Publicidade

Romanos 14

Reka Kutonga Vamwe

1 Tambirai asinai kusimba pakutenda, musingapikisi mafungiro yache. 2 Kutenda kwoumwe kunomubvumira kuja zvese, asi anokutenda kusinai kusimba anondoja muriwo basi. 3 Anoja zvese mbaareke kuzvidza asingaje, noasingaje mbaareke kutonga anoja, ndava Mwari adomutambira. 4 Anga iwepa ndiwe yani kuti utonge muranda womuridzi? kuna Ishe wache anomira kana kuwa. Achamira, ndava Ishe wache anogona kumumisa.

5 Umwe anoona rimwe zuva kunge ridokosha kukunda rimwe; asi umwe anoona mazuva yasinai chayadosiyana. Munhu wese mbaave nochokwadi chopfungwa dzache wega. 6 Anoona rimwe zuva kunge ridokosha kukunda yamwe, anozviitira Ishe. Anoja anojira Ishe ndava anopasa nhendo kuna Mwari, noasingaje anorekera Ishe achitenda Mwari nazvo. 7 Ndava hapanai wedu anozviraramira iye pachake, futi hapanai wedu anozvipfira iye pachake. 8 Kana tichirarama, tinoraramira Ishe, kana tichipfa tinopfira Ishe. Saka kurarama kana kupfa tinenge tichindova vaIshe basi. 9 Nochikonzero chakarechi, Khirisitu adopfa ndokuva mupenyu kamu, kuitira kuti ave Ishe wovese vadopfa novapenyu. 10 Anga manje iwepa unotongerei hama yako? Kana kuti unozvidzireiko hama yako? Ndava tese tichamira pamberi pochigaro chaMwari chokutonga. 11 Zvidonyohwa kuti: Ishe vanoti,

"Chokwadi, noupenyu hwangu,

ibvi rese richandipfugamira,

nochirimi chese chichabvuma kuti ndini Mwari."

12 Saka umwe noumwe wedu achazvidairira wega kuna Mwari.

Reka Kupiya Vamwe Kuti Vawe

13 Nokudaro mbatirekei kutongana. Panzvimbo yokutongana, mbativei nopfungwa yokureka kuisira hama chigutsa munzira yache. 14 Inini semunhu ari muna Ishe Jesu ndino chokwadi kuti chokuja sezvachiri, hapanai chidosvipa. Asi kana munhu akachiti chidosvipa, kumunhu wakareyo ndiko kwachidosvipa. 15 Kana hama yako ichikanganisiwa nochaunoja, kureva kuti zvauri kuita hazvichinai rudo. Kuja kwako mbakureke kubaya hama yako idopfihwa naKhirisitu. 16 Reka kutendera kuti chaunoti chidonaka, chidzotohwa sechidonyangara. 17 Ndava Umambo hwaMwari hakusi kuja nokumwa, asi nghururama, norunyararo nomufaro muMweya Mutsvene, 18 ndava wese anoshumira Khirisitu nonzira yakarei anofadza Mwari achiremekedzewa novanhu.

19 Saka nopatinogona napo mbatiedzei kuita zvinouyisa runyararo nokuvakhana. 20 Rekai kuparadza basa raMwari nondava yokuja. Zvokuja zvese zvidochena, asi zvidoipa kuti munhu aje chinhu chinokonzera umwe kuwa. 21 Hasa kutoreka kuja nyama kana kumwa waini kana kuita chipi zvachene chinokonzera hama kuwa. 22 Saka chese chaunotenda panozvakarezvi mbachive pakati pako naMwari. Adokomborehwa munhu anohana isingamupase mhosva pachinhu chaanoti chidonaka. 23 Kana munhu akaja achitsakidza, watova nomhosva, ndava kuja kwacheko kuri kubvaba pakutenda, ndava zvese zvisingabve pakutenda, chitema.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-15_21-32-39-