1 Saka hapachinai kupasiwa murandu kuna ivo vari muna Khirisitu Jesu. 2 Ndava kuburikidza naKhirisitu Jesu, mutemo woMweya woupenyu udondisunungura kubva kumutemo wochitema nowoipfa. 3 Ndava mutemo zvawanga usingakwanise kuita nochikonzero chokuvhuwisiwa nonyama, Mwari adozviita kuburikidza nokutuma kwaadoita Mwanakomana wache ari muchimiro chomutadzi, kuitira chitema, achibva wapasa mhosva chitema chiri munyama, 4 kuitira kuti kururama kunodiwa nomutemo kuzazisike mukati medu iyesu tisingararame tichitongewa nounhu hwakare, asi tichitongewa noMweya. 5 Ndava vaye vanorarama vari muunhu hwakare, pfungwa dzavo dzidobatirira pazvido zvonyama, asi vaye vanorarama muMweya, pfungwa dzavo dzidobatirira pazvido zvoMweya. 6 Kufunga kwounhu hwakare, ipfa, asi kufunga kunotongewa noMweya, upenyu norunyararo, 7 ndava pfungwa younhu hwakare idopanduka kuna Mwari, inozviisaba pasi pomutemo waMwari, kana nokuedzeserako inokonaba. 8 Saka vaye vanotongewa nonyama vanokwanisaba kufadza Mwari.
9 Asi imipa hamutongewe nonyama, asi noMweya, ndokunge Mweya waMwari uchigara mamuri. Ndava kana munhu asinai Mweya waKhirisitu ngwacheba. 10 Asi kana Khirisitu ari mamuri, muviri wenyu udopfa nondava yochitema, asi mweya wenyu mupenyu nondava yokururama. 11 Futi kana Mweya waiyeyo adomutsa Jesu kubva kuvadopfa achigara mukati menyu, wakareyo nyakumutsa Jesu kuvadopfa achapasawo upenyu miviri yenyu inopfa kuburikidza noMweya wache anogara mamuri.
12 Nokudaro hama dzangu hatinai chikwerete nonyama kuti timboita zvainoda, 13 ndava kana pakurarama kwenyu muchimbotevera nyama muchapfa, asi kuburikidza noMweya mukambobaya zviito zvonyama, muchararama. 14 Ndava vaye vanotungamihwa noMweya waMwari, ndivo vana vaMwari vakarevo. 15 Ndava mudopasiwaba mweya wokuva varanda kuti mugare muchicha, asi mudotambira Mweya woumwana watinodaidza nawo tichiti, "Baba, Baba!" 16 Mweya pachake anopfakaza kumweya yedu kuti tiri vana vaMwari. 17 Manje kana tiri vana, tiri vaji vonhaka, vaji vonhaka yaMwari pabodzi naKhirisitu, kana tichikovana naye matambudziko, tichakovanawo naye kamu kubhwinya kwache.
18 Ndinoti kutambudzika kwedu kwamanji kunokodzeraba kuenzanisiwa nokubhwinya kuchanangidziwa kwatiri. 19 Nokuti chisikwa chese chidotomirira notarisiro yokuratidziwa kwovana vaMwari. 20 Ndava chisikwa chidondoisiwa pakuyaura icho chisingade, asi nokuda kwaiye adochiisa pakarepo notariro, 21 ndava icho chisikwa pachacho chichasununguriwa kubva pausungwa hwachene hwokuora chichiisiwa murusununguko rokubhwinya kwovana vaMwari. 22 Tinoziva kuti kusvikira zvino, chisikwa chese chiri kumimira nokudzimbiwa kunenge mukadzi ari kupona. 23 Nyhisikwaba basi, asi kana naiyesu tinozvibereko zvokuthanga zvoMweya, tiri kumimirawo kamu tidomirira kutohwa kwedu tichiitiwa vana, ndiko kusununguriwa kwomiviri yedu. 24 Ndava tidoponesehwa tariro yakareyo. Asi tariro inooneka itariroba yochaiyo peno. Ndava mbani angagurupire chaari kutoona kare? 25 Asi kana tichigurupira chatisinai, tinomirira nomwoyo murefu.
26 Nonzira ibodzi bodziyo Mweya anobatsira kusaya simba kwedu ndava tinozivaba manamatiro yatinofanira kumboita, asi Mweya pachake anotinamatira nokugomera kusingataurike nomashoko. 27 Pakare iye anonzvera mwoyo yedu anoziva kufunga kwoMweya, ndava Mweya anonamatira vatsvene nonzira inodiwa naMwari.
28 Pakare tinoziva kuti Mwari anoshanda muzvinhu zvese kuti zviitire zvidonaka vanomuda, vaadodaidza maererano nochinangwa chache. 29 Ndava avo Mwari vaadoziva kare ndivo vaadotemera kare kuti vafanane noMwanakomana wache, kuitira kuti Mwanakomana ave dangwe kuvana vamwe vese. 30 Ivovo vaadotemera ndivo kamu vaadodaidza, vaadodaidzavo ndivo kamu vaadoruramisa, vaadoruramisa ndivo kamu vaadokovera kubhwinya kwache.
31 Toti chii manje pazvakarezvi? Kana Mwari ari wedu mbani anotihwisa? 32 Iye asinai kana kurambira Mwanakomana wache, asi adomupereka nokuda kwedu tese, angareke tini kutipasawo zvinhu zvese pabodzi naye? 33 Mbani achanenera mhosva vasaruhwa vaMwari? Mwariyo ndiye anovaruramisa. 34 Mbani anotongesa? ndiKhirisitu Jesu uyo adopfa chere, inde, iyeyo adomutsiwa kuvadopfa, ari kujanja roruji raMwari, iye ari kutinamatira! 35 Mbani achatiparadzanisa norudo raKhirisitu? Ingave nhamu kana kuomehwa, kutambudziwa kana nzara, tsiku kana njodzi, kana hondo? 36 Sekunyohwa kwazvidoitiwa:
"Nondava yenyu tinotarisana noipfa zuva rese,
tinoitiwa kunge hwai dziri kuenda kobaiwa."
37 Neye, pazvinhu zvakarezvi zvese tiri vakundi zvidopindiridza kuburikidza naiye adotida. 38 Ndava ndinochokwadi kuti ingave ipfa kana upenyu, dzingave ngirozi kana vatongi, zvingave zvamanji kana zvinouya, kana masimba yapi zvayene, 39 kana zvidokwirira kana zvokugwiri, kana chimwewo chinhu pazvisikwa zvese, hapanai chinogona kutiparadzanisa norudo raMwari ruri muna Khirisitu Jesu Ishe wedu.