1 Inipano ndinobvunza kuti: Anga Mwari adoramba vanhu vache chere? Neye, ndizvo rini! Inini pachangu ndidotovawo muIzirairi, chizvahwa chaAbhurahamu, ndiri wodzinza raBhenjamini. 2 Mwari haanai kuramba vanhu vache, vaadogara waziva kare. Munozivaba nai zvinorehwa noGwaro pamusoro paEriya, kumhangarira kwaadoitira vaIzirairi kuna Mwari? 3 "Ishe, vadobaya vaporofiti venyu, vachipaza atari dzenyu, inini ndega ndegani ndini ndasara, kudaiku vari kutotsvaga kundibayawo." 4 Adomupindura kuti chii? "Ndidozvichengetera vanozvuru zvinomwe, vasinai kana kumbopfugamira Bhaari." 5 Saka nopanguwawo yakareino, varipo vadosara, vadosaruriwa nonyasha. 6 Manje dzikava mutsa, zvichavaba zvomabasa, ndava zvikava zvomabasa, kana nonyasha dzinenge dzichiriba mutsa. 7 Kuti chii? Chidotsvagitsitsiwa novaIzirairi havanai kuchiwana, vasaruhwa ndivo vadochiwana, vamwe vese vadoomesewa mwoyo, 8 sekunyohwa kwazvidoitiwa, "Mwari adovapasa mweya wokuzungaira, meso yano buzvi, nonzeve dzisinganzve kusvika pazuva ranasi." 9 NaDhavhiti anoti,
"Tafura yavo mbaive riva noukhonje hudoteyewa,
mbavatsiviwe nokuguhuniwa kuti vawe.
10 Meso yavo mbayaite rima kuti vatadze kuona,
misana yavo mbaigare idotumbamisiwa nokusingapere.
11 Ndinobvunza kamu: Vadoguhuniwa kuti vawe? Ndizvo rini! Asi, nondava yokutadza kwavo, ruponiso rudouya kudzimwe Ndudzi kuti vaIzirairi vaite chanje. 12 Manje kana kutadza kwavo iri pfuma kunyika, nokurasikihwa kwavo iri noto kuno vodzimwe Ndudzi, ko kudzoti panokwanisiwa uwandu hwavo, makomborero yacho yanenge yadoita mukuriro wei!
13 Ndiri kunyairira vakaremi vodzimwe Ndudzi. Zvandiri nhumwa wodzimwe Ndudzi, ndiri kukwidziridza basa rangu, 14 Ndichigurupira kuti kabanga ndingapase chanje kuvanhu vorudzi hwangu kuti vamwe vacho vaponesewe. 15 Saka kana kurambiwa kwavo kudoita kuti nyika iyananisiwe, ko kudzoti kutambihwa kwavo kunotorevaba upenyu kuno vadopfa?
16 Kana chikamu chidiki chomukanyiwa unoitiwa chipo chochibereko chokuthanga chiri chitsvene, saka mukanyiwa wese unenge wasara mutsvenewo peno, kana mudzi uri mutsvene nomathai yacho matsvene kamu. 17 Kana yamwe mathai yomuorivhi yadokhwanhuriwa, asi iwepa, kana zvazvene uri bukira rothai romuorivhi, udophatikihwa pakati pomathai yomuorivhi womumusha, ndokuwanawo chikafu pamidzi yomuorivhi wakareyo. 18 Reka kumbodadira mathai yopakarepo yokukwanhuriwa yaye. Kana ukada zvokudada, fungitsitsa kuti, ndiweba udotakura midzi, asi midzi ndiyo idokutakura.
19 Ungati zvako, "Mathaiyo yadokwanhurihwa kuti inini ndiphachikihwe pakarepo." 20 Hinde. Vadokwanhuriwa nondava yokusatenda, iwepa udotomirawo nokutenda. Chireka kumbodumba, asi icha. 21 Ndava kana Mwari asinai kumisa mathai chaiyo yopakarepo, kana wakarewe anokumisaba. 22 Pakarepa tinoona kunaka nokuoma kwaMwari: adooma kunovaye vadowa, asi adonaka kwamuri, ndokunge maramba muri mukunaka kwache. Potse potse naimimiwo munokhwanhuriwa kamu. 23 Kana vaJudha vakasiya kusatenda kwavo, vanophachikihwa kamu, ndava Mwari anogona kuvaphachikira pakare. 24 Kana imipa muri mathai yadotemewa pamuorivhi womusango muchibva maphachikihwa zviri kunze kwomutemo womusikihwo pamuorivhi unorimiwa, zvidotonyanyitsa kupusa peno kuti paphachikihwe mathai yagara yari yopakarepo.
25 Ndinodaba kuti hama dzangu musaye kuziva pamusoro pochidohwanda ichi, kuitira kuti mureke kuzvifurira muchiti mudochenjera: vaIzirairi vaita mwoyo udooma kwonguwa yakareino kusvikira uwandu hwovodzimwe Ndudzi hwakwana kupinda. 26 Nokudaro vaIzirairi vese vachaponesewa. Semanyorehwo yazvidoitiwa:
"Mununuri achauya kubva paZioni,
achabiritsa kusaya umwari pana Jakobho.
27 Ichi ndicho chibvumirano chandichaita navo
pakubisa kwandichaita zvitema zvavo."
28 Nondava yoNyaya Dzidonaka, parizvino imhandu kuna Mwari nokuda kwenyu imipa vodzimwe Ndudzi, asi panyama mbadikani nokuda kwomadziteteguru. 29 Ndava chipo chaMwari nokudaidza kwache zvinosandukaba. 30 Sezvamudondoitawo imipa kare manga musingateerere Mwari, asi manje mudotambira tsitsi dzamudotambira nondava yokusateerera kwavo. 31 Saka naivo parizvino havasi kuteerera kuti naivowo vatambire tsitsi dzaMwari dzamudotambirawo imimi. 32 Ndava Mwari adozaririra vanhu vese pakusateerera kuti avaitire tsitsi vese.
33 Nangarai makuriro youpfumi hwaMwari! nokugwiridza kwouchenjeri nomaziviro yache! Hapanai peno anobata matongero yache, nonzira dzache dzinonzvitsitsikaba peno!
34 "Mbani adoziva pfungwa dzaIshe?
Nachipangamazano wakeyo, mbani?
35 Mbani ano chaadopasa Mwari
kuti Mwari amuripe?
36 Ndava zvinhu zvese zvidobva kwaari uye zviripo kuburikidza naye zvinouya kwaari ndava zvese nzvache. Kwaari mbakuve nokubhwinya nokusingapere. Ameni.