Publicidade

A nova jerusalém

Por Bíblia Online

A Nova Jerusalém é a cidade de Deus que desce do céu, morada eterna dos redimidos. Nela não haverá mar, morte, choro nem dor — Deus habitará com seu povo para sempre.

A cidade celestial

João viu a santa cidade, a Nova Jerusalém, descendo do céu como noiva adornada para o esposo. Ali Deus morará com seu povo.

Ndidoona guta ritsvene, Jerusarema ritsva, richiburuka pasi kubva kudenga kuna Mwari, ridogadzirihwa kunge muroora adoshongedzehwa murume wache. Ipopo ndidonzva izvi rinoruzha ridobva pamupando woushe richiti, "Nangarai, ugaro hwaMwari huri pakati povanhu. Achagara navo, ivo vachava vanhu vache, Mwari pachake achava navo, wova Mwari wavo. Achapisika misodzi yese pamatama yavo, hapachinai ipfa kana kurira kana mhere kana kudzimbiwa nokuti zvinhu zvokare zvapfuura."

Ipopo muMweya adonditakura achindiisa kugomo rikuru, rirefurefu, ndokundinangidza guta ritsvene Jerusarema richiburuka pasi richibva kudenga kuna Mwari, rinokubhwinya kwaMwari. Chiedza charene changa chidoita kunge dombo rinokosha maninge, kunge dombo rojasipisi, ridongwerevera kunge mvura yomatarara. Ranga rinomadziro makurufuti marefurefu, nomisuwo gumi nomiiri, pamisuwo panga pano ngirozi gumi nodziiri, uye panga padonyorewa mazita gumi nomairi yomarudzi yovana vaIzirairi, kumabvazuva kwanga kuno misuwo mitatu, kumaodzanyemba misuwo mitatu, kuchamhembe misuwo mitatu, nokumadokero misuwo mitatu. Madziro yoguta yanga yanonheyo gumi nodziiri pamusoro padzene panga padonyorewa mazita yonhumwa dzoHwayana gumi nodziiri.

Handinai kuona imba yaMwari muguta, nokuti imba yaMwari yomuguta ndiIshe Mwari Womasimba yese noHwayana. Guta ranga risinai basa nozuva kana mwedzi kuti zvirivhenekere, nokuti kubhwinya kwaMwari ndochiedza charene, noHwayana ndomwenje warene.

Zvino ngirozi idondinangidza hwizi hwomvura youpenyu, iri ngwiro kunge matarara, yanga ichiyerera ichibva pamupando woushe hwaMwari nohwoHwayana, ichipinda nopakati ponzira yoguta. Kumativi mairi yohwizi kwanga kuno muti woupenyu wanga uchibereka michero yomarudzi gumi nomairi, pamwedzi umwe noumwe, pakamu mazani yawene yaiva yokuporesa marudzi. Hakuchinai chinhu chidoshurikidziwa.

Asi mupando waMwari woushe nowoHwayana uchava mukati marene, varanda vache vachamunamata. Vachaona chiso chache, uye zita rache richava pahuma dzavo. Usiku hahuchadzovapo, havachadzoda chiedza chomwenje kana chozuva, nokuti Ishe Mwari achava chiedza chavo, uye vachatonga nokusingaperepere.

A pátria celestial

Os patriarcas aguardavam uma cidade que tem fundamentos, cujo arquiteto e construtor é Deus. Nosso lar eterno está além desta vida.

Asi manje vanoda imwe nyika idonaka, iyo yokudenga. Naizvozvo Mwari haanai nyadzi kuti adaidziwe kuti Mwari wavo, nokuti adovagadzirira guta.

Asi imipa mudouya kugomo roZiyoni nokuguta raMwari mupenyu, Jerusarema rokudenga, nokungirozi dzisingaverengeke dzinounganira mhemberero, nokuungano yomatangwe yadonyorewa kudenga, nokumutongi anova Mwari wovese, nokumweya yovadorurama vadokwanisiwa, nokunaJesu, murevereri wochibvumirano chitsva, nokugazi ridosasiwa rinonyaira zvidonaka kupinda raEbhero.

Asi Jerusarema riri kumusoro ridosununguka, ndivo amai vedu.

Jesu Nzira Kuna Baba

"Rekai kutambudzika mumwoyo; tendai muna Mwari, mutendewo mandiri. Mumba maBaba vangu muno nzvimbo dzizinji, dai zvisinai kudaro, ndaikunyepai nai kuti ndinoenda kokunhadzirirai nzvimbo? Futi kana ndaenda kokunhadzirirai nzvimbo, ndinodzoka pakare kokutorai, kuti muvewo pandinenge ndiri.

A glória da Nova Jerusalém

Deus habitará no meio do seu povo. Sua presença será a luz da cidade, e o rio da vida fluirá do trono de Deus e do Cordeiro.

Ndiri kuuya nokamangu. Batitsitsa zvaunazvo, kuti ureke kutorehwa korona yako. Anokunda, ndichamuita mbiru muimba yaMwari wangu, anodzobirikaba makaremo. Ndichanyora paari zita raMwari wangu nozita roguta raMwari wangu, Jerusarema ritsva, rinoburuka richibva kudenga kuna Mwari wangu ndichanyorawo kamu paari zita rangu ritsva.'

Kana munhu akatapudza mashoko yobhuku yokuporofita kwakareku, Mwari vachatapudza mugove wache pamuti woupenyu nomuguta ritsvene, nopazvinhu zvidonyohwa mubhuku rakareri.

Seja o primeiro
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-07-04_23-13-58-