1 Naimi hama dzangu anga munozivaba nai, ndava ndiri kunyaira kuvanhu vanoziva mutemo, kuti mutemo unondova nosimba kana munhu achiri mupenyu basi? 2 Semuenzaniso, pamutemo mukadzi adoroorewa adosungiwa kumurume wache kana murumeyo achiri mupenyu, asi kana murume wache wapfa, wasuguduriwa pamutemo wouroodzi. 3 Zvokuti akaroorewa noumwe murume iye murume wache achiri mupenyu, anonzi ihure. Asi kana murume wache wapfa, wasuguduriwa pamutemo, kana zvache akaroorewa nomumwe, anenge asiri hure. 4 Saka hama dzangu, kuburikidza nomuviri waKhirisitu imipa mudopfa kumutemo kuti muve voumwe murume, kureva iye adomuka kuvadopfa, kuti tiitire Mwari zvibereko. 5 Ndava pataitongewa nounhu hwakare kadokwadokwa kokuda kutadza kaimutsiwa nomutemo mumiviri yedu kuti tibereke zvibereko zvoipfa. 6 Asi zvino nokupfa kwatidoita kunochiye changa chidotisunga, tidosununguhwa kubva pamutemo, kuitira kuti tishumire nonzira itsva yoMweya, aikona nonzira yokare yomutemo udonyohwa.
7 Toti chii manje? Mutemo chitadzo nai? Neye, ndava hapanai peno maziviro yandaidzoita kuti ichi chitadzo dai pasinai mutemo udondiudza. Ndaidzozivaba kuti kuchiva huita tini dai mutemo usinai kuti "Reka kuchiva." 8 Manje chitema chidowana mukana wachidozururihwa nomutemo, chichibva chaisa mandiri marudzi yese yokuchiva. Ndava pasinai mutemo chitema chinenge chidopfa. 9 Mutemo usati wauya, ndanga ndiri mupenyu, mutemo paudouya chitema ndicho chidodzova chipenyu, inini ndokubva ndapfa. 10 Ndidodzoona kuti mutemo wacho wanga udonanga kundipasa upenyu udotondivigira ipfa. 11 Ndava chitema pachidotora mukana wachidopasiwa nomutemo, chidondinyengedza zvokubva chandibaya kuburikidza nomutemo wakareyo. 12 Nokudaro mutemo mutsvene, nomurairo mutsvene, futi udonaka. 13 Anga manje chidonakacho chidodzova ipfa kamu kwandiri? Nenene. Asi kuti chitema chizikane, chidopinza ipfa kwandiri kuburikidza nochidonakacho, kuitira kuti kuburikidza nomutemo, chitema chionekerefuti kunyangara kwachene.
14 Tinoziva kuti mutemo ngwomweya; inini ndiri wonyama, ndidotengesewa semuranda kuchitema. 15 Ndinonzvitsitsaba zvandinoita. Ndava zvandinoda kuita ndizvoba zvandinodzoita, asi zvandinozonda zviye, zvakarezvo ndizvo zvandinoita. 16 Manje kana ndichiita zvandisingade kuita, ndinobvuma kuti mutemo udonaka. 17 Saka ndiniba peno ndiri kuzviita, chitema chinogara mandiricho ndicho chiri kuzviita. 18 Ndinoziva kuti hapanai chidonaka chinogara mandiri, kureva muunhu hwangu hwakare. Ndava ndino chido chokuita zvidonaka, asi kudzoti ndizviite gogogo. 19 Ndava zvandinoita ndizvoba zvidonaka zvandinoda kuita, nikisi, asi zvidoipa zvandisingade kuitazvo ndizvo zvandinosimbira kuita. 20 Manje kana ndichiita zvandisingade kuita, ndiniba ndipo ndichiri kuzviita, chitema chinogara mandiri ndicho chiri kuzviita.
21 Saka murau wandiri kuona uchishanda nguyu: Pandinoda kuita zvidonaka, chidoipa ndicho chinenge chiripo pakarepo. 22 Ndava mumunhu wangu womukati ndinofarira murau waMwari. 23 Asi mumuviri wangu ndinoona umwe murau udosiyana uchihwisana nopfungwa dzangu, uchinditapa nokundiita muranda womurau wochitema chinoshanda mumuviri wangu. 24 O, munhuni ndiri kuyaura uyanga! Mbani achandisunungura kubva kumuviri woipfayu? 25 Mwari mbaatendewe, kuburikidza naJesu Khirisitu Ishe wedu!
Zvidodaipo, inini pachangu: mupfungwa mangu, ndiri muranda womutemo waMwari, asi muunhu hwangu hwakare ndiri muranda wochitema.