Publicidade

Romanos 4

Muenzaniso waAbhurahamu

1 Zvino toti chiiko pamusoro paAbhurahamu teteguru vedu panyama? 2 Ndava dai Abhurahamu adoruramisiwa nomabasa, angadai ano chokuzvikudza nacho, manje pamberi paMwari, haanai. 3 Ko Gwaro rinoti chii? "Abhurahamu adotenda Mwari ndokubva waverengehwa pakuva adorurama." 4 Zvino kumunhu anoshanda, muhoro wache haudaidziwe kuti chipo, asi unenge uri muripo wache. 5 Asi kumunhu asinai kushanda asi achindovimba naiye anoruramisa adoipa, kutenda kwacheko ndiko kunoverengewa kuti ndiko kururama. 6 Dhavhiti anorevawo zvibodzi bodzizvo paanonyaira zvokukomborehwa kwomunhu anoverengehwa pakururama naMwari, pasinai mabasa:

7 "Vadokomborehwa ivo vano zvitema zvidoregerehwa,

nozvakaipa zvidofukidziwa,

8 adokomborehwa munhu uyo Mwari waasingadzoverengera zvitema zvache."

9 Anga chikomborero ichochi nyhovadochecheudziwa vega vega nai kana kuti novasinai kuchecheudziwa nyhavowo? Tambonyaira tichiti kutenda kwaAbhurahamu ndiko kudomuita kuti averengehwe pakururama. 10 Zvanga zvidomira tini paadoverengehwa pakururama? Wanga wabva kuchecheudziwa chere kana kuti wanga asati? Wanga asati, aikona wabva kuchecheudziwa. 11 Futi adotodzotambira chiratidzo chokuchecheudziwa sechisimbiso chokururama kwaanga awana nokutenda asati wachecheudziwa. Chinangwa changa chiri chokumuita baba wovese vanotenda asi vasinai kuchecheudziwa kuitira kuti vaverengehwe pakururama. 12 Ari kamu baba wovadochecheudziwa, aikona vadochecheudziwa vega asiwo noavo vanotekaira mutsoka dzokutenda kwanga kuri muna baba vedu Abhurahamu asati wachecheudziwa.

Chivimbiso chaMwari Chinotambihwa Nokutenda

13 Chivimbiso kuna Abhurahamu nokuvana vache, chokuti vachagara nhaka yonyika, hachinai kuuya kuburikidza nomutemo, asi kuburikidza nokururama kwokutenda. 14 Kana vanorarama mumutemo vari ivo vaji vonhaka, kutenda kunenge kusisina kukosha, kana nochivimbiso hachichinawo basa. 15 Ndava mutemo unouyisa ukari, futi pasinai mutemo hapanai kuchora mutemo.

16 Nokuti chivimbiso chidotsamira pakutenda kuitira kuti chive chomutsa kuti pavewo nochokwadi kuti chinosvika kuvana vache vese, aikona vaye vari mumutemo vega vega, asi novayewo vokutenda kwaAbhurahamu anova baba vedu tese. 17 Semanyorehwo yazvidoitiwa, "Ndakuita baba womarudzi mazinji." Ndiye baba vedu pamberi paMwari, iye waadotenda kwaari, Mwari anopasa upenyu vadopfa, anodaidza zvinhu zvisipo kuti zvivepo. 18 Panga pasingagurupirike, nokutenda Abhurahamu adogurupira, achibva wava baba vomarudzi mazinji, sekunyepewa kwaanga aitiwa kuti, "Ndizvo zvichaita vana vako." 19 Haanai kuita makhato pakutenda nokuda kwomuiri wache wanga watopfa zvawene, ndava wanga watova nomakore zana, kana noungomwa hwaSara. 20 Haanai kugwetedzeka pakutenda achipokana chivimbiso chaMwari asi adojirichira pakutenda achipasa mbiri kuna Mwari. 21 Adozara nokugutsikana kuti Mwari chaadovimbisa anogonawo kuchiita. 22 Ndokusaka kutenda kwache kudoverengehwa pakururama. 23 Mashoko yokuti "Kudoverengehwa kwaari," yadonyorehwaba iye wega. 24 Asi nokwatiriwo kuchaverengehwawo daro kana tichitenda maari iye adomutsa Ishe wedu Jesu kubva kuvadopfa. 25 Adoisiwa pakupfa nokuda kwozvitema zvedu, asi adomuka kamu noupenyu kuitira kururamisiwa kwedu.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-16_18-40-07-