1 Nokudaro nokuruvirai hama dzangu nomutsa waMwari kuti mupereke miviri yenyu sechibairo chipenyu, chitsvene, chinofadza Mwari kwakareko ndiko kunamata kwenyu kwopamweya. 2 Rekai kumbofanana nonyika ino, asi sanduhwai kuburikidza nokuvandudza mufungo wenyu, kuti mukwanise kuraidza nokuziva kuda kwaMwari kudonaka, kunofadza, kudokwana.
3 Nonyasha dzandidopasiwa, ndinoti kwamuri mese: Reka kumbozviona kunge wopamusoro kupinda zvauri, asi nopfungwa dzidopengenuka, uone zvinoenderana nochikero chokutenda kwaadopasiwa naMwari. 4 Sezvatidondoita kuti tinomuviri mubodzi unonhengo dzidowanda, nhengo dzakaredzo dzese dzinoitaba basa ribodzi, 5 saka nesuwo muna Khirisitu nokuwanda kwedu daipo tiri muviri mubodzi, uye nhengo yega yega njodzimwe nhengo. 6 Tino zvipo zvidosiyana maererano nonyasha dzatidopasiwa. Kana chipo chomunhu chiri chokuporofita, mbaaporofite zvinoenderana nokutenda kwake. 7 Kana kuri kushanda, mbaashande, kana kuri kudzidzisa mbaadzidzise, 8 kana kuri kukurudzira, mbaakurudzire, kana kuri kubatsira vanosaya, mbaapereke achida, kana kuri kutungamirira, mbaatosimba, kana kuri kuitira tsitsi vamwe, mbaamboita adofara.
9 Rudo mbarive rudoperera. Zondai zvidoipa, mubatirire pano zvidonaka. 10 Sehama nohama, zvipei pakuitirana rudo. Remekedza abiyako kukunda kuzviremekedza kwaunoita. 11 Rekai kumboita makhato, asi pisai pamweya, itai shungu dzokushandira Ishe. 12 Farai patariro, muite mwoyo murefu mumatambudziko, mutendeke paminyengetero. 13 Koveranai novanhu vaMwari vanosaya. Mbobatai mushe varendo.
14 Ropafadzai vanokutambudzai, ropafadzai rekai kuvashurikidza. 15 Vanofara, faraiwo navo, novanorira, riraiwo navo. 16 Garai muchiwirirana. Rekai kuzvikudza, asi idai kufambidzana novanhu vadoderera. Rekai kuzviona kunge mudochenjera.
17 Rekai kumbodzotsera chidoipa nochidoipa. Tsvagai kuita zvidonaka pamberi povese. 18 Pazvinokwanisika pese, garai murunyararo nomunhu wese. 19 Rekai kutsiva vadikani, asi siirai nzvimbo ukari hwaMwari, ndava zvidonyohwa kuti, "Kutsiva mhwangu, ndicharipira," ndizvo zvinoreva Ishe. 20 Panzvimbo yokutsiva, "Kana muvengi wako wapfa nonzara, mupase chokuja, kana waanonyota, mupase chokumwa. Mukaita daro munovatsvonda nomoto wonyadzi." 21 Rekai kumbokundiwa nozvidoipa, asi kundai zvidoipazvo nozvidonaka.