Publicidade

Romanos 6

Kupfa Pachitema Uchiva Mupenyu muna Khirisitu

1 Manje toti chii? Timbondotadza kuitira kuti mutsa dzimbondowanziwa chere? 2 Neye, mukho! Anga isisu tidopfa kuchitema tinodzorarama tini kamu tiri machiri? 3 Munozivaba nai kuti isisu tese tidoombekewa muna Khirisitu Jesu tidoombekewa muipfa yache? 4 Nokudaro tidovigiwa naye muruombeko roipfa yache kuti sezvidondoita Khirisitu kumutsiwa kuvadopfa kuburikidza nokubhwinya kwaBaba, naisisuwo tirarame muupenyu hutsva.

5 Kana tidobatana naye muipfa yache daipa, tichabatanawo naye mukumuka kunge zvaadoita. 6 Ndava tinoziva kuti unhu hwedu hwokare hudorovehwa pabodzi naye kuitira kuti muviri wozvitema uparadziwe, kuti tireke kudzova varanda vochitadzo, 7 ndava wese wapfa wasununguriwa kubva pachitema. 8 Manje kana tidopfa naKhirisitu, tinotenda kuti tichararamawo naye. 9 Ndava tinoziva kuti sekumutsiwa kudoita Khirisitu kubva kuvadopfa, achapfaba kamu, ipfa haichinai masimba pamusoro pache. 10 Ipfa yaadopfa mairi, adopfa kabodzi kuchitadzo zvichibva zvapera, asi upenyu hwaanorarama anorarama kuna Mwari. 11 Nonzira ibodzi bodziyo mbozvitorai muri vadopfa kuchitema, asi muri vapenyu kuna Mwari muna Khirisitu Jesu.

12 Saka mborekai kurekerera chitema chichitonga mumuviri yenyu inopfa, kuti mutevere kuda kwachene. 13 Rekai kumbopereka nhengo dzomuviri wenyu kuchitema kuti imbova midziyo yokuitisa zvidoipa, asi riperekei kuna Mwari, sevanhu vadobiritsiwa paipfa vachiisiwa muupenyu, mboperekai nhengo dzomiviri yenyu kuna Mwari kuti ive midziyo yokururama. 14 Ndava chitema chingaveba tenzi wenyu, nokuti hamusi pasi pomutemo asi ponyasha.

Varanda Vokururama

15 Kuti chii? Totadza zvedu nondava yokuti hatisi pasi pomutemo asi pasi ponyasha? Mukho wakareyo! 16 Munozivaba nai kuti kana mazvipereka kunoumwe munhu kuti mumbomuteerera sevaranda, matova varanda vaiye wamunoteererayo, kabanga kuva varanda vochitadzo chinokuisai paipfa, kana kuva varanda vokuteerera kunokuisai pakururama? 17 Asi Mwari mbaatendewe ndava kana zvenyu maimbova varanda vochitadzo, mudodzoteerera nomwoyo wese rudzi rodzidziso yamudovimbiwa nayo pakuipasiwa. 18 Mudosununguriwa kubva pachitema muchiva varanda vokururama. 19 Zvakarezvo ndiri kuzvinyaira mumashoko yadopepuka nondava yokusaya simba kwenyu. Sezvamaiita pakupereka nhengo dzomiviri yenyu kuva varanda votsambwa nouipi hunogara huchiingidzika, nonzira yakareyo perekai nhengo dzenyu kukururama kunoisa kuutsvene.

20 Pamaiva varanda vochitadzo manga mudosununguhwa pasimba rokururama. 21 Panguwa iyoiye chii chamaiwana pazvinhu zvakarezvo zvamanga muchiita, zvamava kutonyara nazvo manje? Chaibuda pazvinhu zvakarezvo ipfa. 22 Asi manje mudosununguhwa kubva pachitema muchiva varanda vaMwari, chamunowana apa utsvene nochinobuda pakarepo upenyu husingapere. 23 Ndava mubairo wochitema ipfa, asi chipo chaMwari, upenyu husingapere muna Khirisitu Jesu Ishe wedu.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-15_21-32-39-