Publicidade

Romanos 15

Fadza Vamwe Aikona Kuzvifadza

1 Isisu vadosimba tinofanira kumboyamura vasinai simba pakutenda, tisingatsvage kuzvifadza. 2 Umwe noumwe wedu mbaafadze mabiyache nokuita zvidomunakira, kuti avakhike. 3 Ndava Khirisitu naiyewo pakamu haanai kuzvifadza iye, asi sekunyorewa kwazvidoitiwa, "Kutukirira kwaivo vadokutukanai kudowira pandiri." 4 Ndava zvese zvidonyohwa mumazuva yokare zvidonyorehwa kutiraira, kuitira kuti tipasiwe tariro inobva pakutsungirira nokukurudzira kwoMagwaro. 5 Dai Mwari anopasa kutsungirira nokurudziro wakupasai mweya wokubatana pakati penyu pakutevera kwenyu Jesu Khirisitu 6 kuitira kuti nomwoyo mubodzi noizvi ribodzi murumbidze Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Khirisitu.

Vhangeri Kudzimwe Ndudzi

7 Tambiranai, sekutambihwa kwamudoitiwa naKhirisitu kuitira kuti Mwari akudziwe. 8 Ndava ndinokunyepai kuti Khirisitu adova muranda wovadochecheudziwa adomirira chokwadi chaMwari, kuti asimbise chivimbiso chidopasiwa madzibaba yavo, 9 kuitira kuti dzimwe Ndudzi dzirumbidze Mwari nokuda kwotsitsi dzache, sekunyohwa kwazvidoitiwa:

"Saka ndichakupupurai pakati podzimwe Ndudzi,

ndichaimbira zita renyu zvimbo."

10 Pakamu zvinonzi

"Farai novanhu vache imipa vodzimwe Ndudzi."

11 Pakamu,

"Rumbidzai Ishe, imipa mese vodzimwe Ndudzi,

muimbe rumbidzo kwaari, imipa vanhu vese."

12 Isaya anoti pakare,

"Mudzi waJese uchapukira,

iye achamuka kuti atonge Ndudzi,

Ndudzi dzichagurupira maari."

13 Dai Mwari wotariro wakuzazai nomufaro wese norunyararo pakuvimba kwenyu naye, kuitira kuti kuburikidza nosimba raMweya Mutsvene kugurupira kupfachukire mamuri.

Ushingi hwaPhauro paKunyora

14 Inipano pachangu hama dzangu, ndinogutsikana kuti imipa mudozara kunaka, mudozara kuziva kwese, futi munokona kudzidzisana. 15 Zviripo zvimwe zvandidoshinga kukunyorerai kuti ndizviyeuchidze kwamuri pakamu, nokuda kwonyasha dzandidopasiwa naMwari, 16 kuti ndive mushumiri waKhirisitu Jesu kuvanhu vodzimwe Ndudzi ndichiita basa rouphirisita hwovhangeri raMwari, kuti vodzimwe Ndudzi vave mupiro unotambirika kuna Mwari, udochenesewa naMweya Mutsvene. 17 Nokudaro ndinozvirumbidza muna Khirisitu Jesu, paushumiri hwangu kuna Mwari. 18 Ndinoshingaba kunyaira chimwe chinhu kusiya kwozvidoitiwa naKhirisitu kuburikidza nomandiri pakutungamira vodzimwe Ndudzi kuti yateerere Mwari kuburikidza nozvandidonyaira nozvandidoita, 19 nosimba rozviratidzo nominana, kuburikidza nosimba raMweya, zvokuti kubva muJerusarema kusvikira Iririkamu, ndidoparidza vhangeri raKhirisitu zvizere. 20 Shungu dzangu dzagara dziri dzokuparidza vhangeri munzvimbo dzisinai kumbozikana Khirisitu, kuti ndireke kuvakhira pamusoro ponheyo youmwe. 21 Asi kuti semanyorehwo yazvene:

"Vaye vasinai kunyepewa nozvake vachaona,

novaye vasinai kumbonzva vachanzvitsitsa."

Urongwa hwaPhauro Kubvakachira Roma

22 Chakarechi ndicho chikonzero chandaimbondotadzisihwa kuuya kwamuri. 23 Zvino nzvimbo zvadzapera dzokuti ndishandire mumatunhu yakareya, uye sezvo ndagara ndichida kukuonai kwomakore mazinji, 24 ndino urongwa hwokuita izvozvo pakuenda kwangu kuSipeini. Ndinotarisira kukuonai pandinenge ndichipfuura nokwakareko kuti mundibatsire pahwendo hweko, mumasure mokufara nemi nguwa ipfupi. 25 Zvisinei, iye manje ndiri munzira kuenda kuJerusarema koshumira vatsvene ikoko. 26 Ndava vokuMasedhoniya novokuAkaya vadofarira kupereka ruyamuro kuvarombo vari pakati povatsvene vokuJerusarema. 27 Vadofarira kuita zvakarezvo, futi vanotofanira kuvaitira daro. Ndava kana vodzimwe Ndudzi vadogovehwa makomborero yovaJudha yopamweya, ivo vanofanirawo kuvagovera makomborero yavo yopanyama. 28 Pandinopedza basa rakarero, uye ndaona kuti vatambira zvavadounganidzihwa zvacho, ndipo pandichakubvakachirai ndichienda kuSipeini, ndiri munzira yangu ipopa kuenda ikoko. 29 Ndinoziva kuti pandinouya kwamuri, ndinenge ndiri punumunu kuzara nomakomborero yaKhirisitu.

30 Ndinokukumbiritsai, hama, kuburikidza nomuna Ishe Jesu Khirisitu uye nomurudo roMweya, kuti mukakate pabodzi nainini paminamato yenyu kuna Mwari pamusoro pangu, 31 kuti ndinunuhwe kuno vasingatende vokuJudhiya, uye kuti ushumiri hwangu muJerusarema hutambirike novatsvene vaikoko, 32 kuti nokuda kwaMwari ndiuye kwamuri nomufaro, uye kuti pakati penyu inini naimipa tivandudziwe. 33 Mwari worunyararo mbaave naimimi mese. Ameni

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-