Aceitar Jesus
Aceitar Jesus é a decisão mais importante da vida. Quem o recebe como Senhor e Salvador recebe vida eterna, perdão completo e a presença permanente do Espírito Santo.
Asi vese vadomutambira, vaye vadotenda muzita rache, adovapasa simba rokuva vana vaMwari,
Nokuti Mwari adoditsa nyika zvokutoipasa Mwanakomana wache mubodziyo, kuti wese anotenda kwaari areke kupfa, asi ave noupenyu husingapere.
Jesu adoti kwaari, "Ndini nzira, nochokwadi, noupenyu, hapanai anouya kuna Baba, asi nopandiri.
Nokuti kana uchipupura nomuromo wako kuti Jesu ndiye Ishe pakare uchitenda mumwoyo mako kuti Mwari adomumutsa kubva kuvadopfa, uchaponesewa.
Ndava mubairo wochitema ipfa, asi chipo chaMwari, upenyu husingapere muna Khirisitu Jesu Ishe wedu.
Zvino wese anodaidza kuzita raIshe achaponesewa.’
Pita adoti kwavari, "Pindukai umwe noumwe wenyu aombekewe muzita raJesu Khirisitu kuti murekerehwe zvitema zvenyu, uye muchatambira chipo choMweya Mutsvene.
Uye hapanai ruponiso kunoumwe, nokuti hapanai rimwe zita pasi podenga ridopasiwa pakati povanhu, ratingaponesewe naro."
Ivo vadoti, "Tenda muna Ishe Jesu, uchaponesewa, iwewe novoimba yako."
Kana tikareurira zvitadzo zvedu, iye adotendeka futi adorurama, saka anotiregerera zvitadzo zvedu nokutinatsa pazvese zvisinai kururama.
Ona, ndinomira pamusuwo ndichigugudza, kana munhu akanzva dzinga rangu akavhura musuwo, ndichapinda maari ndoja pabodzi naye, iye nainini.