1 Saka chii chiyamuro chokuva muJudha? Kana iko kuchecheudziwako kudokoshei? 2 Zvidotowanditsa pazvese! Chokuthanga nyhokuti vaJudha vadovimbiwa navo kuti mbachengeti vomashoko yaMwari. 3 Ko kana pakati pavo varipo vasinai kutendeka? Kusaya kutendeka kwavo kungasaise basa kutendeka kwaMwari nai? 4 Mukho: Mwari ndiye mbaave chokwadi, munhu wese ave womabhwodo, Semanyorehwo yazvidoitiwa,
"Kuti muve mudokohoroka mumashoko yenyu,
Pakamu pese pamunenge motongewa, mukomwese."
5 Ko kana kudzonga kwedu kuchinyanya kuisa pachenu kukohoroka kwaMwari, tinopati chii ipopo? Mwari anenge watsveyamisa nai pakutiranga? Ikoku kundonyairawo semunhu. 6 Mukho: anga zvikadaro nyika ingatongewe tini naMwari?
7 Umwe angati, "Manje kana chokwadi chokubhwinya kwaMwari chichiingidzihwa nomabhwodo yangu, indava yei ndichitongewa kuti ndiri mutadzi? 8 Tinorekerei kuti, ‘Mbatiitei zvidoipa kuti zvidonaka zviuye,’ sezvinonyaihwa novashori? Kutongewa kwavo kudokodzera.
9 Kuti chii? Isisu vaJudha tiri hasa pana ivo? Neye, kana nopadiki, ndava tanangidza kare kuti vaJudha novodzimwe Ndudzi, vese vari muzvitema, 10 Sekunyohwa kwazvidoitiwa:
"Hapanai adokohoroka kana nomubodzi,
11 Hapanai anonzvitsitsa,
hapanai anotsvaga Mwari.
12 Vese vadotsambuka,
vese vandova chinhu chisinai nokabonyo kese,
hapanai anoita zvidonaka, kana nomubodzi wese.
13 "Kagurokuro kavo iguwa ridoshama,
turimi tavo tunoshanda kunyengera,"
"Nduru yanyakungu iri pamiromo yavo."
14 "Mukamwa mavo mudozara kurengerera nokuchochora."
15 "Tsoka dzavo dzinomhanyira kodurura gazi,
16 kuparadza nokubonera ndizvo zviri munzira yavo,
17 nonzira yorunyararo vanoizivaba.
18 "Kucha Mwari hakupo mumaziso mavo."
19 Zvino tinoziva kuti chipi nochipi chinorehwa nomutemo chinoudziwa ivo vari pasi pomutemo, kuti miromo yese inyaradziwe, nonyika yese ive pasi pokutonga kwaMwari. 20 Ndava hapanai munhu achanzi adorurama pamberi paMwari zvichibva pakuchengeta mutemo, asi kutoti, kuburikidza nomutemo tinopinziwa pakuziva chitema.
21 Asi kururama kwaMwari kusingabve pamutemo kudozivisiwa, kuchipupurihwa nomutemo novaporofiti. 22 Kururama uku kunobva kuna Mwari kunouya kuburikidza nokutenda muna Jesu Khirisitu kunovese vanotenda. Ndava hakusiyanisi, 23 Nokuti vese vadotadza vadoperevera kusvika pakubhwinya kwaMwari. 24 Vanondoruramisiwa mahara nonyasha kuburikidza nokununura kuri muna Khirisitu Jesu. 25 Mwari adomupereka kuti nogazi rache ave chibairo chokuregerehwa kwozvitema kunotambihwa nokutenda. Adoita izvozvo kuti anangidze kururamisa kwache, ndava pamwoyo murefu woumwari hwache, adorekera kuranga zvitema zvidotadziwa kare. 26 Adozviitira kuti anangidze kururamisa kwache panguwa ino, uye kuti iye pachake adorurama futi ndiye mururamisi waivo vanotenda muna Jesu.
27 Zvino kuzvikudza kwedu kuri poi? Kwabisiwa. Nokuda kwomurau upi? Wokuita mabasa yomutemo chere? Neye, asi wokutenda. 28 Ndava tinobatirira pakuti munhu anoruramisiwa nokutenda pasinai mabasa yomutemo. 29 Anga iye Mwariyo ngwovaJudha vega vega? Haasi Mwari wodzimwewo Ndudzi nai? Hinde, ndiMwari wodzimwewo Ndudzi kamu. 30 Sezvo kuchindova naMwari mubodzi, anoruramisa vadochecheudziwa novasinai, nokutenda kubodzi bodziko. 31 Anga zvino tinotaya mutemo nondava yokutendako? Nenene kana nopadiki! Asi kutoti tinosimbisa mutemo.