Publicidade

Romanos 9

Mwari noVanhu Vache

1 Ndinonyaira chokwadi muna Khirisitu, ndinobhwodokaba, nohana yangu inondipupurira muMweya Mutsvene, 2 ndinokusuwa kukurufuti uye kunetseka mumwoyo mangu hakupere. 3 Ndava ndingatoda zvangu kuti inipanoni ndive adoshurikidziwa uye kuti ndibisiwe pana Khirisitu nokuda kwohama dzangu panyama. 4 Ivo vaIzirairi vaadoita vana vache, kuvapinza muzvitenderano, achivanangidza kubhwinya kwache, nokuvapasa mutemo, ndivo vanonamata muimba yaMwari, pakare zvivimbiso zvaMwari ndivo vadozvipasiwa, 5 ndivo nzvahwa dzomadziteteguru yochiHebheru yanozikana, uye panyama Khirisitu adobva mavari, anova ndiye Mwari ari pamusoro pozvese, anokudziwe nokusingapere! Ameni.

6 Izvi zvinorevaba kuti shoko raMwari ridokundikana. Ndava havasi vese vadozvahwa naIzirairi vari maIzirairi. 7 Kana vadozvahwa naAbhurahamu, mbanaba vache vese, asi "Vana vako vachaverengewa pana Isaki." 8 Nokumwe kutaura, mbanaba vopanyama vanova vana vaMwari, asi vana vochivimbiso ndivo vanotohwa sevana vaAbhurahamu. 9 Ndava aya ndomataurihwo yoshoko rochivimbiso, "Panguwa idotahwa ndichadzoka, Ipopo Sara achava nomwana womukomana." 10 Ndizvoba zvega, asi novana vaRabheka kana zvache adoita vana nomurume mubodzi, ivo baba vedu Isaki, 11 mamhasa yasati yazvahwa futi vasati vaita chinhu chidonaka kana chidonyangara kuitira kuti chinangwa chaMwari chokusarura chimire, 12 aikona nomabasa asi naiye anodaidza, amai vavo vadoudziwa kuti, "Mukuru achashandira mudiki." 13 Semanyorehwo yazvidoitiwa, "Jakobho ndidomuda, asi Isau ndidomuzonda."

14 Ipopo tinoti chii napo? Ko Mwari anoenzanisaba nai? Neye, ndizvo rini! 15 Ndava kuna Mozisi anoti, "Ndichanzvira mutsa wandinenge ndanzvira mutsa, ndichaitira ngoni wandinenge ndanzvira ngoni." 16 Saka hazvinei nozvinodiwa nomunhu kana novavariro yache asi pamutsa waMwari. 17 Ndava pamusoro paFarao, Gwaro rinoti, "Ndidokugadza nochinangwa chakarechi, kuti mauri masimba yangu yaisiwe pachenu, nombiri yangu irehwe pasi pese." 18 Saka Mwari anoitira mutsa munhu waada kuitira mutsa, achipasa kuoma mwoyo waada kuti awome mwoyo.

Ukari noTsitsi dzaMwari

19 Umwe angati kwandiri, "Manje indava yei achidzoona mhosva? Pano anodzivisa zvaanoda chere?" 20 Asi iwepa munhu ndiwe yani kuti uite mhoka naMwari daipo? Anga chiumbwa chingati kumuumbi wachene, "Udondiumbirei daipano?" 21 Ko Muumbi wohari haanai nai kodzero yokuumba noivhu ribodzi bodziro mudziyo unokudziwa nousingakudziwe?

22 Ko kana Mwari, adoda kunangidza ukari hwache nokuita kuti masimba yache yazikane, nokunyanya kuitira mwoyo murefu midziyo yaadomwamwira yacho iyo idoitihwa kuparadziwa. 23 Kuitira kuti azivise pfuma yokubhwinya kwache kumidziyo yaadoitira mutsa, yaadogara wanhadzirira kare kubhwinya, 24 iyesu vaadodaidza, aikona kubva kuvaJudha basi asiwo kubva kuno vodzimwe Ndudzi? 25 Iyoyo ndomwenze manyairiro yanoitiwa naHosiya:

"Ivo vaye vanga vasiri vanhu vangu ndichavadaidza kuti ‘mbanhu vangu,’

naiye wanga asiri mudikani wangu ndichamuti ‘mudikani.’"

26 "Pakare zvichaitika kuti panzvimbo yakareyo pavaiitiwa, ‘Ndimiba vanhu vangu,’

vachadaidziwa kuti mbanakomana vaMwari mupenyu."

27 Pamusoro paIzirairi Isaya adosheedzera achiti: Kana nepo kuwanda kwaIzirairi kuchiita kunge jecha romunyasi mogungwa, vadosara basi ndivo vachaponesewa. 28 Ndava Ishe vachaita nokamangu zvavadoreva panyika nokuzvigumisa zvidozara." 29 Isaya adogara wanyaira zvibodzi bodzizvo paadoti, "Dai Mwari asinai kutisiira dzimwe nzvahwa, dai tidoita kunge Sodhoma, futi dai tidofanana noGomora."

vaIzirairi noVhangeri

30 Toti chii manje? Kuti vodzimwe Ndudzi vasinai kana nopavadotsvaga kururama, ndivo vadodzokutambira iko kururama kunouya nokutenda, 31 asi vaIzirairi vadotevera kururama kunouya nomutemo ndivo vadokusaya. 32 Sei? Ndava mutemoyo vadouteveraba nokutenda, asi vadouita kunge womabasa. Vadobva vaguhuniwa "noribhwe rinoguhuna." 33 Semanyorehwo yazvidoitiwa kuti,

"Nangara, ndiri kuisa muZioni ribwe

richaita kuti vanhu vaguhuniwe,

dombo richavambwedza.

Nouyo anotenda maari haanyadzisiwe."

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-16_18-40-07-