Agradecimento pela vida
Agradecer pela vida é reconhecer que cada respiração é dom de Deus. Toda criatura que tem fôlego louve ao Senhor — porque Ele nos formou e nos sustenta com amor.
nguwa dzese pazvinhu zvese pasai kutenda kuna Mwari Baba muzita raIshe wedu Jesu Khirisitu.
Munamato waPhauro kuvaVerengi Vache
Mbaaropafadziwe Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Khirisitu, adotiropafadza muna Khirisitu nokuropafadziwa kwese mumweya kunzvimbo dzokudzuru.
Mwari mbaatendewe nokuda kwochipo chache chisingatsanangurike!
muchipasa kutenda kuna Baba, adokuitai kuti muve vadokodzera kukovehwa nhaka yovatsvene muchiedza choumambo. Iye adotisunungura kubva pamasimba yorima ndokutiisa muumambo hwoMwanakomana wache waanoda. maari tinorudzikinuro, iko kurekerehwa zvitema.
Khirisitu noBasa Rache
Khirisitu ndiye mufananidzo waMwari asingaoneke, ndiye dangwe rozvisikwa zvese, nokuti maari zvinhu zvese zvidosikiwa, zviri kudenga nozviri panyika, zvinooneka nozvisingaoneke, zvingave mipando youshe kana ushe kana vatongi kana vanomasimba. Zvinhu zvese zvidosikiwa kuburikidza naye uye zvidosikihwa iye. Ndiye anothangira zvinhu zvese, uye maari zvinhu zvese zvidobatana pabodzi.