1 Munhu wese mbaazviise pasi povatongi, ndava hapanai ukuru huripo husinai kumisiwa naMwari. Utongi huripo hudotogadziwa naMwari. 2 Saka uyo anopandukira vatongi anopandukira kugadza kwaMwari, manje vanhu vadodarovo vari kuzvisorera kutongewa. 3 Ndava vatongi vanochisaba kana uchiita zvidonaka, asi kuno avo vanoita zvidoipa. Unoda kugara usingache vatongi chere? Mboita zvidonaka kuti iye akuretserere. 4 Ndava iye muranda waMwari aripo kukunatsira. Asi kana uchidzonga, icha, ndava bakatwa raanaro anoritakuriraba mahara. Iye muranda waMwari, nhumwa youkari inoranga vanyangadzi. 5 Saka zvidokosha kuti uzviise pasi povanomasimba, aikona nondava yokucha kurangiwa basi, asiwo nokuda kwohana.
6 Chakarechi ndicho chikonzero muchiripa mitero, ndava vanomasimba ava mbaranda vaMwari, vanopa nguwa yavo yese pakutonga. 7 Ripai munhu wese zvaanofanira kuripiwa. Kana iri mitero, ripai mitero, kana iri nzvimbo inoterehwa, itererei, kana vari vanokudziwa, vakudzei, kana vari vanyarikani, vanyarei.
8 Rekai kuva nochikwerete nomunhu, kusiya kwochikwerete chinogara chiripo chokudanana, ndava anoda mabiyache anozazisa mutemo. 9 Mirairo inoti, "Reka kuita upombwe, reka kubaya, reka kuba, reka kuchiva," Noumwe murairo, inozazisiwa pamutsara mubodziyu unoti, "Unofanira kuda muvakhidzani wako sekuda kwaunozviita." 10 Rudo runoitiraba umwe zvidoipa. Nokudaro rudo runozazisa mutemo.
11 Nokunzvitsitsa nguwa yatiri, pengenukai pahope muite zvakarezvo, ndava kuponesewa kwedu kwava papfupi panozvakwanga kuri patidotanga kutenda. 12 Usiku hwaakupera, zuva raakuda kubirika. Saka mbatisiyei zviito zvorima tisimire zvombo zvochiedza. 13 Mbatiraramei zvinomutsigo sevanhu vomasikati, mbatireke kuita zvomapira nokuredzera, kana chimeso meso nokuita madiro kana kuitirana mhoka, nochanje. 14 Asi simirai Ishe Jesu Khirisitu, murekere kufunga kufadza nyama pazvido zvayene.