Pular para o conteúdo
Publicidade

10 Milagres de Jesus na Bíblia: Lista com versículos e explicação

Por Bíblia Online

Os milagres de Jesus são muito mais do que demonstrações de poder sobrenatural; eles são sinais que confirmam sua divindade e missão. Ao longo dos Evangelhos, vemos Cristo curando enfermos, dominando a natureza e vencendo a morte.

Neste guia, selecionamos 10 milagres de Jesus na Bíblia, organizados com referências e uma breve explicação sobre o impacto espiritual de cada um deles.

Os principais milagres de Jesus nos Evangelhos

1. Transformação da Água em Vinho

  • Referência: João 2:1-11

  • Explicação: Ocorreu nas Bodas de Caná. Sendo o seu primeiro milagre público, Jesus demonstrou autoridade sobre a matéria e a natureza, revelando sua glória aos discípulos e abençoando a instituição da família.

Muchato kuKana romuGaririya

Pazuva rochitatu kudoitika muchato kuKana romuGaririya. Amai vaJesu vanga variko, futi Jesu novadzidzi vache vanga vakokewawo kumuchato wakareyo. Waini paidopera, amai vaJesu vadomunyepa vachiti, "Havachinai waini."

Zvino Jesu adoti kwavari, "Nai amai, munoda kuti ndiitei nazvo? Nguwa yangu hainati yasvika." Amai vache vadobva vanyairira vashandi vachiti, "Itai zvese zvaanokunyepai."

Zvino pakarepo panga padogadzikiwa makhate yomabhwe matanhatu, nochikonzero chotsika yokuzvinatsa kwovaJudha. Gate ribodzi raipinda marita yangasvike zana. Jesu adoti kuvashandi, "Zazai makhate yakareya nomvura." Vashandi vadobva vayazaza kuti punumunu. Adodzoti kwavari, "Chitekai muende kopasa mukuru womutambo." Ivo vadobva vaita zvakarezvo. Mukuru womutambo paadoraidza mvura yanga yava waini. Adozivaba kwayanga yabva asi vashandi, vanga vateka mvura ndivo vaiziva. Mukuru womutambo adodaidza murume waichata ndokuti kwaari, "Munhu wese anothanga kukovera waini idonaka, kana vaphunga vakorewa, wodzovapasa waini yomaruhwi. Asi iwewe wanga udondochengeta waini idonaka kusvika manje!"

Chakarechi nyhiratidzo chokuthanga, chidoitiwa naJesu paKana roGaririya. Paadonangidza kubhwinya kwache vadzidzi vache vadotenda kwaari.

2. Cura do cego de nascença

  • Referência: João 9:1-12

  • Explicação: Jesus usa lodo para curar um homem que nunca havia enxergado. Este milagre prova que Ele é a Luz do Mundo e tem poder para restaurar o que nasceu com defeito.

Jesu Anoporesa Murume Adozvahwa ari Rombe

Paanga achitekaira, adoona murume adozvahwa ari rombe. Vadzidzi vache vadomubvunza kuti, "Mudzidzisi, ko mbani adotadza, murume wakareyu kana kuti vabereki vache, zvidoita kuti azvariwe ari rombe?"

Jesu adovapindura kuiti, "Ndizvoba kuti murume iyeyu adotadza, kana kuti mbabereki vache, asi kuti mabasa yaMwari yaoneke maari. Tinofanira kuita mabasa yoadondituma kuchiri kweru daipa, usiku huri kuuya, ipopo hapanai anodzokona kushanda. Ndichiri munyika, ndiri chiedza chonyika."

Paadonyaira zvakarezvo, adosvipira mathe pasi ndokukanya tumatope nayo, achiparanga mumaziso yorombe, achiti kwaari, "Enda koshamba mugambwa rinoitiwa Siromi" (zvinoreva kuti kutuma). Saka adoenda ndokushamba, ndokudzoka waakuona.

Vavakidzani novadombomuona kare achiri kuita zvokupemha vadoti, "Iyeyu ndiyeba nai munhu waigara achikumbira kare?"

Vamwe vadoti, "Ndiyeyu," vamwewo ndokuti, "Neye, vadondofanana." asi iye waimbondoti, "Ndini." Vadoramba vachindomubvunza vachiti, "Naiwe, meso yako yadovhurika tini?"

Iye adovapindura achiti, "Murume anoitiwa Jesu adokanya tumatope ndokuparanga mumaziso mangu achinditi, Enda kuSiromi koshambasaka ndidoenda ndokubva ndaakuona."

Vadoti kwaari, "Ari poi?"

Iye adopindura achiti, "Handizive."

3. Multiplicação dos pães e peixes

  • Referência: Mateus 14:13-21

  • Explicação: Com apenas cinco pães e dois peixes, Jesus alimentou mais de 5 mil homens. Este sinal revela Cristo como o Pão da Vida, aquele que supre todas as nossas necessidades.

Jesu Anoposha Zviuru Zvishano

Zvino Jesu paadonzva zvidoitika, adobirika pakarepo ari mukamwadiya achienda kunzvimbo yache wega. Asi gurusvusvu paridozvinzva, ridomutevera notsoka richibva mumaguta. Jesu paadobirika mukamwadiya achiona gurusvusvu, adorinzvira tsitsi, ndokuporesa vanga vachihwara.

Yava mauro, vadzidzi vadouya kwaari vachiti, "Muno musango, zuva radoka, kototsai vanhu vaende kumisha kozvitengera zvokuja."

Jesu adoti, "Havafaniri kuenda, imimi vapasei zvokuja zvacho."

Vadoti kwaari, "Pano tinondova nomazingwa mashano nohove dziiri basi."

Iye adoti, "Uyai nazvo kuno kwandiri." Ipopo adoraira gurusvusvu kuti rigarikike pasi pausva, adotora mazingwa mashano nohove dziiri ndokunangara kudzuru, achizvikomborera, adozvikomora ndokuzvipasa vadzidzi vache, vadzidzi ndokuzvipasa gurusvusvu. Vese vadoja vachiguta. Vadodzounganidza zvimepfu zvidosara ndokuzaza tsvanda gumi nodziiri. Vadoja vacho vaisvika zviuru zvishano zvovanhurume, pasingaverengewe vanhukadzi novana.

4. Jesus acalma a tempestade

  • Referência: Marcos 4:35-41

  • Explicação: Com uma ordem, o vento e o mar se aquietam. O milagre ensina sobre a paz que excede o entendimento e a autoridade do Messias sobre a criação.

Jesu Anodekhadza Duthu noGungwa

Mauro yozuva rakarero adovanyepa achiti, "Mbatiyambukirei kumhiri kurimwe divi." Nokudaro vadosiya gurusvusvu rovanhu, ndokuenda naye nokamwadiya sezvaanga ari, panga pano tumwewo tumwadiya twanga turi papfupi naye. Zvino duthu rikuru ridomuka, mapfeni yomvura yadothanga kupinda mukamwadiya, zvokuti kanga kaakutozara. Asi iye wanga adoenzera, adotsamira pamutsago kumasure kwokamwadiya. Ipopo vadomumutsa vachiti, "Mudzidzisi, hamunai hanya nai kuti taakupfa?"

Iye adomuka ndokubva wadzuma duthu, ndokukaruza gungwa achiti, "Dekhadzika urose!" Ipopo duthu ridomira, ndokubva kwadekhara. Adobva wati kwavari, "Indava yei muchicha zvidodai, hamunai kutenda nai?"

Ipopo vadocha zvidokungudza ndokubva, vanyairirana vachiti, "Anga munhu wakareyu mbani, anototeerehwa noduthu nogungwa?"

5. Cura da mulher com fluxo de sangue

  • Referência: Marcos 5:25-34

  • Explicação: Uma cura que aconteceu pelo toque da fé. Jesus mostra que está atento ao sofrimento individual e que a fé é o canal para receber o milagre.

Umwe mukadzi waibirika gazi kwomakore gumi nomairi, wanga watambudziwa pakurapiwa kwaaiitiwa non’angaanga dzidosiyana siyana, nangwesa kwaitova kutaya pfuma yache, pasinai chaimuyamura asi kutoingidzihwa utenda hwache. Paadonzva nozvaJesu adouya nokumasure ndokubata jasi rache. Ndava adofunga kuti, "Ndikandobata mbacha dzache basi ndinochira."

Kabodzi nokabodzi gazi ridobva ragwata kubirika, achibva wanzva kuti watopora padenda rache. Pakarepo Jesu adonzvirafuti kuti simba rache rabirika maari, ndokubva wachungunuka mukati mochaunga achiti, "Mbani wabata mbacha dzangu?"

Vadzidzi vache vadoti kwaari, "Murikuona vanhu vazinji vadokusvanikidzai, imimi ndopomoti, Mbani wandibata?"

Asi Jesu adoramba achinangara nangara kuti aone wanga wamubatayo. Mukadzi achiziva zvanga zvaitika kwaari adotetemera nokucha ndokuuya achiwira pasi pamberi paJesu achimuudza chokwadi chese. Ipopo Jesu adoti kwaari, "Mwanasikana kutenda kwako kwakuporesa. Enda zvako norugare, usununguke kubva padambudziko rako."

6. Libertação do endemoninhado Gadareno

  • Referência: Marcos 5:1-20

  • Explicação: Jesus liberta um homem dominado por uma legião de espíritos. É a prova clara de sua autoridade absoluta sobre o reino das trevas.

Jesu Anoporesa Murume anoMweya Udoipa

Zvino vadosvika kumhiri kwogungwa munyika yovaGarasa. Jesu paadobirika mukamwadiya, adokumana nomunhu wanga adogahwa nomweya udoipa murume wakareyo waigara mumakuwa. Hapanai wanga achakona kumusunga, kana nongetani chaidzo. Kazinji waisungiwa nongetani manja nomakumbo, asi waidzigwata dzese. Hapanai munhu wanga anosimba rokumudekhadza. Waigara mumakomo nomumanda masikati nousiku, achikuwa nokuzvisvurungunda nomabhwe.

Paadondoona Jesu ari kurefu adomumhanyira ndokuwira pasi pamberi pache. Adokuwa nodzinga ropamusoro achiti, "Chii chamunoda kwandiri, Jesu Mwanakomana waMwari Wokumusorosoro? Ndinokukumbiritsai muzita raMwari kuti mureke kundidzudza." Ndava Jesu wanga wati kushave, "Birika maari, iwe mweya udoipa!"

Jesu adomubvunza achiti, "Zita rako ndiwe yani?"

Iye ndokuti, "Rigiyoni, ndava tidowanditsa." Mweya udoipa udokumbira Jesu kuti areke kuidzinga munyika yakareyo.

Zvino papfupi nopakarepo panga pano boka rikuru rohumba dzanga dzichifura mumhera mogomo. Saka mweya idoipa idomukumbira ichiti, "Tiendesei kuhumba idzo mutisiye tichipinda madziri." Iye adoibvumira. Ipopo mweya idoipa idobirika ndokupinda muhumba dzaitosvika zviuru zviiri. Dzidotizirana kumapiripiri dzichichudumukira mugungwa dzichipfira makaremo.

Anyakabusa vohumbadzo vadobva vatizirafuti vachienda koudza vanga vari muguta nomumisha. Ivo vadobirika vachienda koona zvanga zvaitika. Vadosvika panga pana Jesu ndokuona murume uye anga adogahwa nomweya idoipa adogarikika, adotosimira, watokohoroka pfungwa, izvozvo zvidovachisa. Vaye vadoona muitikiro wazvene vadovanyepa zvidoitika kumurume wakareyo nokuhumba dzakaredzo.

Ivo vadothanga kukumbira Jesu kuti abirike zvache mudunhu ravo.

Jesu paadopinda mukamwadiya murume anga ano mweya idoipa adokumbira kuendawo naye.

Zvisinei, Jesu adomurambira, asi adoti kwaari, "Enda kumba kuhama dzako wovaudza zvomutsa waMwari nozvinhu zvikuru zvaakuitira."

Nokudaro murume adobva waenda ndokuthanga kuzivisa vanhu vomuDhikapori, zvaanga waitihwa naJesu. Vese vadoshamisiwa nazvo.

7. Ressurreição da filha de Jairo

  • Referência: Marcos 5:21-43

  • Explicação: Jesus demonstra que a morte para Ele é como o sono. Ele restaura a vida de uma criança, trazendo esperança para uma família desesperada.

Mwanasikana waJairosi noMukadzi Adobata Mukombero waJesu

Jesu adoyambuka kamu gungwa achidzoka kumhiri, vanhu vazinji vadoungana kwaari panyasi pogungwa. Ipopo umwe wovatungamiri vosinagoge waiitiwa Jairosi, paadoona Jesu, adozvikhandira pasi pamberi potsoka dzache. Adomuteterera achiti, "Mwanasikana wangu waakutoda kupfa. Uyai mumuturike ruoko renyu pamusoro kuti achire."

Ipopo Jesu adoenda naye, vanhu vazinji vadomutevera vachimusvanikidza.

Umwe mukadzi waibirika gazi kwomakore gumi nomairi, wanga watambudziwa pakurapiwa kwaaiitiwa non’angaanga dzidosiyana siyana, nangwesa kwaitova kutaya pfuma yache, pasinai chaimuyamura asi kutoingidzihwa utenda hwache. Paadonzva nozvaJesu adouya nokumasure ndokubata jasi rache. Ndava adofunga kuti, "Ndikandobata mbacha dzache basi ndinochira."

Kabodzi nokabodzi gazi ridobva ragwata kubirika, achibva wanzva kuti watopora padenda rache. Pakarepo Jesu adonzvirafuti kuti simba rache rabirika maari, ndokubva wachungunuka mukati mochaunga achiti, "Mbani wabata mbacha dzangu?"

Vadzidzi vache vadoti kwaari, "Murikuona vanhu vazinji vadokusvanikidzai, imimi ndopomoti, Mbani wandibata?"

Asi Jesu adoramba achinangara nangara kuti aone wanga wamubatayo. Mukadzi achiziva zvanga zvaitika kwaari adotetemera nokucha ndokuuya achiwira pasi pamberi paJesu achimuudza chokwadi chese. Ipopo Jesu adoti kwaari, "Mwanasikana kutenda kwako kwakuporesa. Enda zvako norugare, usununguke kubva padambudziko rako."

Achiri kutaura daipo, vamwe vadobva kumba kwomukuru wosinagoge ndokuti, "Mwanasikana wenyu wapfa, muchashupireiko Mudzidzisi?"

Jesu haanai kuita basa nozvavadotaura, ndokuti kumukuru wosinagoge, "Reka kucha ndotenda basi." Ipopo adobvumiraba munhu kumutevera kusara kwaPita, Jakobho naJohwani mwanabiyache. Paadosvika kumba kwomukuru wosinagoge, adoona vanhu vachirira maundu, nokubvumvurika nokuridza mhere. Adopinda ndokuti kwavari, "Munoitireiko mhere idodai muchirira? Mwana haanai kupfa asi adoenzera."

Vadomuseka. Asi Iye adovabiritsa vese achitora baba namai vomwana novaadouya navo, ndokupinda navo mukamuri yanga idoradzikiwa mwana. Adobata ruoko romusikana achimumutsa achiti kwaari, "Tarita kumi," ndokuti, musikana ndinoti kwauri muka.

Kabodzi nokabodzi musikana uye ndiye khwakhwanyaku kumuka nokutekairirafuti, ndava wanga watova nomakore gumi nomairi. Vadoshamisiwa nazvo zvokutosaya nochokunyaira chese. Ipopo adovakohomedza achiti damba wamaudza, ndokuvaudza kuti vamupase chokuja.

8. Jesus anda sobre as águas

  • Referência: Mateus 14:22-33

  • Explicação: Ao caminhar sobre o Mar da Galileia, Jesus mostra que não está sujeito às leis da física. O episódio também serve para tratar a fé e a dúvida no coração de Pedro.

Jesu Anotekaira Pamusoro poMvura

Pakarepo Jesu adoita kuti vadzidzi vache vapinde mukamwadiya vamuthangire kuenda kumhiri, iye ndokusara achikototsa gurusvusvu rovanhu. Wapedza kukototsa zvaunga, adokwira mugomo ari wega konamata. Yava mauro, wanga ari wega makaremo, asi panguwa yakarei kamwadiya kanga katoita huri kubva panyika, kachitadzisiwa nomasaisai, ndava duthu raihwisana navo.

Kwaakuchena adouya kwavari, achitekaira pagungwa. Asi vadzidzi pavadomuona achitekaira pamusoro pomvura mugungwa, vadocha vachiti, "Nyhipoko!" vadobva varidza mhere nokucha.

Asi nokamangu adonyaira kwavari achiti, "Batai hana, ndini, rekai kucha."

Zvino Pita adomupindura, "Ishe kana muri imimi, ndiudzei ndiuye kwamuri pamusoro pomvura."

Adoti, "Uya." Ipopo Pita adobva wabirika mukamwadiya achitekaira pamusoro pomvura kuuya kuna Jesu. Asi paadoona mhepo, adocha, ndokuthanga kunyura achibva wadaidzira achiti, "Ishe ndiponesei."

Nokamangu Jesu adotambanudza ruoko rache ndokumubata, achiti kwaari, "Naiwe nyakutenda kudiki, watsakidzireiko?"

Pavadopinda mukamwadiya, duthu ridorosa. Vaiva mukamwadiya vadomunamata vachiti, "Chokwadi muri Mwanakomana waMwari."

9. Cura do paralítico

  • Referência: Marcos 2:1-12

  • Explicação: Jesus cura o corpo, mas primeiro perdoa os pecados. Este milagre estabelece que sua missão principal é a reconciliação espiritual do homem com Deus.

Jesu Anoporesa Murume Adotonhora Nhengo

Kwapera mazuva mashoma adounza pakamu kuKaperenaume. Vanhu vadonzva kuti ari pamumba. Vadoungana vadowanditsa zvokutadza kukwana mumba, vadotadza kukwana nopachivanze, iye adovaparidzira Shoko. Zvino varume vanai vadouya kwaari vadotembedzana murume wanga adotonhora nhengo. Pavadotadza kusvika papfupi naye nokuda kwomhomho yovanhu, vadonyandanura denga roimba yakareyo panga padonangana naJesu. Vadobva vadzikisa mukhangara waiva nomuhwere wavo. Jesu paadoona kutenda kwavo, adoti kuno adotonhora nhengo, "Mwanakomana wangu, zvitema zvako zvaregerehwa."

Zvino vamwe vanyori vanga vadogarikika makaremo vadonyairira mumwoyo yavo vachiti, "Seiko munhu wakareyu achinyaira zvidodai? Nghutoshora Mwari kwakareku! NdiMwari basi anokona kuregerera zvitadzo peno!"

Pakarepo Jesu adobva wazivirafuti mumweya mache kuti vari kufunga zvakarezvi mumwoyo yavo, adobva wati kwavari, "Muri kufungireiko zvidodarozvo mumwoyo menyu? Nzvipi zvidopusa kuti kumurume adotonhora nhengo, Zvitema zvako zvaregerehwa,kana kuti, Sumuka, tora bonde rako, utekaire?Manje kuti muzive kuti Mwanakomana woMunhu anomasimba panyika yokuregerera zvitema," adoti kumurume adotonhora nhengo, "Ndinoti kwauri, sumuka, tora bonde rako uende kumba kwako!"

Adosumuka ndokuhwengeratu bonde rache achibirika vadomunangara vese. Vese vadoshamisika ndokurumbidza Mwari vachiti, "Zvidodaizvi hatinati tazviona."

10. Ressurreição de Lázaro

  • Referência: João 11:1-44

  • Explicação: O milagre mais impactante antes da crucificação. Ao ressuscitar alguém morto há quatro dias, Jesus declara: "Eu sou a ressurreição e a vida".

Ipfa yaRazaro

Zvino umwe murume waiitiwa Razaro wanga achihwara, waibva kuBhetani, musha waMariya, mukoma nomunin’ina naMarita. Uyu ndiye uye Mariya wokuzora Ishe mapfuta achipukuta tsoka dzaIshe nobvudzi rache, ndiye wanga anohanzvadzi yaihwara, yaiitiwa Razaro. Saka hanzvadzi dzaRazaro dzidotumira shoko kuna Jesu dzichiti, "Ishe, uyeuye wamunoda wahwara." Asi Jesu paadozvinzva adoti, "Kuhwara kwakareku hakusi kwoipfa, ndokwokuitira kuti Mwari akudziwe kuitira kuti Mwanakomana waMwari akudziwe nako" Zvino Jesu waida Marita naMariya, naRazaro wacho. Saka paadonzva kuti Razaro wahwara, adoita mazuva mairi adondogara panzvimbo yaanga ari. Mumasure mozvakarezvo adoti kuvadzidzi vache, "Mbatiendei kuJudhiya pakare."

Vadzidzi vadoti kwaari, "Mudzidzisi, vaJudha vanga vachida kukutemai nomatombo, asi manje maakuenda kwakarekuye pakare?"

Jesu adovapindura achiti, "Pazuva hapanai maawa gumi nomairi nai? Kana umwe munhu akatekaira masikati, haagwetsewe, ndava anovhenekehwa nochiedza chonyika. Asi kana munhu akatekaira usiku, anogwetsewa, ndava haanai chiedza." Wanyaira deipo, ndokudzoti kwavari, "Shamwari yedu Razaro waenzera, asi ndinoenda komumutsa." Vadzidzi vadoti kwaari, "Ishe, kana waenzera, achapora." Zvino Jesu wanga wanyaira zvoipfa yaRazaro, asi ivo vadofunga kuti waireva zvokundozorora adoenzera zvache. Saka Jesu adodzovanyairira zviri pachenu, "Razaro wapfa, futi nokuda kwenyu ndinofara kuti ndanga ndisipo, kuitira kuti mutende. Asi mbatiendei kwaari."

Thomasi, waiitiwa womamhasa adoti kuno vadzidzi biyache, "Tiendeiwo naye, kuti tipfe pabodzi naye."

Jesu Ndiye Kumuka Noupenyu

Zvino Jesu paadosvika, adowana Razaro watoisiwa muguwa, patova nomazuva manai. Bhetani ranga riri papfupi nokuJerusarema, kudondoita makhiromita matatu, vaJudha vazinji vanga vaenda kuna Marita naMariya kobata maoko nokuda kwomayanga yohanzvadzi yavo.

Marita paadonzva kuti Jesu wanga achiuya, adoenda kokumana naye, asi Mariya adoramba adogara mumba. Marita adoti kuna Jesu, "Ishe, dai manga muri pano, hanzvadzi yangu yaipfaba. Asi naipopa ndinoziva kuti chese chamunokumbira kuna Mwari, Mwari anokupasai."

Jesu adoti kwaari, "Hanzvadzi yako ichamuka pakare."

Marita adoti kwaari, "Ndinoziva kuti achamuka pakare pakumuka kwozuva rokupedzisira."

Jesu adoti kwaari, "Ndini kumuka noupenyu; uyo anotenda kwandiri, kana akapfa, asi achararama, futi wese mupenyu anotenda kwandiri achapfaba. Unozvitenda chere?" Adoti kwaari, "Hinde, Ishe, ndinotenda kuti ndimi Khirisitu, Mwanakomana waMwari, ari kuuya panyika."

Jesu Adorira

Paadonyaira zvakarezvo adoenda kodaidza Mariya mukoma nomunin’ina naye, achimuti nokazevezeve, "Mudzidzisi ari pano, futi ari kukudaidza." Paadondozvinzva izvozvo, adosumuka nokamangu ndokuenda kwanga kuna Jesu. Zvino Jesu wanga asati wapinda mumusha, asi wanga achiri panzvimbo yaadosangana naMarita. VaJudha vanga vanaye mumba, vachimunyaradza, vadoona Mariya achisumuka kamangu achibirika, vadomutevera vachifunga kuti wanga achienda kuguwa korira ari ikoko.

Zvino Mariya paadosvika panga pana Jesu achimuona, adopfugama pasi pamberi potsoka dzache achiti kwaari, "Ishe, dai manga muri pano, hanzvadzi yangu yaipfaba."

Zvino Jesu paadomuona achirira, pabodzi novaJudha vaadouya navo, adodzamihwa mumweya wache ndokushushikana, futi adodzoti, "Mudomuviga poi?" Vadoti kwaari,

"Ishe, uyai muone."

Jesu adorira. Saka vaJudha vadoti, "Onai kuti waimuda sei!"

Asi vamwe vavo vadoti, "Wakareyu wokusvinudza meso yorombe, waikonaba nai kudziirira munhu wakareyu kuti areke kupfa?"

Razaro Anomutsiwa Pakupfa

Zvino Jesu adonzva kudzamihwa pakare, ndokuenda paguwa, ranga riri bako, nodombo ridoisiwa pamuromo parene. Jesu adoti, "Biritsai dombo."

Asi Marita, hanzvadzi yomupfi adoti kwaari, "Ishe iye manje wakutonuhwa, nokuti kwatopera mazuva manai wapfa."

Jesu adoti kwaari, "Ko handinai kukunyairira kuti kana ukatenda uchaona kubhwinya kwaMwari?" Saka vadobiritsa dombo. Jesu adosimudza chiso chache ndokuti, "Baba ndinokutendai kuti mandinzva. Ndinoziva kuti munondinzva nguwa dzese, asi ndazvinyaira nondava yovanhu vadomira pano, kuti vatende kuti mudondituma." Paadonyaira zvakarezvi, adodaidzira nodzinga ropamusoro achiti, "Razaro, birika." Munhu adopfa adobirika muguwa, maoko nomakumbo yache yanga yadopomberedzewa nojira, chiso chache chidofukidziwa nofuko. Jesu adoti kwavari, "Mumononorei mapiza yomuguwa mumureke aende."

Conclusão

Os milagres de Jesus revelam sua autoridade sobre a natureza, as enfermidades, o mundo espiritual e até a morte. Eles não são apenas demonstrações de poder, mas sinais que apontam para sua identidade e missão.

Ao estudar esses milagres, é possível compreender melhor o papel de Jesus e a mensagem central do Evangelho.

Se este conteúdo ajudou você a entender os milagres de Jesus na Bíblia, compartilhe este artigo para que mais pessoas também conheçam esses ensinamentos.

Edineia Fernandes
1 pessoa deu Amém