamusiya, mbaagare wega kana kudzokerana nomurume wache - uye kuti murume mbaareke kuramba mukadzi wache.

Kuvamwe vese ndinoti, aikona Ishe, kana hama inomukadzi asingatende, uye achida kugara naye, mbaareke kumuramba.

Tizai upombwe. Chitema chese chinoitiwa nomunhu chiri kunze kwomuviri, asi munhu anoita upombwe anotadzira muviri wache.

Convivência com sabedoria

O marido sábio vive com a esposa com entendimento, dando-lhe honra como co-herdeira da graça. A união conjugal reflete Cristo e a Igreja.

Nonzira ibodzibodziyo varume nzvitsitsai vakadzi venyu, muvabate norukudzo semabiyenyu asinai simba wamunoja naye nhaka yochipo choupenyu hwomutsa, kuitira kuti minamato yenyu ireke kutadzisiwa.

Rekai kuita chinhu nonharo kana nomanyemwe, asi nokuzvidikipisa umwe noumwe mbaati vamwe vanomukunda pabuya. Umwe noumwe mbaareke kunangara zvinhu zvidonakira iye basi, asi mbaanangarewo nozvidonakirawo abiyache.

Onai kuti hapanai wenyu anotsiva chidoipa nochidoipa, asi nguwa dzese tsvagai kuitirana zvidonaka nokunovese.

Chenjedzo paZvifananidzo

Rekai kubopewa pajoki ribodzi novasingatende. Nokuti kubatana rudzii kuri pakati pokururama nouipi? Kana kuyanana hwai kuri pachiedza norima?

Rudo runo mwoyo murefu futi runyoro, rudo harinai chanje, harizvikudze kana kuzvitutumadza, harinai mutindi, harinai kwangukwangu, harichengete chigumbu, harikaripekaripe kana kunyangarihwa, rudo harifarire zvidoipa, asi rinofarira chokwadi. Rudo rinotsungirira pazvinhu zvese, rinotenda zvese, rinogurupira pazvinhu zvese, rinochiirira pazvinhu zvese.

Seja o primeiro