Publicidade

Romanos 10

1 Hama dzangu muditsitsiro wandinoita vanhu vokwangu ivo vaIzirairi kuti vaponesewe, ndinotovanamatira kuna Mwari. 2 Ndava ndinovapfakazira kuti vanoshungu dzokushandira Mwari, asi shungu dzavo hadzibve paruzivo. 3 Nondava yokusaziva kururama kwaMwari, vadobva vazvitsvagira kururama kwavo, ndokutadza kuzviisa pasi pokururama kwaMwari. 4 Ndava Khirisitu ndiye kugon’a kwomutemo kuitira kuti pave nokururamisiwa kwovese vanotenda.

Ruponiso ndoVanhu Vese

5 Mozisi adonyora zvonzira yokururamisiwa kunoitiwa nomutemo, "Munhu anoita zvinhu zvakarezvi achararama nazvo." 6 Asi kururama kudotsamira pakutenda kunoti, Reka kumboti mumwoyo mako, "Mbani achakwira kudzuru?" (Ndiko kuti atiburutsire Khirisitu). 7 Kana kuti, "Mbani achaburukira kugwiri?" (Ndiko kuti atibiritsire Khirisitu kubva kuvadopfa). 8 Asi kunoti chii? Shoko riri papfupi naiwewe, riri pamuromo pakopo nomumwoyo mako (ndiro shoko rokutenda ratinoparidza). 9 Nokuti kana uchipupura nomuromo wako kuti Jesu ndiye Ishe pakare uchitenda mumwoyo mako kuti Mwari adomumutsa kubva kuvadopfa, uchaponesewa. 10 Ndava unotenda nomwoyo ndokuti ururamisiwe, pakare unopupura nomuromo wako woponesewa. 11 Rugwaro rinoti, "Hapanai anotenda maari anodzonyadzisiwa." 12 Ndava hapanai musiyano pakati pomuJudha nowodzimwe Ndudzi, Ishe mubodziyo ndiye Ishe wavo vese, anopasa pfuma yache vese vanodaidza kwaari. 13 Ndava, "wese anodaidza zita raIshe anochidziwa."

14 Anga zvino vanodaidza tini kuna iye wavasinai kutenda kwaari? Pakare vangatende tini muna iye wavasinai kunzva? Ko iko kunzvako vanonzva tini pasinai wavaparidzira? 15 Anga vangaparidze tini pasinai wavatuma? Sekunyohwa kwazvidoitiwa, "Manakiroba peno yadzene tsoka dzinouya nonyaya dzidonaka!" 16 Manje havazi vese peno vadotambira nyaya dzidonaka. Ndava Isaya anoti, "Ishe mbani adotenda zvaadonzva kwatiri?" 17 Sezvo kutenda kuchiuya nokunzva, nokunzva kunouya nokuparidziwa kwaKhirisitu.

18 Manje ndinobvunza: Vadonzvaba chere? Vadonzva, hinde:

"Mazvi yavo yadosvika pasi pese,

Nomashoko yavo yadonzvika kumugumo wonyika."

19 Ndinobvunza kamu: Ko vaIzirairi vadonzvitsitsaba? Kuthanga Mozisi anoti,

"Ndichakunzvisai chanje

novasiri rudzi,

Ndichakunzvisai ukari

norudzi rusinganzvitsitse."

20 Pakare Isaya anoshinga kuti,

"Ndidowaniwa novasinai kunditsvaga,

Ndidozvinangidza kuno vanga vasingandibvunze."

21 Asi pamusoro povaIzirairi anoti, "Ndidosvera zuva rese ndidotambanudza manja yangu kuvanhu vasingateerere novanopikisa."

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-15_21-32-39-