1 Phauro muranda waJesu Khirisitu, adodaidziwa kuti ave nhumwa, adokamurihwa vhangeri raMwari 2 raadogara wavimbisa kare kuburikidza novaporofiti vache muMagwaro Matsvene,
3 pamusoro poMwanakomana wache, anova mwana waDhavhiti panyama, 4 adozivisiwa nosimba kuburikidza noMweya woutsvene kuti ndiye Mwanakomana waMwari nokumuka kwaadoita kubva kuvadopfa, iye Jesu Khirisitu Ishe wedu. 5 Kuburikidza naye tidotambira mutsa nounhumwa kuti tidaidze vanhu kubva pakati povese vasiri vaJudha kuti vauye pakuteerera kunobva pakutenda. 6 Naimimiwo muri pakati paivo vadodaidziwa kuti vave vaJesu Khirisitu.
7 Kunovese vari kuRoma vadodiwa naMwari vadodaidziwa kuti vave vatsvene.
Mutsa norugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu nokuna Ishe wedu Jesu Khirisitu mbazvive kwamuri.
8 Kuthanga, ndinotenda Mwari wangu kuburikidza naJesu Khirisitu nondava yenyu mese, ndava kutenda kwenyu kuri kutauhwa munyika dzese. 9 Mwari wandinoshumira nomwoyo wangu wese pakuparidza vhangeri roMwanakomana wache, ndiye chapupu changu kuti ndinogara ndichikufungai 10 nguwa dzese muminamato yangu, futi ndinonamata kuti dai zvino kwava kuda kwaMwari kuti nzira indivhurikire ndibudirire kuuya kwamuri. 11 Ndinosuva kukuonai kuitira kuti ndikupungurirei chimwe chipo chomweya chikusimbisei. 12 ndiko kuti, imipa nainini tikurudzirane pakutenda.
13 Handidi kuti murekere kuziva, hama, kuti kazinji ndaironga kuuya kwamuri (asi ndaitadzisiwa kuzviita kusvikira zvino) kuitira kuti ndivewo nochokukohwa pakati penyu sezvandidoita pakati podzimwe Ndudzi. 14 Ndiri musungwa kunovese vaGiriki novasiri vaGiriki, kuno vadochenjera novadozungaira. 15 Ndicho chikonzero ndichida kuparidza vhangeri kwamuriwo vari kuRoma.
16 Handinyare kuparidza vhangeri nokuti isimba raMwari rokuponesa anotenda: kuthanga nomuJudha tevere wodzimwe Ndudzi. 17 Ndava muvhangeri kururama kunobva kuna Mwari kudoisiwa pachenu, kururama kunouya nokutenda kubva pamavambo kusvika pamagumo, sekunyohwa kwazvidoitiwa, "Adorurama achararama nokuenda."
18 Ndava ukari hwaMwari hudonangidziwa kubva kudenga pamusoro pokurega kunamata Mwari kwese nokuipa kwovanhu vanotsikirira chokwadi nokuipa kwavo, 19 sezvo zvingade kuzikana pamusoro paMwari zviri pachenu kwavari, ndava Mwari adozvinangidza kwavari. 20 Ndava kubva pakusikiwa kwonyika umwari hwache husingaoneke, iro simba rokusingapere roumwari hwache, rinooneka zvidojeka, nokunzvitsitsika kubva pazvinhu zvaadoita, kuitira kuti vanhu vasaye chokunenera. 21 Ndava kana nepo vaiziva Mwari, havanai kumukudza saMwari kana kumbomutendawo nikisi, asi kufunga kwavo kudoita chidzimira nomwoyo yavo youdzemwa idoita rima. 22 Kana zvavo vaiti tidochenjera, vadova madzemwa 23 vadotsinhanisa kubhwinya kwaMwari asingapfe nozvifananidzo zvidoumbiwa kunge munhu kana tushiri nomhuka nozvinosvova.
24 Saka Mwari adovasiya vari muzvido zvokutadza kwomwoyo yavo nokutsambwa dzoupombwe vachiita pakati pavo zvinozvidza miviri yavo. 25 Vadotsinhanisa chokwadi chaMwari nomabwodo, ndokunamata nokushumira zvisikwa panzvimbo yoMusiki, anorumbidziwa nokusingapere Ameni.
26 Nochikonzero chakarechi, Mwari adovasiya vari pakuchiva kunonyadzisa. Zvokuti novakadzi vavo vadotsinhanisa ukama hwochisikihwo vachitora hwavasinai kusikihwa. 27 Nonzira ibodzi bodziyo varume vadosiyawo ukama hudosikiwa kuti huve pakati pavo novakadzi ndokubva vapfiririra kudanana vega vega. Varume vachiita zvisinai mutsigo novarumebiyavo, muunhu hwavo vachitambira mubairo wouyanga hwavo.
28 Pamusoro paizvozvo, sezvo vasinai kuona zvidokodzera kuti vachengetedze kuziva Mwari, saka Mwari adovareka vanopfungwa idofuririka inovakweerera kuita zvisingafanire kuitiwa. 29 Vadozaziwa nokuipa kwomarudzi yese, kunyangadza, nhafu noutadzi. Vadozara noruchiva, umhondi, mungu, unyengeri nokunyangarihwa. Vanomakuhwa, 30 vanofudza, vanozonda Mwari, vanomhanda, vanozvitutumadza vanomutindi, vanorukha nzira dzokuita nadzo zvidoipa, vasingateerere vabereki, 31 havafunge, havanai kutenda, havanai rudo, vanocheni. 32 Kana nepo vaiziva chirevo chaMwari chokururama chokuti avo vanoita zvinhu zvidodaro vanofanira ipfa, havasi kundoramba vachiita zvinhu zvakarezvo basi asi vanotobvumirana novanozviita vacho.