Pular para o conteúdo
Publicidade

Milagres de Jesus

Por Bíblia Online

Os Evangelhos registram dezenas de milagres realizados por Jesus — curas, ressurreições, domínio sobre a natureza e libertações. Cada milagre revelava sua divindade e compaixão.

Curas de cegos e surdos

Jesus devolveu a visão aos cegos e a audição aos surdos, manifestando seu poder sobre toda enfermidade e deficiência.

Jesu Anoporesa Mapofu Mairi

Zvino Jesu achipfuurira kubva pakarepo, mapofu mairi yadomutevera, yachidaidziritsa, "Mwanakomana waDhavhiti, tinzvirei tsitsi."

Paadopinda mumba, mapofu yadouya kwaari, zvino Jesu adoti kwayari, "Munotenda nai kuti ndinokona kuita zvakarezvi?"

Vadoti kwaari, "Inde, Ishe."

Ipopo adobata meso yavo, achiti, "Maererano nokutenda kwenyu mbazviitiwe kwamuri." Meso yavo yadopenya ndokuona. Jesu adovatsindikiritsa, "Onai kuti hapanai wazviziva."

Asi vadoenda vachiparadzira hwenye hwakarehwo mumatunhu yese.

Jesu Anoporesa Marombe Mairi

Jesu novadzidzi vache pavanga vaakubirika muJeriko, mhomho ikuru idomutevera. Padoita, marombe mairi vanga vadogarikika panyasi nonzira, pavadonzva kuti ndiJesu ari kupinda, vadodaidzira vachiti, "Ishe, Mwanakomana waDhavhiti, tinzvirei tsitsi!"

Mhomho idovadzumidza, ichivaudza kuti vanyarare, asi ivo vadokungudzitsirafuti, "Ishe, Mwanakomana waDhavhiti, tinzvirei tsitsi!"

Jesu adomira ndokuvadaidza achiti, "Chii chamunoda kuti ndikuitirei?"

Vadoti kwaari, "Ishe, kuti meso yedu yaone."

Jesu notsitsi adobata meso yavo, kabodzi nokabodzi vadopenyerafuti vachibva vamutevera.

Jesu Anoporesa Murume Rombe paBhetisaidha

Zvino vadodzosvika paBhetisaidha, ipopo vadouya norombe kuna Jesu ndokukumbira kuti amubate. Iye adobata rombe racho ruoko achibirika naro pamusha, ndopaadorisvipira mathe mumaziso. Adobata meso yache ndokumubvunza "Chii chauri kuona?"

Adonangara nangara ndokubva wati ndiri kuona vanhu vachitekaira vadoita kunge miti.

Ipopo Jesu adobata kamu meso yomurumeyo, meso yache yadobva yapora ndokuona mushe mushe. Adomuendesa kumba kwache achimutsindikira, "Reka kana kupinda mumusha."

Jesu Anoporesa Burunzeve riri Chimumumu Kamu

Zvino Jesu adobva mudunhu roTire achipinda nomuSidhoni ndokusvika pagungwa roGaririya mukati modunhu roDhikaporisi. Ipopo vadomuvigira murume wanga ari burunzeve asingagone kutaura vachimuteterera kuti amuturike ruoko pamusoro. Jesu adomubiritsa pagurusvusvu rovanhu kwake wega ndokumufindikira tukumo munzeve, achibva wasvipa mathe achibata karimi kochimumumu. Adonangara kudzuru ndokuthura chiya achiti kwaari, "Efata," kureva kuti, "Dziuka."

Kabodzi nokabodzi nzeve dzache dzidodziuka, karimi kache kadopfuduka ndokuthanga kutaura mushemushe. Jesu adovatsindikira kuti vareke kuudza ani zvache, asi paaivatsindikira kuti vazvinyarare ndipo pavaitonyanya kumbondozvishambadzira. Vanhu vadoshamisika zvidonyanyitsa. Pakushamisika kwavo vadonyaira vachiti, "Zvaanoita zvese zvidonakitsitsa, anodziura nzeve dzoburunzeve nokupfudura karimi kuti chimumumu chigone kunyaira!"

Kusvinudziwa kwaBhatimeyo

Zvino vadosvika paJeriko, paanga waakubirika novadzidzi vache nogurusvusvu rovanhu, parutivi ponzira yakareyo panga padogarikika rombe raiitiwa Bhatimeyo mwanakomana waTimeyo. Ipopo adonzva kuti ndiJesu woNazareta, ndokuthanga kudaidzira achiti, "Jesu, Mwanakomana waDhavhiti ndinzvirei tsitsi."

Vazinji vadomudzuma vachimunyepa kuti anyarare, asi iye adobva wasokokerafuti kuramba achidaidzira achiti, "Mwanakomana waDhavhiti, ndinzvirei tsitsi."

Nokudaro Jesu adomira ndokuraira kuti adaidziwe.

Ivo vadodaidza rombe vachiti, "Tsunga, ari kukudaidza, chitosumuka uende."

Adokutukudza bhachi rake kudodaro ukwo, ndokuvhurumuka kusumuka achienda kuna Jesu.

Jesu adoti kwaari, "Chii chaunoda kuti ndikuitire?" Rombe ridoti,

"Mudzidzisi ndinoda kuti ndione."

Jesu adoti kwaari, "Kutenda kwako kwakuporesa, chienda."

Kabodzi nokabodzi adoona, ndokumutevera munziramo.

Jesu Anoporesa Rombe Raipemha

Paanga wava panyasi noJeriko, murume rombe wanga adogarikika parutivi ponzira achipemha, paainzva mhomho yaifamba, adobvunza kuti zvairevei.

Vadomuudza, "Jesu woNazareta ari kupinda."

Iye adodaidzira, "Jesu, Mwanakomana waDhavhiti, ndinzvirei tsitsi!"

Zvino vaye vanga vari kumberi vadomudzuma, vachimuudza kuti anyarare, asi adotonyanyitsirafuti kudaidzira, "Mwanakomana waDhavhiti, ndinzvirei tsitsi!"

Jesu adomira, achiraira kuti vauye naye kwaari, paadosvika papfupi adomubvunza, "Unoda kuti ndikuitire chii?"

Iye adoti, "Ishe itai kuti ndione."

Jesu adoti, "Chiona, kutenda kwako kwakuporesa."

Pakarepo adobva waona ndokumutevera, achirumbidza Mwari, vanhu vese pavadozviona vadokudza Mwari.

Jesu Anoporesa Murume Adozvahwa ari Rombe

Paanga achitekaira, adoona murume adozvahwa ari rombe. Vadzidzi vache vadomubvunza kuti, "Mudzidzisi, ko mbani adotadza, murume wakareyu kana kuti vabereki vache, zvidoita kuti azvariwe ari rombe?"

Jesu adovapindura kuiti, "Ndizvoba kuti murume iyeyu adotadza, kana kuti mbabereki vache, asi kuti mabasa yaMwari yaoneke maari. Tinofanira kuita mabasa yoadondituma kuchiri kweru daipa, usiku huri kuuya, ipopo hapanai anodzokona kushanda. Ndichiri munyika, ndiri chiedza chonyika."

Paadonyaira zvakarezvo, adosvipira mathe pasi ndokukanya tumatope nayo, achiparanga mumaziso yorombe, achiti kwaari, "Enda koshamba mugambwa rinoitiwa Siromi" (zvinoreva kuti kutuma). Saka adoenda ndokushamba, ndokudzoka waakuona.

Curas de paralíticos e enfermos

Paralíticos caminharam, leprosos ficaram limpos e todo tipo de doença foi curada pelo toque e pela palavra de Jesus.

Pakarepo munhu anomabobo adouya kwaari ndokupfugama pamberi pache achiti, "Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa."

Iye adotambanudza ruoko rache ndokumubata. Achiti kwaari, "Ndinoda, chinatsiwa." Pakarepo mabobo yache yadobva yanatsiwa. Jesu adoti kwaari, "Ona kuti hapanai munhu wawanyepa chinhu, asi enda kozvinangidza kumuphirisita, wopereka chipo chidoraihwa naMozisi, chive upfakazi kuvanhu."

Ipopo vadouya kwaari nomunhu adotonhora nhengo, adoenzera pabonde rache. Jesu paadoona kutenda kwavo, adoti kuno adotonhora nhengo, "Tsunga mwoyo, mwanakomana wangu! Zvitema zvako zvaregerehwa."

Zvino vamwe vanyori vadoti mumwoyo mavo, "Munhu wakareyu ari kushora Mwari!"

Asi Jesu nokuziva pfungwa dzavo, adoti kwavari, "Seiko muchifunga zvidoipa mumwoyo yenyu? Nzvipi zvidopusa kuti, Zvitema zvako zvaregerehwa,kana kuti, Sumuka utekaire?Asi kuti muzive kuti Mwanakomana woMunhu ano masimba panyika yokuregerera zvitema," adobva wati kumurume adotonhora nhengo, "Sumuka, tora bonde rako, uende kumba kwako!"

Iye adosumuka ndokuenda kumba kwache.

makaremo manga muno munhu anoruoko ridoputana. Zvino vadomubvunza vachiti, "Zvinobvumihwa chere kuporesa nomusi woSabata?" Vadonyaira zvakarezvo kuti vawane mhosva yokumunenedzera.

Jesu adoti kwavari, "Mbani munhu pamuri, anoti kana hwai rache rawira mugomba noSabata, haaribati achiribiritsa? Munhu adotonyanyitsa kukosha kukunda mahwai! Saka zvinotendehwa kuita zvidonaka nomusi woSabata." Ipopo adoti kumurume uye, "Tambanudza ruoko rako."

Iye adobva waritambanudza, ndokubva rapora, kutofanana norimwe racho.

Zvino amezvara vaSimoni vanga vachihwara nomuviri vadotoenzera, nokamangu, vadonyepa Jesu pamusoro pavo. Iye adosvika, ndokuvabata ruoko achivamutsa. Pakarepo muviri udopora, vachibva vavatenairira.

Murume Anoporesewa naJesu

Munhu wanga anomabobo adouya kuna Jesu, ndokupfugama, achimuteterera achiti, "Kana muchida munogona kundinatsa."

Jesu adomunzvira tsitsi, ndokutambanudza ruoko rache achimubata. Adoti kwaari, "Ndinoda, chinatsiwa." Kabodzi nokabodzi mabobo yadobirika kwaari, achibva wapora.

Zvino varume vanai vadouya kwaari vadotembedzana murume wanga adotonhora nhengo. Pavadotadza kusvika papfupi naye nokuda kwomhomho yovanhu, vadonyandanura denga roimba yakareyo panga padonangana naJesu. Vadobva vadzikisa mukhangara waiva nomuhwere wavo. Jesu paadoona kutenda kwavo, adoti kuno adotonhora nhengo, "Mwanakomana wangu, zvitema zvako zvaregerehwa."

Zvino vamwe vanyori vanga vadogarikika makaremo vadonyairira mumwoyo yavo vachiti, "Seiko munhu wakareyu achinyaira zvidodai? Nghutoshora Mwari kwakareku! NdiMwari basi anokona kuregerera zvitadzo peno!"

Pakarepo Jesu adobva wazivirafuti mumweya mache kuti vari kufunga zvakarezvi mumwoyo yavo, adobva wati kwavari, "Muri kufungireiko zvidodarozvo mumwoyo menyu? Nzvipi zvidopusa kuti kumurume adotonhora nhengo, Zvitema zvako zvaregerehwa,kana kuti, Sumuka, tora bonde rako, utekaire?Manje kuti muzive kuti Mwanakomana woMunhu anomasimba panyika yokuregerera zvitema," adoti kumurume adotonhora nhengo, "Ndinoti kwauri, sumuka, tora bonde rako uende kumba kwako!"

Adosumuka ndokuhwengeratu bonde rache achibirika vadomunangara vese. Vese vadoshamisika ndokurumbidza Mwari vachiti, "Zvidodaizvi hatinati tazviona."

Murume anga ano Ruoko Rudoputana

Jesu adopinda kamu musinagoge, makaremo manga muno munhu ano ruoko rudoputana. Vadomunangara kuti vaone kana waidzomuporesa nomusi woSabata, kuti vawane mhosva yokudzomunenedzera. Ipopo adoti kumurume wanga anoruoko ridoputana, "Uya pano." Ndokubva wadzovabvunza achiti, "Zvinobvumihwa chere kukohorora kana kudzonga, kuchidza kana kubaya nomusi woSabata?"

Asi vadoramba vadonyarara. Adovanangaranangara noukari, achishushikana zvidonyanya nondava yokuoma mwoyo kwavo, adodzoti kumunhu wanga adoremara, "Tambanudza ruoko rako." Iye adoritambanudza, ndokubva rapora.

Jesu Anoporesa Murume woMapere

Paanga ari munorimwe guta, padouya munhu wanga anomabobo muviri wese. Paadoona Jesu, adowira pasi pamberi pache ndokumuteterera achiti, "Ishe kana muchida, munogona kundinatsa."

Zvino adotambanudza ruoko rache ndokumubata. Adoti kwaari, "Ndinoda, chinatsiwa." Kabodzi nokabodzi mabobo yadobva yabirika kwaari.

Zvino ona, varume vadouya nomurume adotonhora nhengo ari pabonde, vadotsvaga mapindiro yavaidzoita naye kuti vamuradzike pamberi paJesu. Asi nokuda kwomhomho yovanhu vadotadza kusvitsa muhwere wavo paiva naJesu, saka vadokwira padenga roimba, ndokunyandanura denga vachibva vaburutsa muhwere ari pamukhangara wache nopaboo padonangana naJesu. Zvino paadoona kutenda kwavo adoti, "Muhwere, zvitadzo zvako wazviregerehwa."

Asi vanyori novaFarisi vadothanga kubvunzana vachiti, "Mbani iyeyu anotaura zvokushora Mwari! NdiMwari basi peno anokona kuregerera zvitema!"

Jesu paadoziva zvaiva mumwoyo yavo adovapindura achiti, "Seiko muchiita mibvunzo mumwoyo yenyu? Nzvipi zvidopusa kuti, Zvitema zvako zvaregerehwa,kana kuti, Sumuka utekaire?Asi kuti muzive kuti Mwanakomana woMunhu ano masimba panyika yokuregerera zvitema," adoti kumurume adotonhora nhengo, "Ndinoti kwauri, sumuka, tora bonde rako, uende kumba kwako!"

Kabodzi nokabodzi adosumuka pamberi pavo, achitora bonde rache, ndokuenda kumba kwache achirumbidza Mwari.

Murume Woruoko Ridoputirira

Pano imwe Sabata Jesu adopinda musinagoge ndokudzidzisa. Makaremo manga muno umwe murume wanga anoruoko roruji rudoputana. Vanyori novaFarisi vadomunangara kuti vaone kana waidzoporesa nomusi woSabata, kuti vawane mhosva yokudzomunenedzera. Jesu adoziva pfungwa dzavo ndokuti kumurume wanga anoruoko ridoputana, "Uya umire pano." Iye adosumuka ndokumira pakarepo. Jesu adoti kwavari, "Ndinokubvunzai kuti zvinobvumihwa chere kuita zvidonaka nomusi woSabata kana kuita zvidoipa, kuchidza upenyu kana kuhuparadza?" Adovanangara nangara vese, ndokuti kumurume uye, "Tambanudza ruoko rako." Iye ndokuritambanudza, ruoko rache ndokubva rapora.

Jesu Anorapa Muranda Womukuru Wozana

Paadopedza kutaura uku kwese vanhu vachinzva adopinda muKaperenaume. Zvino mukuru wozana romauto wanga ano muranda waikosha kwaari, wanga achihwara zvokutoda kupfa. Paadonzva nozvaJesu, adotuma kwaari vakuru vovaJudha achimukumbira kuuya kudzoporesa muranda wache. Pavadosvika kuna Jesu, vadomuteterera chaizvo vachiti, "Adokodzera kuti mumuitire zvakarezvi, nokuti anoda rudzi redu, futi adotivakhira sinagoge redu."

Zvino Jesu adoenda navo. Paanga wava papfupi nopamumba mukuru wozana romauto adotumira shamwari dzache kwaari, dzidobva dzati kwaari, "Ishe rekai zvenyu kuzvinetsa. Ndava ndinokodzeraba kuti muuye mumba mangu, naizvozvo naininiwo ndinotarisiraba kuuya kwakareko. Asi ndonyairai shoko basi, muranda wangu anopora. Nokuti naininiwo ndiri munhu anomasimba, ndino mauto yari pasi pangu. Ndinoti kuno umwe, Enda kwakati!Iye woenda, nokuno umwe, Uya kuno!Iye wouya, nokumuranda wangu, Ita chakati!Iye woita."

Jesu paadonzva zvakarezvi adoshamisika naye, ndokuchungunukira kugurusvusvu rovanhu vaimutevera achiti kwavari, "Ndinokunyepai kuti, handinai kuona kutenda kudodai kunyange pakati povaIzirairi!"

Zvino vanga vatumiwa pavadodzoka kumba, vadowana muranda wapora.

Panga pano mukadzi wanga anomweya wohodza kwomakore gumi nomasere, wanga adotumbamisiwa nawo asingagone kuzvitwasura. Jesu paadomuona adomudaidza ndokuti kwaari, "Mukadzi, wasununguhwa pahodza yako." Adobva waisa manja pamusoro pache, nokamangu adotwasanuka, ndokubva warumbidza Mwari.

Jesu Anoporesa Murume Waihwara

Paadoenda kumba kwoumwe wovatungamiri, muFarisi koja uri musi wosabata, zvidoitika kuti vadomunangaritsa. Pakarepo panga pano umwe murume wanga adozvimba. Jesu adotaura kumagweta novaFarisi achiti, "Zviri pamutemo chere, kuporesa noSabata kana kurega?"

Asi ivo vadoramba vadonyarara. Pakarepo adomutora ndokumuporesa, nokumureka achienda.

Jesu Anoporesa Varume Gumi

Paanga achienda kuJerusarema, adopinda nopakati poSamariya noGaririya. Achipinda mumusha, adosangana novanhu gumi vanga vanomabobo, ivo vadomira kurefu, ndokusumudza mazvi yavo vachiti, "Jesu, Tenzi, tinzvirei tsitsi."

Paadovaona adoti kwavari, "Endai kozvinangidza kuvapirisita."

Pavanga vachienda vadobva vapora. Zvino mabiyavo, paadondoona kuti waporesewa, adodzoka, achirumbidza Mwari noizvi riri pamusoro, Adowira pasi nochiso potsoka dzaJesu, achimutenda. Zvino iyeyo wanga ari muSamariya. Ipopo Jesu adoti, "Anga vaporesewa vanga vasiri gumi nai? Ko vapfemba vari poi? Hapanai chere wadzoka kuti auye korumbidza Mwari kusiya kwaiyeyu mutohwa?" Adoti kwaari, "Sumuka uende zvako, kutenda kwako kwakuporesa."

Kuporesewa Padziva

Mumasure mozvakarezvo Jesu adoenda kumutambo wovaJudha, waiva kuJerusarema. Zvino muJerusarema panyasi posuwo rikuru rohwai pano dziva ridotenzewa muchiHebheru kuti Bhetezidha, raiva notumathumba tushano tudoripoteredza. Makaremo ndimo maienzerera chaunga chozvirema zvidowanditsazvo, marombe, mhetamakumbo, novadotonhora nhengo. Ndava panoimwe nguwa ngirozi yaiburukira mudziva ichibvundura mvura, saka wese waithanga kupinda mudziva kana mvura yabvunduriwa, waiporesewa chihwere chese chaanenge anacho. Umwe murume waiva pakarepo, wanga wahwara kwomakore makumi matatu nomasere. Jesu paadomuona achiziva kuti wanga adoenzera pakarepo nguwa idorepha maninge, adoti kwaari, "Unoda kuporesewa chere?"

Muhwere adopindura achiti, "Changamire, hapanai anondiwisira mudziva kana mvura yabvunduriwa, pandinenge ndichiri kuenda umwe anobva wandithangira kupinda."

Jesu adoti kwaari, "Sumuka, tora bonde rako, utekaire." Kabodzi nokabodzi murume adobva wapora. Adotora bonde rache ndokutekaira. Manje zuva rakarero ranga riri Sabata.

Saka adoenda pakare paKana roGaririya, paadosandura mvura kuiita waini. Zvino kuKaperenaume kwanga kuno mutungamiri waiva nomwanakomana waihwara. Paadonzva kuti Jesu wanga wauya kuGaririya achibva kuJudhiya adoenda komuteterera kuti asvike kuKaperenaume korapa mwanakomana wache, nokuti wanga wakutopfa. Jesu adobva wati, "Munotendaba kusiya kwokunge maona zviratidzo nozvishamiso."

Mutungamiri adobva wati kwaari, "Changamire, uyai mwanakomana wangu asati wapfa."

Jesu adoti kwaari, "Enda, mwanakomana wako achachira."

Murume adotenda shoko raadotaurihwa naJesu ndokubva waenda kumba. Paanga achienda vashandi vache vadosangana naye ndokumuudza kuti mwanakomana wache wanga wapurumuka.

Saka adovabvunza nguwa mwana yaadothanga kupurumuka, vadomuudza kuti, "Nezuro masikati paawa yochinomwe ndipo padogwata kupisa muiri." Baba vomwana vadobva vaziva kuti ndiyo nguwa Jesu yaadotaura achiti, "Mwanakomana wako achachira." Saka iye adotenda pabodzi nomhuri yache yese.

Wakareyu wanga uri munana wochipiri udoitiwa naJesu paadobva kuJudhiya achienda kuGaririya.

A mulher com fluxo de sangue

Uma mulher que sofria há doze anos tocou a orla do manto de Jesus e foi curada instantaneamente pela sua fé.

Zvino mukadzi wanga watambura nokubirika gazi kwomakore gumi nomairi adouya mumasure mache ndokubata mukombero wojasi rache, ndava adoti mumwoyo mache, "Ndikandobata jasi rache basi, ndichapora."

Jesu adochununguka, paadomuona adoti, "Tsunga mwoyo mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa." Pakarepo, mukadzi adobva wapora.

Umwe mukadzi waibirika gazi kwomakore gumi nomairi, wanga watambudziwa pakurapiwa kwaaiitiwa non’angaanga dzidosiyana siyana, nangwesa kwaitova kutaya pfuma yache, pasinai chaimuyamura asi kutoingidzihwa utenda hwache. Paadonzva nozvaJesu adouya nokumasure ndokubata jasi rache. Ndava adofunga kuti, "Ndikandobata mbacha dzache basi ndinochira."

Kabodzi nokabodzi gazi ridobva ragwata kubirika, achibva wanzva kuti watopora padenda rache.

Zvino mukadzi wanga achibirika magazi kwomakore gumi nomairi pasinai waikona kumurapa, adouya nomumasure make ndokubata mukombero wojasi rache, kabodzinokabodzi magazi yadomira kubirika. Jesu adobva wati, "Mbani wandibata?"

Asi vese vadozviramba, Pita adoti, "Tenzi, mhomho iri kukuguma-gumai futi ichikutsvikinyidzai!"

Asi Jesu adoti, "Pano munhu wandibata, nokuti ndanzva simba richibirika mandiri." Mukadzi paadoona kuti haanai kuhwanda, adouya achitetemera, adozviwisira pasi pamberi pache ndokumuudza pamberi povanhu vese chikonzero chaadomubatira, nomaporesehwo yaadoitiwa kabodzinokabodzi. Jesu adobva wati, "Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa, enda murunyararo."

Ressurreições

Jesus ressuscitou mortos — a filha de Jairo, o filho da viúva de Naim e Lázaro. Ele é Senhor sobre a morte.

Mwanasikana woMutungamiri noMukadzi Adobata Jesu

Achiri kunyaira kwavari daipo, padobva pauya mutungamiri achipfugama pamberi pache, achiti, "Mwanasikana wangu wapfa, asi uyai muturike ruoko renyu paari, kuti achire."

Jesu novadzidzi vache adosumuka ndokumutevera.

Jesu paadosvika kumba kwomutungamiri, achiona vanoridza tumukubwe, nogurusvusvu richirira maundu, adoti kwavari, "Birikai, ndava musikana haanai kupfa, wandoenzera." Asi ivo vadomuseka. Asi padodzobiritsiwa gurusvusvu, adopinda ndokubata ruoko rache, musikana achibva wamuka.

Ipopo umwe wovatungamiri vosinagoge waiitiwa Jairosi, paadoona Jesu, adozvikhandira pasi pamberi potsoka dzache. Adomuteterera achiti, "Mwanasikana wangu waakutoda kupfa. Uyai mumuturike ruoko renyu pamusoro kuti achire."

Ipopo Jesu adoenda naye, vanhu vazinji vadomutevera vachimusvanikidza.

Paadosvika kumba kwomukuru wosinagoge, adoona vanhu vachirira maundu, nokubvumvurika nokuridza mhere. Adopinda ndokuti kwavari, "Munoitireiko mhere idodai muchirira? Mwana haanai kupfa asi adoenzera."

Vadomuseka. Asi Iye adovabiritsa vese achitora baba namai vomwana novaadouya navo, ndokupinda navo mukamuri yanga idoradzikiwa mwana. Adobata ruoko romusikana achimumutsa achiti kwaari, "Tarita kumi," ndokuti, musikana ndinoti kwauri muka.

Kabodzi nokabodzi musikana uye ndiye khwakhwanyaku kumuka nokutekairirafuti, ndava wanga watova nomakore gumi nomairi. Vadoshamisiwa nazvo zvokutosaya nochokunyaira chese.

"Nzvipi manje zvandingaenzanise nazvo vanhu vonguwa ino, vadofanana nani? Vadofanana novana vadogarikika pamusika, vanodaidzirana vachiti, Tidokuridzirai chinonje, asi hamunai kutamba, tidokuridzirai mhere asi hamunai kurira.Nokuti Johwani Muombeki adouya asingaje mazingwa, kana kumwa waini, asi imimi munoti, Anoshave!Mwanakomana woMunhu adouya, achija nokumwa, asi imimi mudoti, Onai! Nyanhafu nomuraradzi, shamwari yovateresi novatadzi!Asi uchenjeri hunoruramisiwa novana vahwene vese."

Jesu Kumba kwaSimoni muFarisi

Umwe muFarisi adomukumbira kuja naye, zvino adopinda mumba momuFarisi, ndokutora nzvimbo yake patafura. Zvino mukadzi womuguta rakarero, wanga ari mutadzi, paadoziva kuti Jesu wanga ari pathafura mumba momuFarisi, adouya noguchu romapfuta,

Zvino padodzouya murume waiitiwa Jairosi, wanga ari mukuru wosinagoge, achizviwisira pasi patsoka dzaJesu adomuteterera kuti aende kumba kwake. Nokuti anga ano mwanasikana mubodzi, wanga ano makore gumi nomairi, wanga waakutandadza.

Paanga achienda vanhu vaibva kumativi yese vadomusvanikidza.

Jesu achiri kutaura murume adobva kumba kwomutungamiri ndokusvika achiti, "Chirekai kushupa Mudzidzisi, nokuti mwanasikana wenyu watopfa."

Asi Jesu paadozvinzva adomupindura achiti, "Reka kucha. Tenda basi, achapora."

Jesu paadosvika kumba, haanai kubvumira vamwe vanhu kupinda kusiya kwaPita, Jakobho naJohwani nababa naamai vomusikana. Vese vanga vachimurira maundu, Jesu adovati, "Rekai kurira, haanai kupfa, adondoenzera basi."

Vadobva vamuseka, nokuti vanga vachiziva kuti wapfa. Asi adobata ruoko rake achiti, "Mwana muka." Mweya wake udobva wadzoka, achibva wamuka pakarepo, adovaraira kuti vamupase chokuja. Ipopo vabereki vache vadoshamisika nazvo, asi adovakohomedza kuti varege kuwana wavanoudza zvanga zvaitika.

Ipfa yaRazaro

Zvino umwe murume waiitiwa Razaro wanga achihwara, waibva kuBhetani, musha waMariya, mukoma nomunin’ina naMarita. Uyu ndiye uye Mariya wokuzora Ishe mapfuta achipukuta tsoka dzaIshe nobvudzi rache, ndiye wanga anohanzvadzi yaihwara, yaiitiwa Razaro. Saka hanzvadzi dzaRazaro dzidotumira shoko kuna Jesu dzichiti, "Ishe, uyeuye wamunoda wahwara." Asi Jesu paadozvinzva adoti, "Kuhwara kwakareku hakusi kwoipfa, ndokwokuitira kuti Mwari akudziwe kuitira kuti Mwanakomana waMwari akudziwe nako" Zvino Jesu waida Marita naMariya, naRazaro wacho. Saka paadonzva kuti Razaro wahwara, adoita mazuva mairi adondogara panzvimbo yaanga ari. Mumasure mozvakarezvo adoti kuvadzidzi vache, "Mbatiendei kuJudhiya pakare."

Vadzidzi vadoti kwaari, "Mudzidzisi, vaJudha vanga vachida kukutemai nomatombo, asi manje maakuenda kwakarekuye pakare?"

Jesu adovapindura achiti, "Pazuva hapanai maawa gumi nomairi nai? Kana umwe munhu akatekaira masikati, haagwetsewe, ndava anovhenekehwa nochiedza chonyika. Asi kana munhu akatekaira usiku, anogwetsewa, ndava haanai chiedza." Wanyaira deipo, ndokudzoti kwavari, "Shamwari yedu Razaro waenzera, asi ndinoenda komumutsa." Vadzidzi vadoti kwaari, "Ishe, kana waenzera, achapora." Zvino Jesu wanga wanyaira zvoipfa yaRazaro, asi ivo vadofunga kuti waireva zvokundozorora adoenzera zvache. Saka Jesu adodzovanyairira zviri pachenu, "Razaro wapfa,

Domínio sobre a natureza

Jesus acalmou a tempestade, andou sobre as águas e multiplicou pães. A natureza obedece à voz do seu Criador.

Jesu Anodekhadza Duthu

Zvino paadopinda mukamwadiya, vadzidzi vache vadomutevera. Pakarepo duthu rikuru ridomuka pagungwa, zvokuti kamwadiya kanga kaakunyudziwa nomapfeni yomvura. Asi iye wanga adoenzera. Vadoenda komumutsa vachiti, "Tiponesei Ishe, taakunyura!"

Iye adoti kwavari, "Munochireiko imi vokutenda kudiki?" Ipopo adosumuka ndokudzuma duthu nomapfeni yogungwa, ndokubva zvarosa nokudekhara.

Varume vadoshamisika. Ndokunyairirana vachiti, "Anga munhu wakareyu mbani? Anototetekehwa noduthu nogungwa!"

Yava mauro, vadzidzi vadouya kwaari vachiti, "Muno musango, zuva radoka, kototsai vanhu vaende kumisha kozvitengera zvokuja."

Jesu adoti, "Havafaniri kuenda, imimi vapasei zvokuja zvacho."

Vadoti kwaari, "Pano tinondova nomazingwa mashano nohove dziiri basi."

Iye adoti, "Uyai nazvo kuno kwandiri." Ipopo adoraira gurusvusvu kuti rigarikike pasi pausva, adotora mazingwa mashano nohove dziiri ndokunangara kudzuru, achizvikomborera, adozvikomora ndokuzvipasa vadzidzi vache, vadzidzi ndokuzvipasa gurusvusvu. Vese vadoja vachiguta. Vadodzounganidza zvimepfu zvidosara ndokuzaza tsvanda gumi nodziiri. Vadoja vacho vaisvika zviuru zvishano zvovanhurume, pasingaverengewe vanhukadzi novana.

Kwaakuchena adouya kwavari, achitekaira pagungwa.

Jesu Anoposha Zviuru Zvinai

Ipopo Jesu adodaidza vadzidzi vache ndokuti, "Ndinotsitsi nomhomho iyi ndava ivova vatova nomazuva matatu vaneni, vasinai chavaja, handidi kuvaendesa nonzara, vangadzowa chikhomo munzira."

Vadzidzi vadoti kwaari, "Nghupi musango kwatingawane mazingwa yanokwanira chaunga chikurufutichi?"

Jesu adoti kwavari, "Mangani mazingwa yamunayo?"

Vadoti, "Manomwe, notuhove tudiki tushomashoma."

Adoraira chaunga kuti chigarikike pasi, adotora mazingwa manomwe nohove, paadotenda adozvikomora komora ndokuzvipasa vadzidzi vache, vadzidzi ndokupasa chaunga. Vadoja vese vachiguta, vachibva vaunganidza zvimepfu zvidosara zvikazara tswanda dzinomwe. Vadoja vacho vanga vari vanhurume zviuru zvinai, vanhukadzi novana vasingaverengewe.

Kuripa Mutero woImba yaMwari

Pavadosvika kuKaperenaume, vateresi vomutero woimba yaMwari vadoenda kuna Pita vachiti, "Ko mudzidzisi wenyu anoteraba mutero nai?"

Iye adoti, "Anotera inde."

Kudzoti Pita wasvika kumba, Jesu ndiye adothanga kunyaira kwaari achiti, "Unofungei, Simoni? Madzimambo vonyika vanotora mitero kunani? Kubva kuvanakomana vavo chere kana kuvamwewo?"

Iye paadoti, "Kubva kuvamwewo," Jesu adoti kwaari,

"Saka vanakomana vadosunungukaka. Zvisinei, kuti tireke kuvagumbura, enda kugungwa wokhanda chirauro, utore hove inothanga kubirika, ukavhura mukamwa mayene uchawana kobiri rinokosha, ritore uvapase yangu noyako."

Jesu Anoshurikidza Mukuyu

Mangwanani ngwanani, achidzokera kuguta, adonzva nzara. Adoona mukuyu parutivi ponzira ndokuenda kwauri, paadosaya chaadowana mauri kunze kwomazani basi. Adobva wati kwauri, "Mbakurekerefuti kudzowanika muchero pauri!" Mukuyu udobva wasvavirafuti pakarepo.

Vadzidzi pavadozviona vadoshamisika vachiti, "Ko sei mukuyu wabva waunirafuti?"

Jesu adovapindura achiti, "Chokwadi ndinoti kwamuri, kana muno kutenda pasinai kana kutsakidza, maipereraba kundoita zvaitiwa pamukuyu, asi kana mukati kugomo iri, Dzupuka uwire mugungwa,zvinoitika. Futi chese chamunokumbira nomunamato, muno chitambira, kana muno kutenda."

Zvino duthu rikuru ridomuka, mapfeni yomvura yadothanga kupinda mukamwadiya, zvokuti kanga kaakutozara. Asi iye wanga adoenzera, adotsamira pamutsago kumasure kwokamwadiya. Ipopo vadomumutsa vachiti, "Mudzidzisi, hamunai hanya nai kuti taakupfa?"

Iye adomuka ndokubva wadzuma duthu, ndokukaruza gungwa achiti, "Dekhadzika urose!" Ipopo duthu ridomira, ndokubva kwadekhara. Adobva wati kwavari, "Indava yei muchicha zvidodai, hamunai kutenda nai?"

Ipopo vadocha zvidokungudza ndokubva, vanyairirana vachiti, "Anga munhu wakareyu mbani, anototeerehwa noduthu nogungwa?"

Kudzoti kwava kudoka, vadzidzi vadouya kwaari vachiti, "Kwadoka, apa tichiri musango. Chiendesai vanhu kumaguta nokumisha vazvitengere zvokuja, vaje."

Asi Iye adovapindura achiti, "Vapasei imimi zvokuja zvacho." Ivo vadoti,

"Toenda chere kotenga mazingwa yomadhenari mazana mairi kuti vaje?" (Dhinari ribodzi wanga uri muhoro wozuva ribodzi).

Jesu adoti kwavari, "Munomazingwa manganiko? Endai konangara."

Pavadonangara vadoti, "Tinomazingwa mashano nohove dziiri."

Ipopo Jesu adoudza vanhu kuti vagarikike pasi pausva hunyoro vadoita zvikwata zvikwata. Saka vadogarikika vadoti apa makumi mashano apa zana. Ipopo Jesu adotora mazingwa mashano nohove dziiri, ndokunangara kudzuru ndokuzvikomborera. Adobva wazvikomora komora achipasa vadzidzi vache kuti vapase vanhu. Vese vadoja vachiguta. Pakarepo vadohwenga zvimepfu zvomazingwa zvidosara ndokuzaza tsvanda gumi nodziiri nohovewo kamu. Vanhu vadoja vacho vaipfuura zviuru zvishano.

Adovaona vachikikiritsana nokamwadiya, ndava duthu ranga richihwisana navo. Mambakwedza pakati ponguwa yochitatu noyochitanhatu adouya kwavari, achitekaira pamusoro pomvura. Waakutoda kuvapindirira, vadobva vamuona achitekaira pamusoro pomvura mugungwa, vachifunga kuti nyhipoko, vadoibongomora mhere. Ndava vese vamuona futi vadobva vabatiwa nokucha.

Asi nokamangu adonyaira navo achiti, "Dekharikai, ndini, rekai zvenyu kucha." Pakarepo adokwira mukamwadiya mavanga vari, duthu ridobva raroserafuti, ipopo vadoshamisika zvidokungudza.

Jesu Anoposha Vanhu Zviuru Zvinai

Pamazuva yakareyo padoita futi gurusvusvu rikuru rovanhu ridoungana, futi vanga vasinai chokuja, adodaidza vadzidzi vache ndokuti kwavari, "Ndinonzva tsitsi nogurusvusvu rovanhu ava nokuti ndava navo kwomazuva matatu, apa havachinai chokuja. Kana ndikavadzotsa kudzimba vanonzara vanokomoka munzira ndava vamwe vavo vanobva kurefu zvidonyanya."

Asi vadzidzi vache vadomupindura, "Anga munhu angawane poi musango muno zvinogutsa vanhu veseva?"

Iye ndokuvabvunza, "Munomazingwa manganiko?"

Ivo ndokuti, "Manomwe."

Ipopo adoudza vanhu kuti vagarikike, ndokubva watora mazingwa manomwe yaye, ndokutenda, ndokuyakomora komora achiyapasa vadzidzi vache kuti vakovanise vanhu, ivo ndokuvakovanisa. Vanga vano tuhovewo tushomashoma, paadokomborera, adovaudza kamu kuti vakovanise vanhu. Vadoja vachiguta. Vadodzounganidza zvimepfu zvidosara ndokuzaza matengu manomwe. Vadoja vacho vanga vari varume vanosvika zviuru zvinai, ndokubva wavaendesa.

Mukuyu Wanga Usingabereke

Fume mangwana vaakubva kuBhetaniya, Jesu wanga waanonzara. Ari kurefu adoona mukuyu wanga uno mazani, adoenda koona kana uno muchero. Paadosvika pauri, hapanai chaadowana asi mazani yega yega, nokuti nguwa yohuyu yanga isinati yasvika. Ipopo Jesu adoti kumuti wakareyo, "Mbaparegerefuti kuva nomunhu anoja michero pauri." Paadotaura zvakarezvo vadzidzi vache vadozvinzva.

Simba Rokutenda

Mangwanani yomusi udotevera, pavaipfuura vadoona mukuyu uye waoma nomidzi yese. Pita adokumbuka ndokuti kwaari, "Onai muti wamudoshurikidza uye waoma."

Jesu adovapindura achiti, "Ivai nokutenda muna Mwari. Chokwadi ndinoti kwamuri, munhu upi zvache anoti kugomo iri Birika uende kombwerera mugungwa, asingatsakidze mumwoyo make, asi achitenda kuti zvaataura zvichaitika, zvinoitika sekutaura kwache. Nokudaro ndinoti kwamuri, chese chamunoda mukachinamatira nokutenda kuti matochitambira, muchachiwana. Futi pese paunonamata, kana pano adokutadzira, muregerere kuitira kuti Baba vako vokudenga vakuregererewo zvitadzo zvako."

Jesu Anodaidza Vadzidzi Vokuthanga

Zvidoitika kuti vanhu pavaimusvanikidza kuti vanzve Shoko raMwari, iye wanga adomira mumhera mogungwa roGenesareti. Futi adoona tumwadiya tuiri pamhera pogungwa, asi vabati vohove vanga vabirika maturi vaakusuka mambure. Achipinda munokamwe kotumwadiya, kanga kari kaSimoni, adomukumbira kuti anyedze pashoma kubva panyika. Zvino adogarikika pasi ndokudzidzisa vanhu ari mukamwadiya.

Paadopedza kutaura, adoti kuna Simoni, "Nyudzai mambure yenyu kugwiri kuti mubate."

Zvino Simoni adopindura, "Tenzi, tatambura usiku hwese asi hapanai chatabata! Asi noshoko renyu, ndichanyudza mambure." Zvino pavadondoita zvakarezvo, vadobata hove dzidowanditsa, mambure yavo yakatoda kuparuka, vadoninira abiyavo munokamwe kamwadiya kuti vauye vavabatsire. Ivo vadouya ndokuzaza tumwadiya twese tuiri, zvokuti twanga totonyura. Asi Simoni Pita paadoona izvi, adowira pasi patsoka dzaJesu, achiti, "Birikai kwandiri, ndiri mutadzi Ishe!"

Nokuti wanga washamisiwa, novese vaanga anavo, nokuwanda kwohove dzavadobata.

Fanikewo Jakobho naJohwani, vanakomana vaZebhedhiya, vanga vachishanda pabodzi naSimoni. Zvino Jesu adoti kuna Simoni, "Rega kucha, kubva manje uchabata vanhu."

Pavadouyisa tumwadiya twavo panyika, vadosiya zvese ndokumutevera.

Jesu Anodekhadza Duthu

Rimwe zuva adopinda mukamwadiya novadzidzi vache ndokuti kwavari, "Mbatiyambukirei kumhiri kwogungwa." Saka vadobva vathanga kuenda. Pavaikhwasva kamwadiya, Jesu adobva waenzera zvache. Zvino duthu rikuru ridouya pagungwa, kamwadiya ndokuthanga kuzara nomvura, zvokuti vanga vaapanjodzi. Vadoenda komumutsa vachiti, "Tenzi, Tenzi taakupfa!"

Iye adomuka ndokudzuma duthu nomapfeni yogungwa yanga yachipenga, yadobva yarosa, ndokubva kwadekhara. Adoti kwavari, "Kutenda kwenyu kuri poi?"

Asi ivo vadocha futi vadoshamisika, ndokunyairirana vachiti, "Ko munhu wakareyu mbani? Anototeerehwa kana wadzuma duthu nomapfeni yogungwa!"

Jesu Anodekhadza Duthu

Rimwe zuva adopinda mukamwadiya novadzidzi vache ndokuti kwavari, "Mbatiyambukirei kumhiri kwogungwa." Saka vadobva vathanga kuenda. Pavaikhwasva kamwadiya, Jesu adobva waenzera zvache. Zvino duthu rikuru ridouya pagungwa, kamwadiya ndokuthanga kuzara nomvura, zvokuti vanga vaapanjodzi. Vadoenda komumutsa vachiti, "Tenzi, Tenzi taakupfa!"

Iye adomuka ndokudzuma duthu nomapfeni yogungwa yanga yachipenga, yadobva yarosa, ndokubva kwadekhara. Adoti kwavari, "Kutenda kwenyu kuri poi?"

Asi ivo vadocha futi vadoshamisika, ndokunyairirana vachiti, "Ko munhu wakareyu mbani? Anototeerehwa kana wadzuma duthu nomapfeni yogungwa!"

Anoporesa Munhu Wokugahwa noMashave

Zvino vadosvika kunyika yovaGarasa, idonangarana noGaririya.

Pakwanga kwaakudoka, vanogumi novairi vadouya ndokuti kwaari, "Kototsai vanhu, kuti vaende mumisha nomunzvimbo dzidopoteredza, kwavangawane zvokuja, ndava tiri musango." Asi iye adoti kwavari, "Imipa vapasei zvavangaje." Ivo vadoti, "Hatinai zvinopfuura mazingwa mashano nohove dziiri, kunze kwokuti titoenda kotengera vanhu vakareva vese zvokuja." Ndava panga pano vanhurume vaitosvika zviuru zvishano. Zvino adoti kuvadzidzi vake, "Garisai vanhu muzvikwata zvomakumi mashano." Vadoita izvozvo, ndokugarisa vanhu vese pasi Adotora mazingwa mashano nohove dziiri ndokunangara kudenga, achizvikomborera nokuzvikomorakomora achipasa vadzidzi vache kuti vazvipase vanhu. Vese vadoja vachiguta. Vadodzounganidza zvidosara, ndokuzadza tsvanda gumi nodziiri dzozvimepfu.

Muchato kuKana romuGaririya

Pazuva rochitatu kudoitika muchato kuKana romuGaririya. Amai vaJesu vanga variko, futi Jesu novadzidzi vache vanga vakokewawo kumuchato wakareyo. Waini paidopera, amai vaJesu vadomunyepa vachiti, "Havachinai waini."

Zvino Jesu adoti kwavari, "Nai amai, munoda kuti ndiitei nazvo? Nguwa yangu hainati yasvika." Amai vache vadobva vanyairira vashandi vachiti, "Itai zvese zvaanokunyepai."

Zvino pakarepo panga padogadzikiwa makhate yomabhwe matanhatu, nochikonzero chotsika yokuzvinatsa kwovaJudha. Gate ribodzi raipinda marita yangasvike zana. Jesu adoti kuvashandi, "Zazai makhate yakareya nomvura." Vashandi vadobva vayazaza kuti punumunu. Adodzoti kwavari, "Chitekai muende kopasa mukuru womutambo." Ivo vadobva vaita zvakarezvo. Mukuru womutambo paadoraidza mvura yanga yava waini. Adozivaba kwayanga yabva asi vashandi, vanga vateka mvura ndivo vaiziva. Mukuru womutambo adodaidza murume waichata ndokuti kwaari, "Munhu wese anothanga kukovera waini idonaka, kana vaphunga vakorewa, wodzovapasa waini yomaruhwi. Asi iwewe wanga udondochengeta waini idonaka kusvika manje!"

Chakarechi nyhiratidzo chokuthanga, chidoitiwa naJesu paKana roGaririya. Paadonangidza kubhwinya kwache vadzidzi vache vadotenda kwaari.

Adonyaira zvakarezvo kuti amuedze, nokuti Jesu pachake waiziva zvaanga achidzoita. Firipi adomupindura achiti, "Muhoro womwedzi mitanhatu unokwanaba kutenga mazingwa yanoita kuti munhu wese awane kachimepfu." Umwe mudzidzi wache, Andireya anova mukoma nomunin’ina naSimoni Pita adoti kwaari, "Panomukomana pano ano mazingwa yobhaari mashano nohove dziiri, asi izvozvi zvingave chii pavanhu vadowanditsa zvidodai?"

Jesu adoti kwavari, "Itai kuti vanhu vagarikike pasi." Zvino panzvimbo yakareyo panga panousva huzinji, vanhurume vadogarikika pakarepo vaitosvika zviuru zvishano. Jesu adodzotora mazingwa, ndokuita munamato wokukomborera, adodzoyakovanisa vanhu vanga vadogarikika, ndokuita zvakarezvo nohove, achivapasa zvidoenderana nozvavaida. Pavadoja vachiguta, adoudza vadzidzi vache achiti, "Unganidzai zvimepfu zvasara kuti pareke kuva nochinotaiwa." Saka vadodzozviunganidza ndokuzaza tsvanda gumi nodziiri dzozvimepfu zvidosiiwa novadoja kubva pamazingwa mashano yobhaari.

Pavanga vafambisa kamwadiya makhiromita yanenge mashano kana matanhatu, vadoona Jesu achitekaira pamusoro pomvura mugungwa achitonyedza kukamwadiya. Vadocha, asi iye adoti kwavari, "Ndini, rekai kucha." Saka vadoda kumutora kuti apinde mukamwadiya, ipopo kamwadiya kadobva kasvika panyika kwavaienda.

Jesu Anozvinangidza Kuvadzidzi Vanomwe

Mumasure mozvakarezvi Jesu adobirika pachenu kuvadzidzi panyasi pogungwa roTaibheriyasi, futi adozvionesa nomutoo udodai. Simoni Pita, Thomasi waiitiwa womaMhasa, naNatanieri wokuKhana roGaririya, vanakomana vaZebhedhiya pabodzi novamwewo vadzidzi vairi. Simoni Pita adoti kwavari, "Ndaakuenda koraura."

Vadoti kwaari, "Tichaenda naiwewe." Vadobirika ndokupinda mukamwadiya, asi havanai kubata chinhu usiku hwakarehwo. Zuva paranga rakubirika, Jesu adomira pamhenderekedzo yogungwa, uku vadzidzi vadozivaba kuti wanga ari Jesu. Jesu adoti kwavari,

"Shamwari dzangu, munohove chere?" Vadomupindura vachiti, "Neye." Adoti kwavari, "Khandirai mambure kuruji rokamwadiya, kuti mubate." Saka vadoyakhanda, ndokutotadza kuyadhonzera mukati nokuwanda kwohove.

Uye mudzidzi waidiwa naJesu adoti kuna Pita, "NdiIshe!" Simoni Pita paadonzva kuti ndiIshe, adopfeka hembe dzache, ndava wanga wadzisunhura, wandosara nozvomukati, adozvikhandira mugungwa. Asi vamwe vadzidzi vadouya vari mukamwadiya, vachizvuva mambure yadozara nohove, ndava vanga vasiri kurefu nopanyika, asi panga padondoita mamita yanokwana zana. Pavadobirika vava panyika vadoona moto womarasha padotosasikiwa hove nomazingwa. Jesu adoti kwavari, "Uyai nodzimwe hove dzamabata popa."

Saka Simoni Pita adopinda ndokuzvuva mambure kunze, yanga yadozara nohove dzikurufutidzo, dzanga dzichitosvika zana ribodzi nomakumi mashano yanodzitatu, futi kunyange dzanga dzidowanditsa daipo mambure hayanai kukeruka.

Libertações

Jesus expulsou demônios com autoridade. Os espíritos impuros não resistiam à sua palavra e saíam imediatamente.

Jesu Anoporesa Muranda woMukuru woZana

Paanga achipinda muKaperenaume, mukuru wozana romauto adouya kumberi kwache, achimuteterera achiti, "Ishe, muranda wangu adoenzera kumba ari kunetseka nonhengo idotonhora."

Zvino adoti kwaari, "Ndichauya kudzomuporesa."

Asi mukuru wozana romauto adomupindura achiti, "Ishe, ndinokodzeraba kuti muuye mumba mangu. Asi ndonyairai shoko basi, muranda wangu anopora. Ndava ndiri munhu anomasimba, ndino mauto yari pasi pangu. Ndinoti kunoumwe, Enda kwakati!Iye woenda, ndoti kuno umwe, Uya kuno!Iye wouya, ndinoti kumuranda wangu, ita chakati!Iye woita."

Jesu paadomunzva, adoshamisika ndokuti kuno vanhu vaimutevera, "Chokwadi ndinoti kwamuri, handinai kuona kutenda kudodai kunyange pakati povaIzirairi. Ndinokunyepai, vazinji vachabva kumabvazuva nokumadokero vachigara patafura naAbhurahamu, Isaki, naJakobho muumambo hwokudenga, asi vanhu voumambo vachakhandihwa murima rokunze, mavacharira vachigedageda meno yavo." Kumukuru wozana Jesu adoti, "Enda mbazviitike kwauri sekutenda kwawaita."

Muranda wache achibva waporerafuti pakarepo.

Jesu Anoporesa Varume Vairi vano Mashave

Jesu paadosvika kumhiri kunyika yovaGarasa, adokumana novairi vanga vadopotehwa nomashave vachibva mumakuwa. Vaichisa zvokuti hapanai waipinda nonzira yakareyo. Pakarepo ivo, vadodaidzira vachiti, "Munei nesu, Mwanakomana waMwari? Matouya kotidzudza nguwa isinati yasvika nai?"

Zvino boka rohumba dzizinji ranga richifura padotaramukana nopakarepo. Mashave yadomuteterera, "Kana matidzinga, tiendesei kuboka rohumba."

Iye adoti kwayari, "Endai." Saka yadobirika yachipinda muhumba, ipopo boka rese ridotizirana kumapiripiri richichudumukira mugungwa, richimwira nhondwa.

Anyakabusa vadotiza, vachipinda muguta, ndokutaura zvese, nozvidoitika kuno vanga vanomashave. Pakarepo guta rese ridobirika kokumana naJesu, pavadomuona, vadomuteterera kuti abirike mudunhu ravo.

Jesu Anoporesa Murume Wanga ari Chimumumu

Pavanga vaakubirika, chimumumu changa chinoshave chidoisiwa kwaari. Padodzingiwa shave, chimumumu chidotaura, gurusvusvu ridoshamisika richiti, "Zvidodaizvi hazvinati zvaoneka muIzirairi."

Jesu naBheruzabhu

Zvino vadouya kwaari nowanga ano shave ari bofu nochimumumu, iye ndokumuporesa, zvokuti chimumumu chidotaura nokuona.

Mukadzi ano Kutenda

Zvino Jesu adobirika pakarepo achienda kudunhu roTire noSidhoni. Ipopo, mukadzi muKhenani anobva kumatunhu yakareyo adouya achidaidzira, "Nai Ishe, Mwanakomana waDhavhiti, ndinzvireiwo tsitsi, mwanasikana wangu ari kutambudziwa zvidoipitsitsa noshave ridomuphotera."

Asi haanai shoko raadomupindura. Zvino vadzidzi vache vadouya ndokumbiritsa vachiti, "Mudzingei, ndava ari kutevera achidaidzira kwatiri."

Adopindura achiti, "Ndidondotumiwa kuhwai dzidotaika dzoimba yaIzirairi basi."

Asi iye adouya ndokupfugama pamberi pache achiti, "Ishe, ndibatsirei."

Adopindura achiti, "Hazvinai kufanira kutora chikafu chovana uchichikandira imbwa."

Iye adoti, "Inde, Ishe, kana noimbwa dzinojawo zvinombwera pasi potafura yaatenzi vadzene."

Ipopo Jesu adomupindura achiti, "Amai imi, kutenda kwenyu nghukuru! itihwai zvamurikuda." Mwanasikana wache adobva waporerafuti nguwa yakareyo.

Jesu Anoporesa Mukomana ano Shave

Pavadosvika pamhomho, murume adouya kwaari ndokupfugama pamberi pache achiti, "Ishe, nzvirai tsitsi mwanakomana wangu, nokuti anopfavi, anotambudzika zvidoipa, kazinji anowira mumoto, pamwe pacho mumvura. Ndidouya naye kuvadzidzi venyu, vachibva vatadzirira kumuporesa."

Zvino Jesu adopindura achiti, "Ndichava naimimi kusvikira rini, naimi vanhu vanasi vadopombonyoka, vasinai kutenda? Ndichakuitirai mwoyo murefu kusvika rini? Uyai naye kuno kwandiri." Ipopo Jesu adodzuma shave, richibva rabirika mukomana achibva waporerafuti.

Pasinai nonhambwe yese musinagogemo manga muno munhu waiva nomweya udoipa, iye adokuwa achiti, "Munei nesu, Jesu woNazareta? Mauya kudzotiparadza chere? Ndinokuzivai kuti muri Mutsvene waMwari."

Asi Jesu adomudzuma achiti, "Nyarara, ubirike maari!"

Mweya udoipa udodzutsa munhu wakareyo zvinosimba, uchikuwa noruzha, ndokubva wabirika maari.

Jesu Anoporesa Murume anoMweya Udoipa

Zvino vadosvika kumhiri kwogungwa munyika yovaGarasa. Jesu paadobirika mukamwadiya, adokumana nomunhu wanga adogahwa nomweya udoipa murume wakareyo waigara mumakuwa. Hapanai wanga achakona kumusunga, kana nongetani chaidzo. Kazinji waisungiwa nongetani manja nomakumbo, asi waidzigwata dzese. Hapanai munhu wanga anosimba rokumudekhadza. Waigara mumakomo nomumanda masikati nousiku, achikuwa nokuzvisvurungunda nomabhwe.

Paadondoona Jesu ari kurefu adomumhanyira ndokuwira pasi pamberi pache. Adokuwa nodzinga ropamusoro achiti, "Chii chamunoda kwandiri, Jesu Mwanakomana waMwari Wokumusorosoro? Ndinokukumbiritsai muzita raMwari kuti mureke kundidzudza." Ndava Jesu wanga wati kushave, "Birika maari, iwe mweya udoipa!"

Jesu adomubvunza achiti, "Zita rako ndiwe yani?"

Iye ndokuti, "Rigiyoni, ndava tidowanditsa." Mweya udoipa udokumbira Jesu kuti areke kuidzinga munyika yakareyo.

Zvino papfupi nopakarepo panga pano boka rikuru rohumba dzanga dzichifura mumhera mogomo. Saka mweya idoipa idomukumbira ichiti, "Tiendesei kuhumba idzo mutisiye tichipinda madziri." Iye adoibvumira. Ipopo mweya idoipa idobirika ndokupinda muhumba dzaitosvika zviuru zviiri. Dzidotizirana kumapiripiri dzichichudumukira mugungwa dzichipfira makaremo.

Anyakabusa vohumbadzo vadobva vatizirafuti vachienda koudza vanga vari muguta nomumisha. Ivo vadobirika vachienda koona zvanga zvaitika.

Manje imipa munoti kana munhu akati kuna baba vache kana amaache, Chinhu chandanga ndichida kukuyamurai nacho chava kobhani,kureva kuti chava chipo kuna Mwari. Munenge matomurambidza kuyamura baba vache namaache. Nomutoo wakareyu munosaisa simba Shoko raMwari kuitira kuti muchengetedze tsika dzenyu nozvimwewo zvidodai zvamunoita."

Zvinhu Zvinosvipisa Munhu

Ipopo adodaidza vanhu vese ndokuti kwavari, "Nditetekerei mese munzvitsitse: Hapanai chinopinda mumunhu chichibva kunze chinomusvipisa, asi zvinobuda kubva maari ndizvo zvinomusvipisa.

Kutenda kwoUmwe Mukadzi

Wabva pakarepo adoenda kudunhu roTire noSidhoni ndokupinda mumba asingade kuti vamuzive, asi haanai kugona kuhwanda. Pakarepo paiva nomukadzi wanga ano mwanasikana wanga adogahwa nomweya udoipa. Paadondonzva nozvaJesu adobva wauya kwaari ndokuzviwisira pamberi pache. Mukadzi wakareyo waiva muGiriki, adozvarihwa muFonisiya guta roSiriya. Adoteterera Jesu kuti adzinge mweya udoipa pamwanasikana wache. Jesu adoti kwaari, "Ndinofanira kuthanga ndajisa vana, ndava zvinokodzeraba kutora mazingwa yovana uchiposha tuhanda."

Iye adopindura kuti, "Hinde Ishe, kana notuhanda pasi potafura tunojawo mupfupfunyungwe womazingwa yovana."

Jesu ndokuti kwaari, "Nondava yomapinduriro yakareyo, chienda zvako mweya udoipa wabirika pamwanasikana wako."

Mukadzi adoenda kumba ndokuwana mwanasikana wache adoenzera pamubhedha, mweya udoipa wabirika paari.

Umwe pakati pogurusvusvu adoti, "Mudzidzisi, ndauya kwamuri nomwanakomana wangu anoitisiwa chimumumu noshave. Pese parinomubata rinomuphomorera pasi, wopupuma furu kumuromo achitsenganisa mazino wobva waoma muviri. Ndakumbira vadzidzi venyu kuti vadzinge shavero, manje varitadzirira."

Jesu adomupindura achiti, "Imi, vanhu vanasi vasinai nokutenda kwese, ndichava nemi kusvikira rini? Ndichava nomwoyo murefu nemi kusvikira riniko? Uyai naye kuno." Ivo vadoenda naye kuna Jesu.

Mweya udoipa paudondomuona, udomugwinhagwinha ndokumuphomorera pasi uchimuumburudza, achipupuma furu kumuromo. Ipopo Jesu adobvunza baba vache, "Adobva rini adodai?"

Ivo ndokuti, "Kubva paudiki hwache. Kazinji unomuwisira mumoto, kana mumvura kuti umubaye, asi kana pano zvamunokwanisa kuita, tinzvirei tsitsi mutiyamure."

Jesu adoti kwaari, "Kana uchitenda, zvese zvinogoneka kuno anotenda."

Nokamangu baba vomwana vadodaidzira, "Ndinotenda, kana pane pandiri kutsakidza, ndiyamurei."

Jesu paadoona kuti mhomho yovanhu yaakutizirana kwaari, adodzuma mweya udoipa achiti, "Iwe mweya wouchimumumu nouburunzeve, birikirafuti ureke kudzopinda maari kamu."

Ipopo mweya udokuwa uchimugwinhagwinha zvidoipitsitsazvo uchibva wabirika maari. Iye ndokuita kunge wapfa zvokutoti vazinji vadototi wapfa. Asi Jesu adomubata ruoko achimumutsa, achibva wasumuka.

Jesu Anoporesa Vanhu Vazinji

Zvino adosumuka ndokubirika musinagoge achipinda mumba maSimoni. Manje amezvara vaSimoni vanga vachihwara nomuviri zvidonyanya, vadonyepa Jesu pamusoro pokuhwara kwakareko. Jesu adomira pamberi paamezvara vaSimoni Pita ndokudzuma denda. Vadobva vapora kabodzi nokabodzi padenda rakarero, ivo ndokusumuka nokamangu vachitenairira vanhu.

Achindobirika mukamwadiya achisvika panyika, adokumana nomurume waibva muguta, anga adopotehwa nomashave. Wanga asingasimire mbacha kwonguwa irefu futi wanga asingagare mumba asi mumakuwa. Paadoona Jesu adodaidzira nodzinga ropamusoro, ndokuwira pasi pamberi pache achiti, "Chii chamunoda kuita nainini, imi Jesu, Mwanakomana waMwari Wokumusorosoro? Ndinokukumbirai kuti murege kunditambudza." Nokuti wanga waraira mweya woutsambwa kuti ubirike mumurume wakareyo. Nokuti kwonguwa irefu wanga udomubata, waigara adochengetewa, adosungiwa manja nomakumbo nongetani, asi iye waidimura wotungamihwa noshave racho kusango, kunzvimbo dzache wega.

Zvino Jesu adomubvunza achiti, "Zita rako ndiwe yani?"

Iye adoti, "Rigiyoni," nokuti mashave mazinji yanga yapinda maari. Mashave yadodzomukumbira kuti areke kuyaraira kuenda kugomba risingagon’e.

Zvino boka rikuru rohumba ranga richifura mumhera mogomo, mashave yadokumbira Jesu kuti ayabvumire kupinda madziri. Iye ndokuyabvumidza. Ipopo mashave yadobirika mumurume yachipinda muhumba, zvino boka ridotizirana kumapiripiri dzichiwirira mugungwa ndokupfira makaremo.

Anyakabusa pavadoona zvanga zvaitika, vadotiza, ndokuzvinyepa muguta nomumisha. Ipopo vanhu vadobirika koona zvanga zvaitika, vadosvika panga pana Jesu, ndokuwana murume adobiritsiwa mashave, adogarikika patsoka dzaJesu, adotosimira wava nopfungwa kwadzo, vachibva vacha.

Ndinokuudzai chokwadi kuti varipo vadomira pano vasingadzoraidza ipfa vasati vaona umambo hwaMwari."

Kubhwinya kwaJesu

Kwapera mazuva yanenge masere yokunyaihwa kwozvakarezvi adotora Pita, naJohwani naJakobho, achikwira mugomo konamata. Paanga wakunamata chiso chache chidosanduka, hembe dzache dzidochena zvokuyetima kunge kupenya kwokambarivari. Zvino varume vairi, Mozisi naEriya vadooneka vachinyaira naye, futi vanga vanokubhwinya kukuru. Vadonyaira pamusoro pokuenda kwache kwaaidzozazisa kuJerusarema.

Pita naabiyake vaanga anavo vadobatiwa nohope dzidonyanya, asi pavadodzopengenuka, vadoona kubhwinya kwache, novarume vairi vadomira naye. Zvidoitika pavanga vaakuparadzana naye, Pita adoti kuna Jesu, "Tenzi, zvidonaka kuti tiri pano, mbatiitei misakasira mitatu, umwe wenyu, umwe waMozisi noumwe waEriya," asingazivi zvaaitaura.

Padoita murume wanga ari mumhomho, adodaidzira Jesu achiti, "Mudzidzisi, ndapota, ndionereiwo mwanakomana wangu, nokuti ndiye chete mwana wangu! Shave rinomubata, woerekana wathanga kukuwa, rinomugwetedza nosimba kusvikira waakuphupha furu. Anobva wati raphatha, risingamusiye kamangu, futi riri kutomuparadza. Ndakumbira vadzidzi venyu kuti varibiritse, asi varitadzirira."

Jesu adomupindura achiti, "Imi vanhu vonguwa ino vasingatende, vadotaika, ndichava naimimi nokuva nomwoyo murefu naimimi kusvikira rini? Ndichakubatsirai kusvikira riniko? Uya nomwanakomana wako pano."

Paanga achiuya shave ridomuumburudza richimugwetedza nosimba. Asi Jesu adokaruza mweya wotsambwa, ndokuporesa mukomana, nokumupereka kuna baba vache. Vese vadoshamisika nokuona ukuru hwaMwari. Zvino vachiri kushamisika nozvese zvaadoita, adotaura kuvadzidzi vache.

Jesu naBherizebhuri

Zvino wanga achidzinga shave rouchimumumu, shave paridobirika chimumumu chidotaura, vanhu vadobva vashamisika.

Umwe wavo adokhwapa nzeve yokuruji yomuranda womuphirisita mukuru ndokuigwata. Asi Jesu adoti, "Izvozvo zvakwana." Futi adobata nzeve yache achimuporesa.

Nhume dzaJohwani padzidoenda, adothanga kunyaira kugurusvusvu pamusoro paJohwani achiti, "Chii chamudoenda koona kusango, Mudoenda koona tsanga yaigwetedzewa nomhepo chere? Chii zvino chamudoenda koona? Mudoenda koona munhu adosimira hembe dzinodhura chere? Handiti vanosimira hembe dzinodhura vari mudzimba dzomadzimambo! Chii manje chamudoenda koona? Muporofiti chere? Inde, ndinokunyepai kuti anokunda muporofiti. Wakareyu ndiye adonyohwa nozvache kuti, Ona, ndinotuma nhume yangu pamberi pako, achanhadzira nzira yako.Ndinokunyepai kuti, pakati povadozvahwa novakadzi hapanai anokurira Johwani. Asi mudikidiki muumambo hwaMwari ndiye mukuru kwaari."

Pavadonzva zvakarezvo vanhu vese novateresi vadokudza Mwari, nokuti vanga vaombekewa noruombeko raJohwani, asi vaFarisi nomagweta vadoramba zano raMwari kwavari, nokusaombekewa naye.

Seja o primeiro