1 Sezvo tidoruramisiwa nokutenda, tino runyararo kuna Mwari kuburikidza naIshe wedu Jesu Khirisitu. 2 Kuburikidza naiye tidowana masvikiro yomunyasha dzakaredzi dzatidomira madziri. Pakare tinofara nokugurupira kukovehwa kubhwinya kwaMwari! 3 Aikona zvakarezvo zvegazvega, asiwo tinotofara mumatambudziko yedu, ndava tinoziva kuti matambudziko yanozvara kutsungirira, 4 iko kutsungirira kunozvara unhu, unhu hunopasa kugurupira. 5 Iko kugurupira hakutinyadzise ndava Mwari adodurura rudo rache mumwoyo yedu kuburikidza noMweya Mutsvene waadotipasa.
6 Munoona, panguwa idofanira, patanga tisinai simba, panguwa idofanira, Khirisitu adopfira vanyangadzi. 7 Ndava zvikukutu kuti munhu apfire munhu adorurama, kana nepo umwe angade zvache kupfira adorurama. 8 Asi Mwari anonangidza rudo rake kwatiri pakuti, patanga tichiri vatadzi Khirisitu adotipfira! 9 Sezvo tidoruramisiwa nogazi rache, tichatokungudziratuba kuponesewa naye kubva paukari hwaMwari! 10 Ndava kana pataiva mhandu dzaMwari, tidoyananisiwa naye kuburikidza noipfa yoMwanakomana wache, ko kudzoti tatoyananisiwa, tichakungudza zvidoita tini kuponesewa noupenyu hwache! 11 Aikona zvakarezvo basi, asiwo tinofara muna Mwari kuburikidza naIshe wedu Jesu Khirisitu waadotipasa naye kuyananisiwa.
12 Saka semapindiro yadoita chitema munyika kuburikidza nomunhu mubodzi, ipfa ichibva yapindawo pabodzi nochitemacho, nonzira yakareyo ipfa idouyawo kuvanhu vese, ndava vese vadotadza. 13 Mutemo usati wapasiwa, chitema changa chichitova munyika. Asi kana pasinai mutemo, chitema chinoverengewaba. 14 Zvisinei, ipfa idotonga kubva panguwa yaAdhamu kusvika panguwa yaMozisi, ichitobatawo novanhu vasinai kuchora mutemo kunge zvidoitiwa naAdhamu, uyo wanga ari muenzaniso waiye wadzouya. 15 Manje chipo chomahara hachinai kuenzana nokutadza. Ndava kana vazinji vadopfa nondava yokutadza kwomubodzi, kudzoti mutsa dzaMwari nochipo chomahara chomutsa chidouya nomubodzi iye Jesu Khirisitu, chidonyanyitsirafuti peno kubata vadowanda. 16 Pakamu chipo chaMwari chinofananaba nozvidoitika pakutadza kwomunhu: Mutongo udotevera chitema chibodzi chichibva chauyisa kutongewa, asi chipo chomahara chidotevera zvitema zvizinji chichibva chauyisa kururamisiwa. 17 Ndava kana nokutadza kwomubodzi, ipfa idotonga kuburikidza nomubodziyo, zvichanyanyitsa tini kuti ivo vanotambira chipo chokururamisiwa nonyasha dzidowanda vatonge muupenyu kuburikidza nomubodzi iye Jesu Khirisitu.
18 Mapasihwo yadoitiwa vazinji mhosva nokutadza kwomubodzi ndomwenze kururama kudoitiwa nomubodzi kudopasa kusununguriwa kwovanhu vese. 19 Ndava sezvidoitika kuti kuburikidza nokusateerera kwomunhu mubodzi, vazinji vadoitiwa vatadzi, ndozvazvidoitawo kuti kuburikidza nokuteerera kwomunhu mubodzi, vazinji vachaitiwawo vadorurama. 20 Mutemo udotodzopindawo kuti kutadza kuwanzikidziwe. Asi padowanda chitema, mutsa dzidosokokerafuti kuwanda, 21 kuitira kuti, sekutonga kudoita chitema chiri muipfa, mutsa dzitongewo daro kuburikidza nokururama kunouyisa upenyu husingapere huri muna Jesu Khirisitu Ishe wedu.