Publicidade

Romanos 2

Kutonga kwaMwari

1 Saka haunai chokunenera, iwepa munhu unotonga umwe, ndava chese chaunotongera umwe uri kutozvitonga wega, ndava iwepa unoisa mutongo unoita zvibodzi bodzi. 2 Zvino tinoziva kuti mutongo waMwari pamusoro paivo vanoita zvinhu zvakarezvi uri pachokwadi. 3 Saka iwe munhu unotonga vanoita zvakarezvo asi iwepa uchiitawo zvibodzi bodzizvo, unofunga kuti unopunyuka mutongo waMwari nai? 4 Kana kutoti uri kutozvidza pfuma yokunaka kwache, nomwoyo murefu wache usingazive kuti kunaka kwaMwari kunokutungamirira pakupinduka? 5 Asi nondava yomutindi wako nomwoyo wako usingapinduke, uri kuzvichengetera ukari pazuva roukari hwaMwari, pachanangidziwa kutonga kwache kwokururama. 6 Mwari achapasa munhu wese maererano nozvaadoita. 7 Avo vano mwoyo murefu pakuita zvidonaka ndivo vanotsvaga kubhwinya, kuremekedzewa nokusapfa, ndivo vaachapasa upenyu husingapere. 8 Asi vaye vanozvitsvagira zvavo vachiramba chokwadi nokutevera zvidoipa, vachaitihwa ukari nohasha. 9 Pachava nonhamu nokushupika kumunhu wese anoita zvidoipa, kuthanga nomuJudha kwodzouyawo vodzimwe Ndudzi, 10 asi kubhwinya, kuremekedzewa norunyararo kumunhu wese anoita zvidonaka, kuthanga nomuJudha, tevere wodzimwe Ndudzi. 11 Ndava Mwari haanai tsvete.

12 Vese vanotadza vasinai mutemo vachapararawo pasinai mutemo, novese vanotadza vari pasi pomutemo vachatongewa nomutemo. 13 Ndava havasi vaye vanonzva mutemo vadorurama pamberi Mwari, asi mbaye vanoteerera mutemo ndivo vachanzi vadorurama. 14 Ndizvo kuti vodzimwe Ndudzi, vasinai mutemo, kana muunhu hwavo vakaita zvinhu zvinodiwa nomutemo wava mutemo kwavari, kana nepo mutemo wacho vasinai, 15 sezvo vachinangidza kuti zvinodiwa nomutemo zvidonyohwa pamwoyo yavo, hana yavo ichivapupurira, nopfungwa dzavo dzichiti pamwe dzinovanenera mhosva pamwe dzinovareverera. 16 Zvakarezvi zvichaitika pazuva iro Mwari raachatonga zvidohwanzika zvovanhu kuburikidza naJesu Khirisitu, sezvinorehwa novhangeri rangu.

17 Zvino iwewe kana uchizvidaidza kuti muJudha, udotsamira pamutemo uchizvitutumadza nokuda kwoukama hwako naMwari, 18 uchiziva kuda kwache nokupatsanura zvidokodzera nondava yokuti udoraihwa nomutemo, 19 kana unochokwadi chokuti uri mutungamiri womarombe, nochiedza choavo vari murima, 20 murairiri womadzemwa, mudzidzisi wovana, ndava mumutemo muno zvese, ruzivo nochokwadi. 21 Zvino iwepa unodzidzisa vamwe, hauzvidzidzisewo nai? Iwepa unoparidza uchirambidza kuba, ndiwe womboba kamu? 22 Iwepa unoti vanhu havafanire kuita upombwe, ndiwe wombopomba kamu? Iwepa unosema zvifananidzo, ndiwe kamu unoba zvomuimba yaMwari? 23 Iwepa unozvitutumadza nokuda kwomutemo, ndiwe unozvidza Mwari nokuchora kwaunoita mutemo kamu? 24 Sekunyohwa kwazvidoitiwa kuti, "Zita raMwari rinoshohwa pakati povasiri maJudha nondava yenyu."

25 Kuchecheudziwa kudokosha kana uchichengeta mutemo, asi kana uchichora mutemo, wandoita kunge usinai kuchecheudziwa. 26 Kana vasinai kuchecheudziwa vakachengeta zvinodiwa nomutemo, vangareke nai kutohwa kunge vaye vadochecheudziwa? 27 Munhu asinai kuchecheudziwa panyama asi achiteerera mutemo achakupasa mhosva iwewe udochecheudziwa uye uno chinyohwa, asi uchichora mutemo. 28 Munhu haasi muJudha kana uJudha hwache huri hwokunze basi, nokuchecheudziwa hakusi iko kana kuri kwonyama, kwokunze. 29 MuJudha nguye ari muJudha mukati, nokuchecheudziwa nghuye kwomwoyo kunoitiwa pamweya aikona kwochaiko. Kurumbidziwa kwomunhu adodai kunobvaba kuvanhu asi kuna Mwari.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-15_21-32-39-